Jobhu 32 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

III: HURUKURO YAERIHUKusuma nyaya yake

1Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama.

2Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari.

3Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva.

4Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari.

5Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha.

Kukwegura hakusiko kunopa ungwaru asi Mweya

6Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati,

“Ini ndiri muduku

imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya

kukuudzai zvandinoziva.

7Ndati regai vakura ndivo vataure

vane makore aendedzana vape ungwaru.

8Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu

femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa.

9Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru

kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso.

10Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo

ndimbotaurawo zvandinofunga.

Makundika vakuru kupwisa Jobhu

11“Tarisai muone kuti

ndanga ndakamirira kuti imi mumbotaura

ndakateya nzeve kuhurukuro dzenyu dzoungwaru

imi muchimbotsvaka zvokuti mutaure.

12Ndanga ndakakuteererai zvangu

ndikaona kuti hapana apwisa Jobhu

uye kuti hapana mumwe pakati penyu

akwanisa kunyatsopindura Jobhu.

13Izvozvi mungati tazowana ungwaru zvino

Mwari ngaave iye anomupindura kwete munhu.

14Havana kutaura mashoko avo kwandiri

saka ini handichavapindura namashoko enyu.

15Varume ava vadumbirwa havachina chokupindura

havachina chokureva.

16Zvino ndoramba ndakamirira here

zvavasisataure kudai zvavangomira zvavo kudai

vasisapindure chinhu?

17Ini ndichapindurawo chikamu changu

iniwo ndichataura zvandinoziva

18nokuti ndizere namashoko

mukati umu ndiri kumonwa neshungu.

19Mwoyo wangu waita sewaini isina pokubuda napo

sezvigubhu zvewaini zvitsva zvava kuda kuputika.

20Ndinofanira kuti nditaure

ndipedze shungu dzangu.

Ndinofanira kuzarura muromo nditaure.

21Handisi kuzoita zvechizivano

kana kuita zvokubata munhu kumeso.

22Zvokubata vanhu kumeso handizvizivi

musiki wangu angadai akanditora.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help