Tsumo 29 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Munhu anotsiurwa kakawanda

asinganzwi,

achayerekana atyoka zvisingarapiki.

2Kana varurami vari ivo vari kutonga

vanhu vanofara

asi kana vaipi vari ivo varikutonga

vanhu vanodemba.

3Munhu anoda ungwaru

anoita kuti baba vafare

asi anoita ushamwari nezvifeve

anozviparadzira upfumi hwake.

4Mambo akatonga noruenzaniso

nyika inogarika

asi anopopera zvipo anoiparadza.

5Munhu anobata mumwe wake kumeso

ari kutomuteya tsoka nemambure.

6Muipi anoteyewa nechakaipa chake

asi mururami anoimba achifara.

7Mururami anoziva zvinokodzera

kuitirwa varombo

asi akaipa haanzwisisi izvozvo.

8Vashori vanonyandutsa guta

asi vangwaru vanopodza hasha.

9Kana mungwaru akaitirana nharo,

nebenzi, benzi rinopengereka

richiseka-seka, hapaiti runyararo.

10Vaurayi vanovenga vari pachokwadi,

vakaipa vanotsvaka kumupedzisa upenyu.

11Benzi rinoratidza hasha dzaro dzose

asi munhu akangwara anozvibata achizvidzora.

12Kana mutongi akateerera makuhwa

makurukota ake ose achava vanhu vakaipa.

13Chavanofanana vapfumi navarombo

chimwechete chokuti

Tenzi ndiye anovhenekera meso vose vari vaviri.

14Kana mambo akatonga varombo

zvakarurama chigaro chake choumambo

chinobva chadzika midzi.

15Shamhu nokutsiura zvinopa ungwaru

asi mwana akaregererwa anonyadzisa

amai vake.

16Kana vakaipa vari ivo vari kutonga

kutadza kunowanda,

asi vakarurama vachavaona vachiputsika.

17Dzidzisa mwana wako, iye achakupa zororo

achakufadza mwoyo.

18Kana pasina zviratidzo

vanhu inova njake njake;

asi akakomborerwa zvake anochengeta mutemo.

19Muranda haadzoreki namazwi chete

kunyange akanzwisisa

haamboita hanya nazvo.

20Ukaona munhu anokurumidza kutaura,

benzi rine charinotowana kupinda iye.

21Munhu akaregerera muranda

kubvira pauduku hwake

mushure mezvo anomugarira nhaka.

22Munhu wehasha anomutsa manyongori

nyahasha anokonzera kutadza kwakawanda.

23Kuzvikudza kunoderedza munhu pasi

asi munhu anozvirereka,

anozokudzwa.

24Anobatsirana nembavha anovenga upenyu hwake

anonzwa zvake kurengererwa rushambwa

kunoitwa mudare

asi hapana chaanodura

25Kuzeza vanhu iriva

asi anovimba naTenzi

hapana chinomuwana.

26Vazhinji vanotsvaka chizivano nomutongi

asi anotonga zvine ruenzaniso ndiTenzi.

27Munhu asina ruenzaniso anosemesa kuvarurami

asi ari pachokwadi anosemesawo kumuipi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help