Tsumo 27 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Usazvitutumadze nezvamangwana

nokuti hauzivi zvichauya mune ramangwana.

2Rega mumwe akurumbidze

kwete muromo wako,

angave mutorwa zvake

kwete miromo yako.

3Dombo rinorema,

jecha rinorema

asi hasha dzebenzi,

dzinorema kupinda izvozvo zviri zviviri.

4Hasha dzina utsinye,

kugumbuka kunowodzvoka

asi ndiani angamirisane neshanje.

5Kutsiurwa pachena kuri nani

pano kudiwa zvakavanda.

6Mavanga eshamwari maronda kwawo

asi muvengi anotsvoda kakawanda.

7Munhu akaguta haadi kana uchi

asi kune ane nzara

kana zvinovava zvinotapira.

8Sezvinoita shiri inorasika padendere payo,

ndozvinoita munhu anorasika pamusha pake.

9Mafuta netunonhuwirira twokuzora

tunofadza mwoyo

ndozvakaita ushamwari hwakanaka

pane umbimbindoga.

10Usarasane neshamwari yako

kana shamwari yababa vako.

Pazuva redambudziko rako

usaende kumba yomukoma

kana munun'una wako.

Muvakidzani newe ari padyo ari nani

pane mukoma kana munun'una ari kure.

11Iva munhu akangwara, mwanangu

uite kuti mwoyo wangu ufare

kuitira kuti ndiwane mhinduro

kune anonditsoropodza.

12Munhu akachenjera akaona njodzi anovanda

asi dununu romunhu rinongoenda

rozotambura nazvo.

13Munhu anomiririra chikwereti chomunhu

waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake

ive chitsidzo chokumiririra kwake

chikwereti chomunhu waasingazivi.

14Munhu anokwazisa muvakidzani naye

achiita zvokutomukira mangwanani-ngwanani

achizhamba akafanana

nomunhu anorengerera mumwe rushambwa.

15Imba inoramba ichidonha

pazuva remvura

nomukadzi ane pamuromo zvakafanaka.

16Kuedza kumuvigiridza kwakafanana

nokuvigiridza mhepo

kana munhurume kupfumbata mafuta.

17Simbi inorodza imwe simbi

vanhu vanofanira kuvandudzana.

18Munhu anokudza muonde

anozodya muchero wawo

uye munhu anochengetedza tenzi wake

anozoremekedzwa.

19Sezvinoita mumvura

uso hunoona uso imomo

mumwoyo munhu anozviona

kuti munhui.

20Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadza hazviguti

mazisowo avanhu haaguti.

21Bisiro ndere sirivha

virira ndere ndarama,

mbiri yomunhu inoonesa zvaari.

22Unogona zvako kutswa benzi muduri

pamwechete nembeswa

asi upenzi hwaro haubve pariri.

23Nyatsoziva mamiriro ezvipfuwo zvako

unyatsochengetedza mombe dzako

24nokuti upfumi haugari narini narini

ndaza inogara nokusingaperi here?

25Kana uswa hwapera

ruswiswi rwukabuda

zvinofura mombe mumakomo zvaunganidzwa

26hwayana dzinokuwanisa zvokupfeka,

mari yembudzi inokutengera munda

27uchawana mukaka wembudzi wokudya wakakwana

nokudya kwemhuri yako,

uye kwokuriritirawo vashandi vako vechikadzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help