Jobhu 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Munhu akaberekwa nomunhukadzi

mazuva ake mashoma, uye azere nenhamo.

2Anoti bhabhanu seruva ozouna

anomhanyamhanya somumvuri uye haagari.

3Chinhu chakadai ndicho chamungazarurirewo here

maziso enyu kutarisa?

Ndiye wamungakwirirana naye dare here?

4Ndiani angaburitse chinhu chitsvene

mune chan'ora; hapana,

5sokuti mazuva ake akatotemwa kuwanda kwawo?

Zviri kwamuri kuti mwedzi yake mingani.

Imi ndimi makamuisira migano yaasingapfuuri.

6Chimbobvisai ziso renyu paari,

murege ambopedzawo zuva rake murugare somushandi.

Munhu anotofa chete

7Zvawo muti, une chitarisiro,

ukatemwa unotungirazve.

Madungirwa awo haashaiki.

8Kunyange mudzi wawo ukachembera muvhu

dzinde rawo rikafa muvhu,

9asi kungonhuwidza mvura chete unotungira

uchitoita mapazi somuti mudiki.

10Asi munhu anofa obva aparara achiva chinhu pasina

anofema femo rake rokupedzisa; anozova papiwo pakadaro?

11Sezvinongoita mvura kukwenguka mudhamu

rwizi rwunopwa rwooma,

12ndozvinoita munhu

akaradzikwa haazombomuki

kusvikira matenga aparara,

haambomuki muhope dzake idzodzo.

Zvinoitika mushure mokufa

13Dai mukangondivanza zvenyu

munzvimbo yavafi,

mundivige zvenyu imomo,

kusvikira hasha dzenyu dzapera

mugotema zvenyu nguva yokundiyeuka.

14Kana munhu akafa,

angazova mupenyu zvakare here?

Saka mazuva angu ose okushanda

ndinenge ndomirira

kusvikira nguva yangu yokusunungurwa yasvika.

15Ndipo pamunozondidaidza, ini ndodavirawo

munengewo moda kuona chinhu chamakasika.

16Zvokuverenga nhanho nenhanho yangu

mungadai musingaiti,

zvokuramba mangoti nangananga

nechitadzo changu morega.

17Maimbosungirira mhosva dzangu mutsapo

uye uipi hwangu maimbohukwidibira.

Kuparadzwa kwomunhu

18Asi sezvinongoita gomo kuti

rinokoromoka richizoparara,

sokugudumutswa kunoitwa dombo panzvimbo paro,

19sokudyiwa kunoitwa dombo richisvuurwa nemvura

uye sokukukura ivhu kunoita mapopopo,

ndiko kuparadza kwamunoita chitarisiro chomunhu.

20Munomukurira zvachose,

ndokutoenda ikoko

munomusandura uso,

mobva mamupfuudza.

21Vana vake vakarumbidzwa, iye haambozvizivi,

vakaninipiswa haazvioni.

22Chaanonzwa kurwadza

ndochinenge chatomusvika pamuviri pake

chake kuzvichema iye pachake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help