Nziyo 141 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rumbo rwaDhavhidhi.Mururami anochema kuna Mwari pakati pavakaipa

1Ndinodanidzira kwamuri TENZI

kurumidzai kuuya kwandiri.

Teererai izwi rangu

pandinodanidzira kwamuri.

2Munamato wangu ngauite serusenzi kwamuri

uye kusimudza kwandinoita maoko

kuite sechibayiro chamanheru.

3Batai muromo wangu TENZI;

chengetedzai musuwo womuromo wangu.

4Regai kurerekesa mwoyo wangu

kune chinhu chakaipa

kuti ndiite zvinhu zvakaipa,

pamwechete navanhu vanoita zvakaipa

regai kuti ndidye twunonaka twavo.

5Wakarurama angandirove zvake,

kana kunditsiura zvakanaka,

asi mafuta avakaipa

asatombozora zvao musoro wangu

nokuti munamato wangu

unogara wakanangana nezvakaipa zvavo.

6Kana vaiswa mumaoko

avanhu vanovabata nemhosva,

ndipo pavachadzidza kuti

mazwi aTENZI ndeechokwadi.

7Sokutsemura kunoita munhu dombo

achiripwanyira pasi,

saizvozvowo mapfupa avo

achanzi mwarara pamusuo weguva.

8Asi maziso angu anotarisa

kwamuri Mwari TENZI;

ndinopotera kwamuri

musandisiye ndiri pamhene.

9Ndidzivirireiwo kumisungo

yavakanditeya nayo

uye kumariva avaiti vezvakaipa.

10Vaipi ngavawire mumambure

avo pamwechete ini ndichipunyuka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help