Kuungudza 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

KUUNGUDZA KWECHIPIRI

1Pamusana pehasha dzake Tenzi,

kukwidibira here ikoko kwamakaita

Jerusaremu negore!

Shamhu yakarohweswa Jerusaremu naMwari

Akapatitsira pasi kubva mudenga

chinonzi mbiri yaIsiraeri ichocho.

Pazuva rehasha dzake

haana kuyeuka chitambarariko chetsoka dzake.

2Tenzi zvaasina kuitira tsitsi

vagari vose vokwaJakobho

akavaparadza

akakoromora nehasha

nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo

dzemisha yokwaJudha.

Akaputsira pasi

nyika nevatongi vayo

akadzinyadzisa.

3Akaparadza nehasha

simba rose reIsiraeri.

Rubatsiro rwake akarega kuvapa,

izvozvo muvengi achiuya.

Akapisa, somoto, vokwaJakobho

akaroromesa nharaunda yose.

4Akakunga uta hwake somuvengi,

rudyi rwake rwateya kune mhandu.

Akauraya vanhu vapamwoyo pedu

akaviruka nehasha somoto

muJerusaremu.

5Tenzi aita somuvengi;

aparadza Isiraeri,

aparadza mizinda yayo yose.

Nhare dzayo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo,

akadziita matongo zvawo.

Akawanziridza muJerusaremu

kuchema nokuungudza.

6Akaparadza musasa wake

somusasa womubindu

achiita kuti nzvimbo yamazuva ake makuru

ive dongo.

Tenzi zvamazuva makuru

namaSabata akazvimisa.

Madzimambo navapristi akavazvidza

pamusana pehasha dzake dzinotyisa.

7Tenzi akashora atari yake.

Akaramba Nzvimbo yake Inoera.

Tsvingo dzemizinda yake

akadziisa mumaoko avavengi.

Mumba yaTenzi makaitwa ruzha

sapazuva guru rakatemwa.

8Tenzi akatema zvokuita

kuti rusvingo rweJerusaremu

ruve dongo,

akaiganhura netambo rutivi

rwaakanyatsoparadza.

Nhare norusvingo zvakaungudza

zvikadhirika pamwechete.

9Misuo yaro mikuru yakanyura muvhu

akaondonga nokutyora zvihuri zvaro

mambo waro namachinda aro

vari mukati mevechirudzi.

Zvomutemo hapachisina;

vaporofita havachawana

zvavanooneswa naTenzi.

10Vakuru vakuru veJerusaremu

vanogara pasi vakanyarara

vakazvidira ivhu mumusoro

vakapfeka masaga,

vasikana veJerusaremu

vakakotamisa misoro yavo pasi.

11Maziso angu aneta nokuchema,

iyeni pachangu ndadumbirwa

shungu dzandipedza mwoyo

pamusana pokuparadzwa

kweguta ravanhu vangu

nokuti vacheche netusvava

twuri kuziya mumigwagwa yomuguta.

12Vanochema kunana amai vavo

vachiti, “Chingwa newaini zviripi

pavanoziya kudaro

savarume vakuvadzwa

mumigwagwa yeguta

vachitandadza vari pamakumbo

amai vavo.”

13Ndoti kudiiko kwauri

ndokuenzanisa neiko

iwe guta reJerusaremu?

Ndokufananidza neiko

kuti ndikunyaradze

iwe mhandara tsvene yeZioni

nokuti sokukura kwakaita gungwa

ndokukurawo kwakaita

kuparadzwa kwako.

Ndiani angakudzorere pakare?

14Vaporofita venyu vaikuonerai

zviratidzo zvenhema zvokunyengedza.

Uipi hwenyu havana kuhuburitsa pachena

kuti zvakanaka zvenyu zvidzokere kwamuri;

vakakuonerai zviratidzo zvenhema

zvinokutungamirirai kusiri iko.

15Vose vanopfuura nenzira

vanorovanisa maoko;

vanoridza tsamwa

vachidzungudza musoro

kuguta reJerusaremu,

vachiti, “Ndiro guta riya here iri rainzi

rakanakisisa kwazvo

rinopa rufaro pasi pose.”

16Vavengi vako vose vanokusveeredza

vachiridza tsamwa

vachikunyinurira mazino.

Vanotodanidzira vachiti,

“Takariparadza;

ndiro zuva rataimirira

zvino tavanaro, tinoriona.”

17Tenzi akaita zvaakanga aronga

akaita zvaakamboyambira

sokutema kwaakanga azviita

pasi chigare.

Akapaza zvisina tsitsi

akaita kuti muvengi afare

nezvakaitika kwauri,

akasimudzira pamusoro

simba ravavengi vako.

18Mwoyo yavanhu inochema kuna Tenzi

iwe rusvingo rweJerusaremu

misodzi yako ngaiyerere serwizi

siku nesikati

usazorore kana kuzorodza maziso ako.

19Simuka ucheme usiku pakutanga

panguva dzakasiyana-siyana dzokugaririra,

durura zviri pamwoyo pako semvura

mberi kwaTenzi.

Simudzira maoko ako kwaari

kuitira upenyu hwavana vako

vari kurezuka nenzara

pakona yoga yomugwagwa.

20Tarisai muone zvenyu, Tenzi

kuti ndiani chaizvo wamuri kuitira izvozvi.

Madzimai adye here mapudzi avo,

vana vavo chaivo vavanochengeta nerudo

kana kuti vapristi navaporofita

vauraiwe muNzvimbo Inoera yaTenzi.

21Panze zvapo vakuru navadiki

hero gatakata.

Mhandara nemajaya

vakauraiwa nebakatwa

pazuva rehasha dzenyu

pamakavauraya muchavakatakazha

zvisina tsitsi.

22Makakoka kubva kumativi ose

zvinotyisa sokunge pane, zuva guru rakatemwa

iyi yakanga iri nguva yenyu yehasha, Tenzi.

Hapana aipapunyuka ipapo kana kupararama

vandairezva vacho ndichirera

vavengi vangu vakavaparadza zvavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help