Nziyo 71 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato womunhu wakwegura

1Ndinopotera kwamuri TENZI

musaite kuti ndinyadziswe.

2Sezvamakarurama kudai ndinunureiwo,

ndisunungureiwo,

rerekerai nzeve yenyu kwandiri mundinunure.

3Ivai kwandiri bako rokupotera,

nhare yakasimba yokundinunura

nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.

4Ndinunureiwo Mwari wangu

kumaoko avanhu vakaipa;

kumaoko anombandika

omunhu asakarurama anoutsinye.

5Ndimi chitarisiro changu TENZI,

wandinovimba naye

kubvira pauduku hwangu TENZI.

6Ndakatsamira pamuri

kubvira pakuberekwa kwangu,

ndimi makanditora munhumbu maamai vangu,

ndinoramba ndichingokurumbidzai chete.

7Ndakava chinhu chinokahadzisa kuvazhinji

asi imi ndimi botero rangu rakasimba.

8Kukurumbidzai hakuchabvi pamuromo pangu

uye ndichaswera muswere wose

ndichikupai mbiri.

9Musandirase kana ndakwegura

musandifuratire kana ndapera simba.

10Nokuti vavengi vangu

vanotaura nezvangu,

vanotsvaka zvokundiuraya,

vanorangana

11vachiti, “Mwari wamurasa

ngatimurondei timubate,

nokuti hapana anomununura.”

12Mwari regai kuva kure neni;

Mwari wangu chimbidzai

kuzondibatsira.

13Vanondipa mhosva ngavanyadziswe

vaparadzwe.

Ngavazadzwe nokushorwa

nokunyadziswa

vanotsvaka zvokundirwadzisa.

14Ndicharamba ndichingotarisira

uye ndichakurumbidzai kakawanda.

15Muromo wangu uchataura

nezvamabasa enyu akarurama

uye zuva rose nezvokununura kwenyu

nokuti handikwanisi kuzviverenga.

16Ndichauya nesimba raTENZI Mwari

kuzoparidza ururami hwenyu,

hwenyu imi chete.

17Mwari makandidzidzisa kubva pauduku hwangu,

kusvikira pari zvino

ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.

18Saizvozvo kusvika pakukwegura kwangu

napakuchena musoro, Mwari musandirase

kusvikira ndaparidza simba renyu

kuzvizvarwa zvose zvichauya.

19Simba renyu noururami hwenyu Mwari

zvinosvika kumatenga-tenga chaiko.

Imi makaita zvinhu zvikuru.

Mwari ndiani akaita semi?

20Makandionesa nhamo nepfumvu dzakawanda,

muchandimutsazve

nokundiburitsa munzvimbo yapasi yakadzika.

21Muchapamhidzira ukuru hwangu

muchindinyaradzazve.

22Ndichakurumbidzai nedimbwa

ndichirumbidza kuva pachokwadi kwenyu.

Mwari wangu

ndichakurumbidzai nechipendani,

imi mutsvene weIsiraeri.

23Miromo yangu ichapururudza

norufaro pandinoimba ndichikurumbidzai

uyewo iyeni nokundinunura kwamakaita.

24Rurimi rwangu ruchakurukura

zuva rose nezvoururami hwenyu

nokuti vaida kundikuvadza

vakanyadziswa nokushorwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help