Kuverengwa 24 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje,

2akaona vaIsiraeri vakadzika matendhe avo dzinza nedzinza, Mweya waMwari ndokuuya paari.

3Akaenderera mberi nokuporofita kwake achiti,

“Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori,

chirevo chomurume akapengenutswa meso ake.

4Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari,

anoona chiratidzo chaSamasimbaose,

anoti pasi zvambarara meso ake achipengenutswa.

5A-a manakiroi akaita matendhe ako Jakobho,

naiwoka madzikiro ako matendhe iwe Isiraeri!

6Akaita samapani anoenda uko nokoko,

samapindu ari munhivi dzerwizi

samagavakava, akasimwa naTenzi,

semisidhari iri padeketeke remvura.

7Zvirongo zvavo zvichafashukira nemvura,

mbesa dzavo dzichawana mvura yakawanda.

Kukudzwa kwamambo wavo kuchadarika kwaAgagi,

ushe hwake huchaita mukurumbira.

8Mwari akavaburitsa kuIjipiti,

achivarwira nesimba semvumba,

ndudzi dzavanhu dzinovavenga vachadziparadza,

mapfupa avavengi vavo vachaati bwabwabwa

vachivabvoora nemiseve yavo.

9Seshumba vaIsiraeri vanoti hwata vachivata pasi,

vanoita seshumba hadzi,

ndianiko angavadenhe.

Wose anokukomborera, ngaakomborerwe.

Wose anokurengerera rushambwa

ngaawire norushambwa.”

10Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose.

11Zvino chitiza, dzokera kumusha kwako. Ndakamboti ndichakupa mubairo, asi Tenzi akunyimisa mubairo wacho.”

12Bhiriamu ndokuti kuna Bharaki, “Ko handina kuudza nhume dzenyu dzamakanditumira kuti,

13‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura.

14“Zvino ndava kudzokera kwedu, kuna vanhu vorudzi rwangu. Asi regai ndifanokuudzai zvichaitwa navaIsiraeri kuvanhu venyu mune ramangwana.”

Kuporofita kwaBhiriamu kwokupedzisira

15Bhiriamu ndokuenderera mberi nokuporofita achiti,

“Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori,

chirevo chomurume akapengenutswa meso ake.

16Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari,

anopiwa ruzivo noWokumusorosoro,

anoona chiratidzo chaSamasimbaose,

anoti pasi zvambarara, meso ake achipengenutswa.

17Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi,

ndinomutarisa asi haasi pedyo.

Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho,

muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe,

huma yaMoabhu achaitekeshura

achaparadza vanakomana vaSheti.

18Achakunda Edhomu muvengi wake,

makomo avo eSeiri achaatora.

Isiraeri acharamba achikunda.

19Muna Jakobho muchava nomutongi

achaparadza vaya vakasara vari vapenyu mumaguta.”

20Bhiriamu akaona vaAmareki,

ndokuporofita nezvavo achiti,

“Simba ravaAmareki raidarika ramarudzi ose,

asi vachaguma vaparadzwa zvachose.”

21Bhiriamu akaona vaKeni,

ndokuporofita nezvavo achiti;

“Paugere hapana chichakuwana,

dendere rako rakavakirwa mudombo.

22Kunyange zvakadaro vaKeni vachaparadzwa.

Muchagara muri nhapwa dzavaAsiria kusvikira riniko?”

23Bhiriamu akazoporofita achiti;

“Ndiani angararame

kana Tenzi achiita zvakadai?

24Asi ngarava dzichabva kuSaipurasi

dzichaonesa nhamo Asiria naEbheru.

Asi ivo pachavo vachaparadzwawo.”

25Bhiriamu akazosimuka akadzokera kumusha kwake. Bharaki akaendawo kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help