2 Nhoroondo 21 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

E: KUNAMATA KUSIRIIKO PAKUTONGA KWAJEROBHOAMU NAAHAZIA, NAATARIYA NAJOASHI

1Jehoshafati akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu ndiye akatonga panzvimbo pake.

Jehoramu mambo wokwaJudha(2 Madzi 8:17–24)

2Jehoramu aiva nevanun'una, vana vaJehoshafati ava vanoti: Azariya naMikaeri naJehieri naZekariya naAzariya naShefatiya. Vose ivava vana vaJehoshafati mambo wokwaJudha.

3Baba wavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha nendarama nezvimwewo zvinhu zvakakosha pamwechete namaguta ane tsvingo okwaJudha. Asi umambo akapa kuna Jehoramu nokuti ndiye aiva dangwe.

4Jehoramu paakagara pachigara choumambo chababa vake zvino adzika midzi, akauraya nebakatwa vanun'una vake vose uyewo mamwe machinda eIsiraeri.

5Jehoramu akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga ari muJerusaremu kwamakore masere.

6Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake aiva mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi.

7Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza imba yaDhavhidhi pamusana pechitenderano chaakanga aita naDhavhidhi sezvo akanga atsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere iye navanakomana vokwake.

8Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha ikazvigadzirawo mambo wayo.

9Uyu Jehoramu ndokuyambukirako aina vakuru vake vehondo nengoro dzose dzehondo. Akamuka nousiku akauraya vaEdhomu vakanga vamukomba iye navakuru vakuru vake vehondo.

10Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi. Panguva iyoyo guta reRibhuna rakapandukawo rikarambawo zvokutongwa naye pamusana pokuti akanga afuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake.

11Uyewo akagadzira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira munyika yokwaJudha yamakomo akakwezvera vagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari akaendesa vokwaJudha mutome.

12Kwakauya tsamba kwaari

ichibva kumuporofita Eriya ichiti,

“Zvanzi naTenzi,

Mwari watateguru wenyu Dhavhidhi,

‘Pamusana pokuti hauna

kutevedza makwara ababa wako Jehoshafati kana

makwara aAsa mambo wokwaJudha

13ukatotevedza zvako gwara

remadzimambo okwaIsiraeri

ukakwezvera Judha nevagari vomuJerusaremu

muunzenza hwokunamata

zvinhu zvisiri Mwari

sokutungamirira kwakaita

imba yaAhabhu vokwaIsiraeri mukusatendeka

uyewo ukaurayaka iwe vanun'una vako

vomumba vaitova vanhu vari nani kunewe,

14chinzwa,

Tenzi achaunza denda guru kwazvo pavanhu vako

nepavana vako nepavakadzi vako nepaupfumi hwako hwose.

15Iyewewo uchava nechirwere chakaipisisa kwazvo,

chirwere chomudumbu kudzamara

ura hwako hwongoramba kuchibuda pamusana

pechirwere chacho zuva nezuva.’ ”

16Tenzi akaita kuti vaFirisitia nevaArabhu vari pedyo nevaItiopia vaite hasha vamukire Jehoramu.

17Vakavinga Judha vakairwisa vakakukucha zvinhu zvose zvavakawana zvomumuzinda wamambo uyewo nevana vake vakomana navakadzi vake zvokuti hapana mwana waakasiyirwa kunze kwaJehoahazi mwanakomana wake mudiki.

18Mushure mezvose izvozvi, Tenzi akamurova nedenda romudumbu risingarapiki.

19Nokufamba kwenguva, kwapera makore maviri, ura hwake hwakabuda pamusana pechirwere ichochi akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vake havana kumuitira moto wokumuremekedza nawo semoto yaiitirwa madzibaba ake.

20Paakatangisa kutonga akanga ava namakore makumi matatu namaviri. Akatonga kwemakore masere ari muJerusaremu. Paakashaya hapana akamuchema. Vakamuviga muGuta raDhavhidhi, kwete mumakuva emadzimambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help