Jeremiya 9 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1 Dai zvazvo musoro

wangu uchingova mvura chete,

uye maziso angu ari chisipiti chemisodzi,

ndingadai ndichisvimha misodzi

siku nesikati kuchema vanenge vaurayiwa,

ivo vanhu vangu.

2Dai zvangu kugwenga'ku

ndaiva nedumba ravapfuuri nenzira;

ndingadai ndabva muvanhu vangu

ndaenda kure navo,

nokuti vose zvavo inzenza dzavanhu

boka ravanhu vounyengedzi.

3“Vanokunga rurimi rwavo souta,

chavanosimbirira munyika muno

manyepo chete, kwete chokwadi

nokuti vanoenda kundotutsira

uipi pamusoro pohumwe

uye havandizivi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

4Munhu wose ngaachenjerere mumwe wake,

arege kuvimba kana nehama zvayo,

nokuti hama ipi neipi zvayo

inonyengedza

inonyengedza uchitora

nzvimbo dzavamwe

nokubata vanhu kumeso

vose zvavo vangova vanazimwaya.

5Munhu wose anonyengedza mumwe wake,

hapana anotaura chokwadi.

Vakajaidza rurimi rwavo

kutaura manyepo,

vachitoita zvavo zvakaipa.

Zvokutendeuka zvava kuvanetsa

6vachidzvinyirira vanhu vadzvinyirirazve,

vachiita unyengedzi

pamusoro pohumwe hunyengedzi,

vasingadi kundiziva;

ndizvo zviri kureva Tenzi.

7Ndokusaka zvichinzi

naTenzi wehondo nehondo,

“Chiona, ndichavachenesa ndivaedze

nokuti chimwe chandingaite chii chaizvo

pamusana pavanhu vangu.

8Rurimi rwavo, museve unouraya,

runotaura zvokunyengedza.

Nomuromo uyu munhu anonyatsokurukurirana

nomumwe wake zvakanaka

asi mumwoyo make

anenge achitoronga zvokumuhwandira.

9“Pakadai, ndingarege kuvarangira

zvinhu izvozvi here?

Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Ndingarege here kutsividza

rudzi rwavanhu vakadai ava?

10“Ndava kusvimha misodzi

ndichiridzira mhere mumakomo

ndichichema mafuro okurenje

nokuti aparadzwa

zvokuti hakuna kana achadimura neko

uye kukuma kwomombe hakuchambonzwika ikoko,

zvose zvazvo zvinoti shiri dzedenga nemhuka

zvati ware kutiza, zvaenda.

11“Ndichaita kuti guta reJerusaremu

rive murwi zvawo wamatongo,

nzvimbo inorara makava.

Ndichaita kuti maguta okwaJudha

asare ava magutawo asina ageremo.

12“Ndiani ano ungwaru hwokuti agone kunzwisisa izvozvi izvi? Ndiani chaizvo akataurirwa nomuromo naTenzi kuti azvizivise kuvanhu? Nyika yaparadzwa nei kudai kubva yarozvwa kusara yava serenje zvokusawana kana nomumwe anopfuura nemo?”

13Zvino Tenzi anoti, “Chikonzero chacho ndechokuti vanhu ava vakafuratira mutemo wangu wandakavapa uye vakarega kuteerera izwi rangu kana kuritevedza zvako.

14Asi vakaita musikanzwa vachitevera zvomusoro wavo. Vakatevedza vanaBhaari sokudzidziswa kwavakaitwa namadzibaba avo.

15Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu.

16Ndichavati mwarara mukati mendudzi dzavanhu vavasingamboziva uye vasina kumbozivikanwa namadzibaba avo. Ndichati varondwe nehondo yebakatwa kusvikira ndavatsakatisa.”

Vanhu ngavatsvake ruyamuro

17Zvanzi naTenzi wehondo nehondo,

“Chifungai zvokuita, mutodaidza

vakadzi vokuchema, panhamo vauye

kokai nyanzvi chaidzo dzavakadzi dziuye.

18“Ngavaite zvokukasika

varidze mhere dzokutichema

kuti tichururuke misodzi mumaziso medu,

mvura iite zvokupfachuka

muhwidibiro dzamaziso edu,

19nokuti mhere yokuhwihwidza

yanzwika kuguta reZioni ichiti:

‘Inga taparara isu!

Tazonyadziswa zvikuru

nokuti tatosiya nyika yedu

nokuti vaparadza misha yedu.’

20“Asi imi vakadzi

inzwai shoko raTenzi,

murerekere nzeve dzenyu munzwe shoko romuromo wake.

Dzidzisai vanasikana venyu

nhetembo yokuungudza,

mumwe nomumwe wake rwiyo rwengondo yokuchema

21nokuti rufu rwatipindira napahwindo

rukapinda mumizinda yedu

ruchipedza vana mumigwagwa'mu

namajaya mudzinhandare.

22Iti, ‘Zvanzi naTenzi

zvitunha zvevanhu zvichati

kata kata pasi sendove mugura

sezvisote pabva mukohwi

pasina anovaunganidza.’ ”

23Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake.

24Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti

“Ini ndini Tenzi

ndinoita panyika mwoyochena

noruenzaniso nokururama

nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

25“Zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andicharanga vose zvavo vanozviti vakadzingiswa asi ivo vasina kudzingiswa-venyika yeIjipiti nokwaJudha neEdhomu navanakomana vokwaAmoni nevekwaMoabhu uye vose zvavo vagere mugwenga vanovevura makona evhudzi ravo nokuti ndudzi dzose idzodzi ndedzavanhu vasina kudzingiswa.

26Asi vose zvavo vemba yaIsiraeri, mumwoyo'mu ndimo mavasina kudzingiswa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help