Jobhu 28 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

D: RUMBO RWOKURUMBIDZA UNGWARU

1“Inga ungwaru hunopfuura njere dzomunhu

sirivha ine migodhi yayo

kune nzvimbowo yokunatsa ndarama.

2Simbi inocherwa muvhu

mhangurawo inonyungurutswa ichibva mumatombo.

3Munhu ndiye anotoisira rima miganhu,

achichera kusvika kwakadzama chaiko,

kumatombo ari kuhwenje hwerima.

4Munhu anogona kuchera migodhi

kure nokunogara vanhu,

munzvimbo dzakakanganika norutsoka rwomunhu

vachiita muzeerere netambo kure navanhu

5muvhu munobva chokudya

asi zviri pasi apa zvinopinduka kunge moto.

6Mumatombo munogara matombo esafaya

uye mune huruva yendarama.

7Nzira yacho iyoyo

haisati yabhururuka neshiri

kunyange ziso rorukodzi harisati ramboiona.

8Zvikara zvinoti ndisu pano,

hazvisati zvambokutsika.

Shumba haisati yambokufamba.

9Munhu anochera dombo romusarasara

achipidigura makomo kusara aisa midzi yawo pachena.

10Anoita mwena mumatombo

ziso rake richiona chose chakakosha.

11Anoita madhamu kunotangira tukova

kuitira kuti zvakavandika zvibude pachena.

Kunowanika hungwaru

12“Asi ungwaru hunowanika kupi?

Kunzwisisa kunogarepi?

13Munhu haazivi nzira yoko

uye hauwanikwi munyika yavapenyu.

14Hwenje hunoti hausi mandiri,

gungwawo rinoti hausi neni.

15Haugoni kutsinhaniswa nendarama

haugone kuyerwa nomutengo wesirivha.

16Haugoni kuenzaniswa kukosha kwahwo nendarama yeOfiri

kana nokukosha neOnikisi kana neSafaya.

17Ndarama kana girazi

hazvingaenzaniswi naho,

kana kutsinhaniswa nezvishongo zvendarama yakanakisisa,

18tisingamboswerozvienzanisa zvedu

nekarari kana nekiristari

mutengo woungwaru uri pamusoro pewemapera.

19Matombo eTopasi ekuEtiopia haangamboenzaniswa nahwo

kana kuera kukosha kwahwo nendarama yakanakisisa.

20“Ko zvino hungwaru hunobva kupi?

Kunzwisisa, nzvimbo yako iri kupi?

21Yakavandika kuvapenyu vose

yakahwanda kushiri dzedenga.

22Nzvimbo yavachakabvu norufu zvinoti

takangonzwa chete runyerekupe rwahwo nenzeve.

Mwari ndiye anoziva kuno ungwaru

23“Mwari ndiye anonzwisisa nzira yokuungwaru

uye anoziva nzvimbo yahwo

24(Nokuti anoona kwakaperera nyika

uye anoona chose chiri pasi pedenga.)

25Paakapa mhepo simba rayo

achiyera mvura nechiyereso

26achipa mvura inonaya mitemo yayo,

nemheni inodhiriridza nzira yayo

27ndopaakanyatsohuongorora akahuona akahurangarira akahuera

udzame hwahwo.

28Ndipo paakati kuvanhu

kutya Mwari ndihwo hungwaru

kunzvenga chitadzo ndiko kunzwisisa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help