1Mugore rezana namakumi manomwe nerechipiri, mambo Dhemetiriusi akaunganidza hondo dzake dzavarwi akaenda kuMidhia kundotsvaka rubatsiro kuti agone kurwisa Tirifo.
2Arisakesi mambo wePezhiya neMidhia paakanzwa kuti Dhemetiriusi apinda munyika make nehondo akatuma mumwe mutungamiriri wehondo yake kundomutora ari mupenyu.
3Iye akaenda akakurira hondo yaDhemetiriusi, akamubata akumuendesa kuna Arisakesi akamuisa muusungwa.
4Mumazuva ose oupenyu hwaSimoni,
nyika yakazorora.
Chaaitsvaka chete kuti zvinakire vorudzi rwake,
matongero ake akavafadza,
sezvairatidzwawo norukudzo rwaaipiwa
mazuva ose oupenyu hwake.
5Zvakazonyatsomusvitsa pamusoro chaipo
pomukurumbira wake
kukurira kwaakaita guta reJopa
kuriita guta rake rokusvikira ngarava
akazarura nzira yokuenda kuzvitsuwa zvomugungwa.
6Nyika yake akaiita zidhandanda kuikudzakudza
ikava chaizvoizvo mumaoko make.
7Simoni akatuta gurusvusvu chairo renhapwa
akatonga guta reGaza nereBhetizuru
pamwechete nenhare yokuzvidzivirira muhondo nayo
akaichenura kun'ora kwayakambenge yaita
uye hapana aimboti pwe kwaari.
8Vanhu vakarima minda yavo murunyararo
ivhu rikapa mbesa,
miti, mumakanga, ikawa michero.
9Harahwa dzakanga dzichitotandarawo zvadzo mumigwagwa
dzichidya nyaya dzezvinhu zvakanaka,
vechidiki ava vachipurira zvavo
hanzu dzehondo dzine mukurumbira.
10Maguta akaawanisa zvokudya
akaawanisawo zvokuzvidzivirira nazvo,
kudzamara mukurumbira wake
wasvika kumagumo enyika.
11Akaita kuti nyika ive murugare,
Isiraeri ikafara kwazvo nokufara kukuru.
12Munhu wose akanga onyatsogara zvake
pamugirepisi wake kana pamukuyu wake
kusisina kana neanovatyisidzira.
13Munyika makasara musisina
kana mumwechete wokuvarwisa
uye madzimambo akaparadzwa
mumazuva acho iwayo.
14Vanamunhuwo zvavo
vose verudzi rwake
akavasimbaradza;
pamutemo ndopakanga paine mwoyo wake,
achidzingira kure munhu wose
asina mutemo nomuipi.
15Simoni akaita kuti
Nzvimbo Inoera ive nomukurumbira,
akawedzera midziyo yomuNzvimbo Inoera.
Kumutsurudza kuwirirana kwavaJudha navaRoma nevokuSipata16Shoko rokuti Jonatani akafa rakasvika kuRoma kunyange kuSipata zvikavarwadza mumwoyo chaizvo.
17Kuzoti vanzwa kuti Simoni mukoma waJonatani ndiye akanga ava mupristi mukuru panzvimbo yomunun'una wake uye kuti ndiye akanga ava kutonga nyika iyoyo namaguta ayo,
18vaRoma vakamunyorera shoko paturata twendarira kumutsiridza ushamwari nokuwirirana kwavakanga vaita naJudhasi nomunun'una wake Jonatani.
19Tsamba idzodzi dzakaverengerwa mugungano ravaJudha muJerusaremu.
20Iyi ndiyo tsamba yakatumirwa navanhu vokuSipata inoti,
“Ndisu vatongi navagari veguta revanhu vokuSipata
tinokunyorera iwe Simoni, mupristi mukuru nemi vakuru
vakuru navapristi nemi vamwe mose vaJudha
hama dzedu tichikukwazisai.
21Nhume dzakatumirwa kuno kuvanhu vedu,
dzakatirondodzera mbiri nomukurumbira wenyu,
isu takafadzwa kwazvo nokuuya kwavo.
22Zvavakataura takazvinyora matinonyora zvirevo
zvokuzivisa vanhu tichiti,
‘Numeniusi mwanakomana waAndiokusi pamwechete
naAndipeta mwanakomana waJasoni nhume dzavaJudha dzauya
kwatiri kuzomutsurudza ushamwari hwavo nesu.
23Ichi chinhu chafadza vanhu vedu
kugamuchira vanhu ivava noruremekedzo uye
nokuisa tsamba yamazwi avo munochengeterwa
zvinyorwa zvenyika kuitira kuti vanhu veSipata
vasarewo vaine tsamba yezvenyaya imwecheteyo
uye kuti vatumira tsamba yezvenyaya yakareyo
kuna Simoni mupristi mukuru.’ ”
24Mushure maizvozvi Simoni akatumira Numeniusi kuRoma aine nhoo huru yendarama inorema mazana matanhatu amakirogiramu yokusimbisa kuwirirana uku navaRoma.Kuitwa mutongi wavaJudha kwaSimoni
25Vanhu pavakanzwa zvinhu izvozvi vakati, “Tingatende sei chokwadi Simoni navanakomana vake!
26Tinodaro nokuti iye navakoma navanun'una vake nevemba yababa vake vakaramba vakamira zvakasimba kurwisa vakadzinganisa mhandu dzeIsiraeri vakaipa rusununguko.”
27Naizvozvo vakanyora nyaya iyoyi paturata twendarira vakatunamatidza pamisimboti paGomo reZioni. Iyi ndiyo tsamba yacho yavakanyora yaiti,
“Pamusi wegumi nechisere wemwedzi waEruru
mugore rezana namakumi manomwe nerechipiri,
muri mugore rechitatu rokutonga kwaSimoni mupristi
mukuru uya womukurumbira,
28mudare ravanhu vaMwari mugungano guru
revapristi navanhu navatongi verudzi irworwu
rwavanhu pamwechete navakuru vakuru
venyika ino takaziviswa izvi zvinoti:
29“Pamusana pokuti hondo dzakanga dzichingomuka–muka
munyika muno, Simoni mwanakomana waMatatiya
mumwe mupristi wokuvanakomana vokwaJoyaribhu
pamwechete navakoma navanun'una vake vakazviisa
munjodzi vachimirisana navavengi vavanhu
vavo kuitira kuti
Nzvimbo yavo Inoera nomutemo zvichengetedzwe
vakabva vazowanira nyika yavo mukurumbira
mukuru kwazvo.
30Jonatani akakokorodza nyika yake
akabva ava mupristi wavo mukuru ndokuzoendawo
zvake kwakaenda vamwe vokwake.
31Kuzoti vavengi vavo varonga
zvokuvapindira munyika mavo
kuzobata–bata Nzvimbo yavo Inoera,
32Simoni akasimuka akarwira nyika yake.
Akashandisa mari yake yakawanda kwazvo,
yake pachake akawanisa varwi vehondo venyika
ino zvombo zvokurwisa nazvo
uye achivatambirisa mari.
33Simoni akavakirira norusvingo maguta
eJudhia negutawo reBhetizuru riri
pamiganhu yeJudhia kwaimbochengeterwa
nomuvengi zvombo zvokurwisa nazvo;
akabva aisamo chikwata chavarwi vechiJudha.
34Simoni akavakirirawo norusvingo guta reJopa
riri pedyo negungwa, uyewo Gaza,
guta riri kumiganhu yeAzotusi
kwaimbenge kuchigara muvengi.
Akaisa vaJudha ikoko kuti vaite
misha ikoko achivawanisa zvose zvokuvabatsira
kuti maguta iyawo amire zvakare.
35“Vanhu vakaona maitiro aSimoni
nomukurumbira waakanga atsunga mwoyo
kuwanira nyika yake, vakamuita mutungamiriri wavo
nomupristi mukuru pamusana pokuti akanga
aita zvinhu zvose izvozvi uye
pari pamusana poruenzaniso nokutendeseka
zvaakaramba ainazvo achiitira nyika yake.
Chaaida kwaiva kusimudzira vanhu
vake napose paaigona napo.
36Nezvo mumazuva ake zvinhu zvakafamba zvakanaka
zviri mumaoko make zvokuti vechirudzi
vakadzingwa munyika ino sezvakangoitwawo vamwe
vanhu vakanga vari muGuta raDhavhidhi, muJerusaremu.
Vakanga vazvivakira nhare iyi yokuzvidzivirira nayo muhondo
mavaipota vachimbowiriwidzana kubuda
vachindon'oresa nhandare yeNzvimbo Inoera
vachiwondonga zvakaipisisa kwazvo kunaka kwayo.
37Akaisa vaJudha imomo,
Simoni akaivakirira norusvingo kuitira
kuti nyika neguta irori zvichengetedzeke.
Akavakawo tsvingo dzeJerusaremu kudzirebesa mudenga.
38“Izvozvi izvi zvakapa kuti mambo Dhemetiriusi
atsigire kuti arambe ari mupristi mukuru,
39uye akaita kuti Simoni ave mumwe
weshamwari dzamambo akamuremekedza
zvikuru kwazvo,
40pamusana pokuti akanga anzwa kuti
vaJudha vakatumirwa shoko ravaRoma
vachivati ishamwari dzavo navanhu
vavanowirirana navo nehama uye kuti
vaRoma vakanga vagamuchira nhumwa dzaSimoni
zvino ruremekedzo,
41uyewo kuti vaJudha navapristi vavo vakasarudza
kuti Simoni anofanira kuva mutungamiriri
wavo nomupristi mukuru narini wose
kudakara patozomuka muporofita chaiye wechokwadi,
42uyezve kuti ave gavhuna wavo
uye kuti anofanira kuva mukuru wokuona
nezvepaNzvimbo Inoera
aise vanhu vokuita mabasa epo
nebasa rokuona nezvokutonga nyika novokuona
nezvezvombo zvokurwisa nazvo
novokuonawo nezvenhare yokuzvidzivirira nayo
muhondo uyezve kuti ave ndiye wokuona
nezvepaNzvimbo Inoera;
43uyewo kutiwo anofanira kuteererwa navanhu vose
uye kuti zvibvumirano zvose munyika,
zvinofanira kutonyorwa muzita rake;
uyezve kuti anofanira kupfeka hanzu
dzoruvara rwohute
nokushonga ndarama.
44“Chimwe ndechokuti hapana mumwe wavanhu kana
mupristi anofanira kuzobvumirwa kuti ashayise
basa chipi nechipi zvacho chezvatemwa izvi
kana kupikisana nezvaanenge areva, kunyange kuita
musangano munyika muno asina kubvumirwa naye
kana kupfeka hanzu dzoruvara rwohute kunyange kushonga
chikochekero chebhande chendarama.
45Kuwana anoita zvinopikisana nezvatemwa izvozvi izvi
kana kushayisa basa chipi nechipi chazvo,
anofanira kuti arangwe.”
46Vanhu vose vakabvumira kupa Simoni mvumo yokuti atonge maererano nezvizvi zvakatemwa.
47Saizvozvowo Simoni akagamuchira akabvuma kuva mupristi mukuru nomutungamiriri wehondo nomutongi wevaJudha navapristi nokuvawo muchengetedzi wavo vose.
48Vanhu vakatema kuti chirevo ichochi chinyorwe paturata twendarira tugonamatidzwa patunoonekwa munhandare muNzvimbo Inoera
49uye kuti tumwe twakangoita saitwotwo tuchengeterwe munochengeterwa upfumi kuitira kuti Simoni navanakomana vake vavewo nazvo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.