1TENZI ndimambo
nyika ngaifare
imi zvitsuwa zvizhinji farai.
2Makore nezarima
zvakamukomberedza
ururami noruenzaniso
ndizvo hwaro hwechigaro chake chokutonga.
3Moto unofamba uri mberi kwake
uchipisa vavengi vake kumativi ose.
4Mheni yake inopenyesa pasi
nyika inozviona igondengendeka.
5Makomo anonyungudika
senamo pamberi paTENZI,
pamberi paTENZI wapasi pose.
6Matenga anoparidza ururami hwake
vanhu vose vanonzwa mbiri yake.
7Vose vanonamata zvifananidzo,
vanonyadziswa,
vanozvikudza nezvifananidzo zvokunamata
zvisina maturo,
vamwari vose vanomugwadamira.
8Guta reZioni rinozvinzwa rigofara
uye tuguta twokwaJudha tugofara
pamusana pokutonga kwenyu Mwari.
9Nokuti imi TENZI
ndimi mukurukuru pasi pose.
Imi munorumbidzwa zvakanyanya
kupinda vamwari vose.
10TENZI anoda vanovenga uipi
anochengetedza upenyu
hwavatsvene vake,
anovanunura mumaoko avakaipa.
11Chiedza chinobudira varurami
uye rufaro kune vane mwoyo uri pachokwadi.
12Farai naTENZI imi makarurama
tendai zita rake rinoera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.