Nziyo 109 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi.Kunyunyuta kwomunhu ari munhamo

1Imi Mwari wandinorumbidza

regai kunyarara

2nokuti vakaipa navarevi venhema

vari kundirwisa

vachindirevera nhema

3vandikomba namashoko oruvengo

vachindirwisa pasina chikonzero.

4Vanondivenga kunyange zvazvo ini ndichivada

asi ini ndichatovanamatira.

5Saizvozvo vanodzorera kuvada kwangu nezvakaipa

uye rudo rwangu noruvengo.

6Sarudzai munhu wakaipa wokumupikisa,

ngapave nomupomeri kurudyi kwake.

7Paanotongwa ngaabatwe nemhosva.

Munamato wake ngautorwe sechitadzo.

8Mazuva ake ngaaite mashoma

basa rake ngaritorwe nomumwe.

9Vana vake ngavave nherera dzisina baba

mudzimai wake ave chirikadzi.

10Vana vake ngavadzungaire vachipemha

ngavadzingwe mumatongo avanenge vagere vari.

11Waakatorera chikwereti

ngaamutorere zvose zvaanazvo,

vatorwa ngavapambe zvaakashandira.

12Ngaparege kuva nomunhu

anomunzwira tsitsi

kana anonzwira tsitsi nherera dzake dzisina baba.

13Vana vake ngavaparadzwe,

zita rake ripfudzike pachizukuru chechipiri.

14Zvakaipa zvamadzibaba ake

ngazvirangarirwe naTENZI;

chitadzo chaamai vake

chirege kupfudzwa,

15zvirambe zviri pana TENZI

kuitira kuti vasamboyeukwazve panyika.

16Nokuti haana kuyeuka

kuita mwoyo wakanaka;

asi akaronda varombo

navasina chavanacho

navakarasa mwoyo kusvikira vatofa.

17Aifarira kurengerera rushambwa,

rushambwa ngarumupfukire.

Haana kufarira chikomborero

saka ngachivewo kure naye.

18Akapfeka kurengerera rushambwa sebhachi,

dai kukamutotesa semvura,

samafuta mumapfupa ake.

19Dai kukangoita sehanzu

yaanozvimonera nayo

uye sebhande raanozvisunga naro

zuva nezuva.

20Iwoyu ngauve mubayiro

wavanondipa mhosva

unobva kuna TENZI

wavo vanotaura zvakaipa nezvangu.

21Asi imi Mwari TENZI wangu

ndibatsirei pamusana pezita renyu

nokuti mwoyochena wenyu wakanaka,

ndinunureiwo

22nokuti ndiri murombo asina chaanacho,

uye ndabaiwa mwoyo.

23Ndavakunyangarika somumvuri kumanheru

ndazunzirwa pasi semhashu.

24Mabvi angu arenda nokutsanya,

ndaonda ini.

25Ndava chinhu chinoshorwa

navandipomera mhosva;

vakandiona vanozunguza musoro.

26Ndibatsireiwo TENZI Mwari wangu

ndinunureiwo nemwoyochena wenyu.

27Ngavazvizive kuti iri isimba renyu

uye kuti imi TENZI ndimi makazviita.

28Regai zvavo varengerere rushambwa

asi imi komborerai

vanondirwisa zvavo;

asi vachanyara

ini muranda wenyu ndichitofara.

29Vanondipa mhosva

ngavafukidzwe nokuzvidzwa.

Ngavamoneredzwe nokunyara kwavo sejira.

30Ndichatenda TENZI kwazvo

nomuromo wangu

ndichamurumbidza paruzhinji rwavanhu

31nokuti anomira naasina chaanacho

kumununura kuna vanomutongera rufu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help