1 Timoti Zviri mutsamba yokutanga yaTimoti - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mutsamba yokutanga yaTimoti Tsamba yokutanga yaTimoti, Pauro, somunhu mukuru, anonyorera Timoti mubatsiri wake mukutungamira sangano raMwari kuEfesusi. Zvaakanga akatarisana nazvo zvakanga zvakakura kwazvo. Kwakanga kuna vanhu vaidzidzisa zvidzidziso zvisizvo. Uye aifanira kuchengetedza manamatiro akanaka uyewo kwaifanira kuwanikwa vokutungamirira vanhu vakanaka. Iyewo pachake somunhu muduku ainzi arege kungorega zvinhu zvichienda kusiko pamusana pokuzeza kutaura nokuti aiva mudiki. Ainzi anofanira kuvavarira kuva mururami, munhu anotya Mwari, munhu ano chitendero, ano ushingi, asi iye aino unyoro hunokodzerana nomunhu waMwari.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga yaTimotiKusuma (1:1–2)Kukosha kwerudzidziso rwakarurama (1:3–20)Kukosha kokunamata (2:1–15)Vakuru vakuru vamasangano (3:1–16)Kukosha kwokuona zvinhu nemazvo (4:1–6)Kukosha kwezvidzidziso zvakanaka (5:1–2)Kukosha kwamafungiro akanaka (6:1–21)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help