1 Vanamakabhi 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mukurumbira waSimoni

1Mugore rezana namakumi manomwe nerechipiri, mambo Dhemetiriusi akaunganidza hondo dzake dzavarwi akaenda kuMidhia kundotsvaka rubatsiro kuti agone kurwisa Tirifo.

2Arisakesi mambo wePezhiya neMidhia paakanzwa kuti Dhemetiriusi apinda munyika make nehondo akatuma mumwe mutungamiriri wehondo yake kundomutora ari mupenyu.

3Iye akaenda akakurira hondo yaDhemetiriusi, akamubata akumuendesa kuna Arisakesi akamuisa muusungwa.

4Mumazuva ose oupenyu hwaSimoni,

nyika yakazorora.

Chaaitsvaka chete kuti zvinakire vorudzi rwake,

matongero ake akavafadza,

sezvairatidzwawo norukudzo rwaaipiwa

mazuva ose oupenyu hwake.

5Zvakazonyatsomusvitsa pamusoro chaipo

pomukurumbira wake

kukurira kwaakaita guta reJopa

kuriita guta rake rokusvikira ngarava

akazarura nzira yokuenda kuzvitsuwa zvomugungwa.

6Nyika yake akaiita zidhandanda kuikudzakudza

ikava chaizvoizvo mumaoko make.

7Simoni akatuta gurusvusvu chairo renhapwa

akatonga guta reGaza nereBhetizuru

pamwechete nenhare yokuzvidzivirira muhondo nayo

akaichenura kun'ora kwayakambenge yaita

uye hapana aimboti pwe kwaari.

8Vanhu vakarima minda yavo murunyararo

ivhu rikapa mbesa,

miti, mumakanga, ikawa michero.

9Harahwa dzakanga dzichitotandarawo zvadzo mumigwagwa

dzichidya nyaya dzezvinhu zvakanaka,

vechidiki ava vachipurira zvavo

hanzu dzehondo dzine mukurumbira.

10Maguta akaawanisa zvokudya

akaawanisawo zvokuzvidzivirira nazvo,

kudzamara mukurumbira wake

wasvika kumagumo enyika.

11Akaita kuti nyika ive murugare,

Isiraeri ikafara kwazvo nokufara kukuru.

12Munhu wose akanga onyatsogara zvake

pamugirepisi wake kana pamukuyu wake

kusisina kana neanovatyisidzira.

13Munyika makasara musisina

kana mumwechete wokuvarwisa

uye madzimambo akaparadzwa

mumazuva acho iwayo.

14Vanamunhuwo zvavo

vose verudzi rwake

akavasimbaradza;

pamutemo ndopakanga paine mwoyo wake,

achidzingira kure munhu wose

asina mutemo nomuipi.

15Simoni akaita kuti

Nzvimbo Inoera ive nomukurumbira,

akawedzera midziyo yomuNzvimbo Inoera.

Kumutsurudza kuwirirana kwavaJudha navaRoma nevokuSipata

16Shoko rokuti Jonatani akafa rakasvika kuRoma kunyange kuSipata zvikavarwadza mumwoyo chaizvo.

17Kuzoti vanzwa kuti Simoni mukoma waJonatani ndiye akanga ava mupristi mukuru panzvimbo yomunun'una wake uye kuti ndiye akanga ava kutonga nyika iyoyo namaguta ayo,

18vaRoma vakamunyorera shoko paturata twendarira kumutsiridza ushamwari nokuwirirana kwavakanga vaita naJudhasi nomunun'una wake Jonatani.

19Tsamba idzodzi dzakaverengerwa mugungano ravaJudha muJerusaremu.

20Iyi ndiyo tsamba yakatumirwa navanhu vokuSipata inoti,

“Ndisu vatongi navagari veguta revanhu vokuSipata

tinokunyorera iwe Simoni, mupristi mukuru nemi vakuru

vakuru navapristi nemi vamwe mose vaJudha

hama dzedu tichikukwazisai.

21Nhume dzakatumirwa kuno kuvanhu vedu,

dzakatirondodzera mbiri nomukurumbira wenyu,

isu takafadzwa kwazvo nokuuya kwavo.

22Zvavakataura takazvinyora matinonyora zvirevo

zvokuzivisa vanhu tichiti,

‘Numeniusi mwanakomana waAndiokusi pamwechete

naAndipeta mwanakomana waJasoni nhume dzavaJudha dzauya

kwatiri kuzomutsurudza ushamwari hwavo nesu.

23Ichi chinhu chafadza vanhu vedu

kugamuchira vanhu ivava noruremekedzo uye

nokuisa tsamba yamazwi avo munochengeterwa

zvinyorwa zvenyika kuitira kuti vanhu veSipata

vasarewo vaine tsamba yezvenyaya imwecheteyo

uye kuti vatumira tsamba yezvenyaya yakareyo

kuna Simoni mupristi mukuru.’ ”

24Mushure maizvozvi Simoni akatumira Numeniusi kuRoma aine nhoo huru yendarama inorema mazana matanhatu amakirogiramu yokusimbisa kuwirirana uku navaRoma.Kuitwa mutongi wavaJudha kwaSimoni

25Vanhu pavakanzwa zvinhu izvozvi vakati, “Tingatende sei chokwadi Simoni navanakomana vake!

26Tinodaro nokuti iye navakoma navanun'una vake nevemba yababa vake vakaramba vakamira zvakasimba kurwisa vakadzinganisa mhandu dzeIsiraeri vakaipa rusununguko.”

27Naizvozvo vakanyora nyaya iyoyi paturata twendarira vakatunamatidza pamisimboti paGomo reZioni. Iyi ndiyo tsamba yacho yavakanyora yaiti,

“Pamusi wegumi nechisere wemwedzi waEruru

mugore rezana namakumi manomwe nerechipiri,

muri mugore rechitatu rokutonga kwaSimoni mupristi

mukuru uya womukurumbira,

28mudare ravanhu vaMwari mugungano guru

revapristi navanhu navatongi verudzi irworwu

rwavanhu pamwechete navakuru vakuru

venyika ino takaziviswa izvi zvinoti:

29“Pamusana pokuti hondo dzakanga dzichingomuka–muka

munyika muno, Simoni mwanakomana waMatatiya

mumwe mupristi wokuvanakomana vokwaJoyaribhu

pamwechete navakoma navanun'una vake vakazviisa

munjodzi vachimirisana navavengi vavanhu

vavo kuitira kuti

Nzvimbo yavo Inoera nomutemo zvichengetedzwe

vakabva vazowanira nyika yavo mukurumbira

mukuru kwazvo.

30Jonatani akakokorodza nyika yake

akabva ava mupristi wavo mukuru ndokuzoendawo

zvake kwakaenda vamwe vokwake.

31Kuzoti vavengi vavo varonga

zvokuvapindira munyika mavo

kuzobata–bata Nzvimbo yavo Inoera,

32Simoni akasimuka akarwira nyika yake.

Akashandisa mari yake yakawanda kwazvo,

yake pachake akawanisa varwi vehondo venyika

ino zvombo zvokurwisa nazvo

uye achivatambirisa mari.

33Simoni akavakirira norusvingo maguta

eJudhia negutawo reBhetizuru riri

pamiganhu yeJudhia kwaimbochengeterwa

nomuvengi zvombo zvokurwisa nazvo;

akabva aisamo chikwata chavarwi vechiJudha.

34Simoni akavakirirawo norusvingo guta reJopa

riri pedyo negungwa, uyewo Gaza,

guta riri kumiganhu yeAzotusi

kwaimbenge kuchigara muvengi.

Akaisa vaJudha ikoko kuti vaite

misha ikoko achivawanisa zvose zvokuvabatsira

kuti maguta iyawo amire zvakare.

35“Vanhu vakaona maitiro aSimoni

nomukurumbira waakanga atsunga mwoyo

kuwanira nyika yake, vakamuita mutungamiriri wavo

nomupristi mukuru pamusana pokuti akanga

aita zvinhu zvose izvozvi uye

pari pamusana poruenzaniso nokutendeseka

zvaakaramba ainazvo achiitira nyika yake.

Chaaida kwaiva kusimudzira vanhu

vake napose paaigona napo.

36Nezvo mumazuva ake zvinhu zvakafamba zvakanaka

zviri mumaoko make zvokuti vechirudzi

vakadzingwa munyika ino sezvakangoitwawo vamwe

vanhu vakanga vari muGuta raDhavhidhi, muJerusaremu.

Vakanga vazvivakira nhare iyi yokuzvidzivirira nayo muhondo

mavaipota vachimbowiriwidzana kubuda

vachindon'oresa nhandare yeNzvimbo Inoera

vachiwondonga zvakaipisisa kwazvo kunaka kwayo.

37Akaisa vaJudha imomo,

Simoni akaivakirira norusvingo kuitira

kuti nyika neguta irori zvichengetedzeke.

Akavakawo tsvingo dzeJerusaremu kudzirebesa mudenga.

38“Izvozvi izvi zvakapa kuti mambo Dhemetiriusi

atsigire kuti arambe ari mupristi mukuru,

39uye akaita kuti Simoni ave mumwe

weshamwari dzamambo akamuremekedza

zvikuru kwazvo,

40pamusana pokuti akanga anzwa kuti

vaJudha vakatumirwa shoko ravaRoma

vachivati ishamwari dzavo navanhu

vavanowirirana navo nehama uye kuti

vaRoma vakanga vagamuchira nhumwa dzaSimoni

zvino ruremekedzo,

41uyewo kuti vaJudha navapristi vavo vakasarudza

kuti Simoni anofanira kuva mutungamiriri

wavo nomupristi mukuru narini wose

kudakara patozomuka muporofita chaiye wechokwadi,

42uyezve kuti ave gavhuna wavo

uye kuti anofanira kuva mukuru wokuona

nezvepaNzvimbo Inoera

aise vanhu vokuita mabasa epo

nebasa rokuona nezvokutonga nyika novokuona

nezvezvombo zvokurwisa nazvo

novokuonawo nezvenhare yokuzvidzivirira nayo

muhondo uyezve kuti ave ndiye wokuona

nezvepaNzvimbo Inoera;

43uyewo kutiwo anofanira kuteererwa navanhu vose

uye kuti zvibvumirano zvose munyika,

zvinofanira kutonyorwa muzita rake;

uyezve kuti anofanira kupfeka hanzu

dzoruvara rwohute

nokushonga ndarama.

44“Chimwe ndechokuti hapana mumwe wavanhu kana

mupristi anofanira kuzobvumirwa kuti ashayise

basa chipi nechipi zvacho chezvatemwa izvi

kana kupikisana nezvaanenge areva, kunyange kuita

musangano munyika muno asina kubvumirwa naye

kana kupfeka hanzu dzoruvara rwohute kunyange kushonga

chikochekero chebhande chendarama.

45Kuwana anoita zvinopikisana nezvatemwa izvozvi izvi

kana kushayisa basa chipi nechipi chazvo,

anofanira kuti arangwe.”

46Vanhu vose vakabvumira kupa Simoni mvumo yokuti atonge maererano nezvizvi zvakatemwa.

47Saizvozvowo Simoni akagamuchira akabvuma kuva mupristi mukuru nomutungamiriri wehondo nomutongi wevaJudha navapristi nokuvawo muchengetedzi wavo vose.

48Vanhu vakatema kuti chirevo ichochi chinyorwe paturata twendarira tugonamatidzwa patunoonekwa munhandare muNzvimbo Inoera

49uye kuti tumwe twakangoita saitwotwo tuchengeterwe munochengeterwa upfumi kuitira kuti Simoni navanakomana vake vavewo nazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help