2 Vakorinde 13 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mazwi okuonekana nokuyambira

1Aka kava kechitatu ndichiuya kwamuri. Nyaya yose inofanira kutsigirwa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

2Ndakayambira avo vakambotadza navamwe vose uye ndiri kuvayambira, iye zvino, ndisipo sezvandakamboita ndiripo, pandakakushanyirai rwechipiri, kuti kana ndouyazve handivaregi vasina kurangwa.

3Zvamunoda chinhu chinoratidza nacho kuti Kristu anotaura mandiri, iye ndiye achaonana nemi, haasi dera ane simba pakati penyu.

4Iye akarovererwa pamuchinjikwa muutera asi mupenyu nesimba raMwari. Nokudaro muchaona kuti isu tine utera pamwechete naye asi tichararama pamwechete naye nesimba raMwari.

5Zviongororei muone kuti muchiri pachokwadi nechitendero chenyu here? Zvionei pamumire. Hamuoni here kuti Jesu Kristu ari mamuri kusatoti makundika mukuzviongorora kwenyu!

6Ndinotarisira kuti imi muchaona kuti isu hatina kukundika.

7Tinonamata Mwari kuti murege kukanganisa, kwete kuti zvioneke kuti isu takabudirira asi kuti muite zvakarurama kunyange isu tichiita sokunge takakundika.

8Hatigoni kuita chii zvacho kurwisana nechokwadi asi kutorwira chokwadi chacho.

9Tinotofara kana tine utera imi muine simba. Chatinonamatira ndechokuti imi mururamiswe.

10Ndiri kunyora izvi ndiri kure nemi kuti kana ndouyako, ndirege kuva munhu akaomarara pandinoshandisa simba randakapiwa naTenzi rokuvaka kwete kupaza.

MAZWI OKUZARIRA

11Pokupedzisira, hama dzangu, ndinoti chisarai. Gadziridzai nzira dzenyu. Teererai zvandinotaura, wiriranai, garisanai zvakanaka. Mwari werudo norugare achava nemi.

12Kwazisanai nokutsvodana kunoera.

13Vatsvene vose vanokukwazisai. Chikomborero chokutirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu norudo rwaMwari nokuwadzanisa kwaMweya Mutsvene ngachive nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help