Jobhu 41 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zigaranyanya

1“Ungagone kuzapura zigaranyanya

nechirauro here,

kana kuribata rurimi nomusungo here?

2Ungagone here kusungirira tambo

mumhuno dzaro?

Kana kubaya dama raro nechirauro?

3Ringakuteterere here?

Ringaite zvokukunyengetedza here?

4Ringaite chitsidzirano newe here

kuti rive muranda wako nokusingaperi?

5Ungatambe naro here

sokutamba kwaungaite neshiri

kana kurisungirira pambambo

kuti uvaraidze vasikana naro?

6Vashambadzi vangaritengeserane here?

Vatengesi vangarichekane here?

7Ungazadze here ganda raro namapfumo enzeve,

kana musoro waro namapfumo okuraurisa?

8Ingoribata chete uone

mabimbiri aunoita naro. Hauzozvipamhidzazve.

9Zvokuripingudza hazviiti.

Iko kungoriona chete kunokuzadza nokutya.

10Hapana anogona kuridenha

ndiani zvino angamirisane neni?

11Ndiani wandine chikwereti naye?

Wandinofanira kudzorera.

Chinhu chose chiri pasi pedenga ndechangu.

12Handinganyarare nezvemakumbo ake

kana nesimba rake guru

kana nezvechimiro chake chakarurama.

13Ndiani angaripfekenure ganda raro rokunze

kana kubaya ganda raro rakapetwa kaviri.

14Ndiani angafare kuzarura makonhi

ouso hwaro panotyisa kudaro nemazino

akati checheteere kutenderedza?

15Musana waro wakaitwa nemitsara yenhowo

dzakarundana sedzakanamatidzwa.

16Dzikabatana zvokuti hapana mweya

ungapinde pakati pawo.

17Akabatana-batana zvokurundana

zvokuti hadzikwanisi kuparadzaniswa.

18Kuhetsura kwaro kunobarika moto

maziso aro akaita samafungiro amangwanani.

19Mukanwa maro munobuda marimi emoto

mapfarivari emoto anorauka imomo.

20Mumhuno dzaro munopfumbuka utsi

sounobva muhari inovira yangandutswa netsanga.

21Femo raro rinobakisa moto wamasimbe

rimi romoto rinobuda mumuromo maro.

22Simba riri mumutsipa waro

pariri panotyisa.

23Mafinyamafinyama omuviri waro

akabatana-batana zvakasimba

akasimba uye haazunguziki.

24Mwoyo waro wedombo hautyi

sokuoma kwakaita guyo.

25Parinosimuka kunyange vakasimba

vanotya parinobvundura.

26Bakatwa rinorisvika harina charinoriita

kunyange pfumo kana museve

kana pfumo zvaro renzeve.

27Simbi rinoiita samashanga

ndarira sehuni yakaora.

28Miseve hariiti kuti ritize,

matombo erekeni akaita sehundi kwariri.

29Tsvimbo kwairi yakaita seshanga.

Rinotoseka zvaro kungwerengwedza kwamapfumo.

30Pasi paro pakaita sezvimedu

zvepoto zvakapinza.

Rinoti kwandekwande pamadhaka

sechirhei chokupurisa.

31Rinoita kuti pasi pasi pavire sehari

uye gungwa sepoto yamafuta.

32Rinosia mushure maro

mutsetse wemvura wakachena;

ungafunge kuti hwenje hune mvere.

33Panyika hapana chakafanana naro,

chisikwa chisingatyi.

34Rinozvidza chinhu chiri chose chakakura

ndimambo wazvose zvinozvitutumadza.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help