Jobhu 36 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Tsitsi dzaMwari dzakavandika ndiye mudzidzisi

1Erihu akaenderera mberi kutaura achiti,

2“Chimbondiitirai zvenyu mwoyo murefu.

Ndikuratidzei kuti pachine zvimwe

zvokutaura ndakamiririra Mwari

3zvandinoziva zvinosvika nokokoko.

Ndicharatidza kuti musiki wangu mururami

4nokuti chokwadi chaizvo

zvandinoreva hazvisi nhema.

Wamunaye izvozvi ndoweruzivo rwakaperera.

Nhamo dzinovingei patiri

5“Chinzwai munzwe Mwari ane simba

uye haana waanoshora

Mwari ishasha pasimba rokunzwisisa.

6Havaite kuti vakaipa varambe vari vapenyu,

vanotambura anovapa zvavanofanira kuva nazvo.

7Ziso rake haribvi pamururami

asi anovagadza namadzimambo pazvigaro zvoumambo

anovagadza nokusingaperi vachizorumbidzwa.

8Kana vari muusungwa netambo,

vakasungwa netambo dzezvinorwadza.

9Ipapo anovazivisa zvavakaita nezvavakanganisa

nokuti vanenge vachizvikudza.

10Anovazarura nzeve kuzvidzidziso

achiti vadzoke vachibva kuuipi.

11Vakateerera nokumushandira,

vanopedza mazuva avo mukubudirira,

uye makore avo mumutambaratede.

12Vakarega kuteerera,

vanopera nebakatwa rehondo

vachifa vasina zvavanoziva.

13Vasiri vanamati, mumwoyo mavo

vanofarira hasha,

havacheme kwaari kuti avabatsire kana avasunga.

14Vanofa vari vadiki,

ndihwo upenyu hwacho pakati

pemhombwe dzepatemberi.

15Asi Mwari anonunura vari munhamo

nenhamo iyoyo

achivazarura nzeve nokutambudzika ikoko.

Zvichenjererei murumbidze Mwari

16“Kunyange imi, ari kuda kukubvisai munhamo

kuti akuisei munzvimbo yakafara isina kumanikana.

Tafura yenyu yakanga yakazara nokudya.

17Imi makazadzisa mamuri kutongwa kwavaipi

kutongwa noruenzaniso zvakuwanai.

18Chenjerai kunyengedzwa nepfumbamuromo

kana kutsautswa noupfumi.

19Hazvina chimuko kuti mukumbire rubatsiro.

Simba renyu rose harikwanisi kukubatsirai zvino.

20Musasuwire kuti usiku husvike

nguva inotsakatiswa marudzi avanhu

kubva mumisha yavo.

21Chenjera kuti usapindukire kune zvakaipa

ndokusaka iye zvino uchiedzwa nenhamo.

22Tarisai muone kuti Mwari,

anokudzwa kwazvo pasimba rake.

Ndiani mudzidzisi akaita saiye?

23Ndiani akamutaurira maitiro aangaite.

Ndiani angati kwaari wakatadza?

24Rangarira kurumbidza mabasa ake

akaimbwa navanhu.

25Munhu wose anoaona,

munhu anoatarisa nokure.

Mbiri yaMwari muzvisikwa zvake haibatiki

26“Chinzwai munzwe, Mwari mukuru

zvokuti hatimuzivi,

kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

27Nokuti anoumba madonhwe emvura,

ndimo mozobva mvura inonaya kusvika kumhute.

28Ndiyo yacho inozonaiwa namatenga

ichidururika zvakanyanya pavanhu vose.

29Pane munhu anganzwisise here

kupararira kunoita makore

uye kuti munotinhira sei mukazumba kake ikako?

30Hauone here kumwararisa kwaanoita

mheni paari?

Inozadza kunyange hwaro hwegungwa.

31Ndizvo zvaanotonga nazvo vanhu

achipa vanhu chokudya chakawanda.

32Anozadza mheni muchanza

achiiti irove paanoda kuti irove.

33Kudhiriridza kwayo kunoyambira kuuya kwedutu,

kunyange mombe dzinonzwa kuti iri kuuya.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help