1Mugore remazana mana nechimakumi masere racho vaIziraeri vabva kunyika yeIjipiti, mugore raSoromoni rechina rokutonga Isiraeri, mumwedzi waZivhi mwedzi wechipiri ndimo maakatanga kuvakira Tenzi imba.
2Imba yacho yakavakirwa Tenzi namambo Soromoni, urefu hwayo hwaiita makumi maviri amamita ana mamita manomwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita gumi namatatu ane chidimbu.
3Kamba kepamusuo usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Upamhi hwekamba kepamusuo pemba iyi hwaiva mamita mana nechidimbu.
4Imba iyoyi akaiitirawo mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa-chinjikwa.
5Akavakawo chimwe chengo chakatendererana nemba iyi yose nechokunze, chakatendererana nemba iyoyi yose nenzvimbo yayo inoera achikamura-kamura mukati kuita dzimba.
6Paunhurikidzwa hwayo, yapasi yaiva noupamhi hwaiita mamita maviri ane masendimita makumi maviri. Yapakati yacho yaiita mamita maviri ane masendimita makumi manomwe upamhi. Yokumusoro yaivawo noupamhi hwaiva mamita matatu ane masendimita gumi. Chakadariso ndechokuti nechokunze kwemba iyoyo pamadziro, akavaka zvinenge zviga kuitira kuti mapango emwamba yenhurikidzwa dzacho arege kuita zvokupfekerwa mumadziro emba iyoyo.
7Paivakwa imba iyoyi, yaivakwa namabwe akanga akatovezwa kare kwaaikwakwanurirwa ikoko zvokuti kunyange kugogodza kwenyundo kana kwedemo kana kweimwewo simbi zvayo hakuna kunzwikwa muTemberi imomo payainge ichivakwa.
8Musuo womunhurikidzwa yapasi waiva kumaodzanyemba kwemba iyoyi. Painge paine manera okuenda nawo kunhurikidzwa yapakati namamwewo okuenda kunhurikidzwa yechitatu yacho.
9Saizvozvo Soromoni akavaka imba iyi akaipedza. Akaita denga remba iyoyi namapango omusidhari akanyatsorongwa.
10Akavaka nhurikidzwa yaiva yakatendererana nemba yacho yose, chengo chenhurikidzwa yoga yoga kukwira mudenga chakanga chichiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, chaiva chakabatanidzwa kumba iyoyi namapango omusidhari.
11Zvakabva zvazoitika kuti shoko raTenzi rakauya kuna Soromoni richiti,
12“Panyaya yemba yauri kuvaka iyi, kana ukatevedza mirao yangu uchichengeta zvirevo zvangu nokuteerera mitemo yangu yose uchiitevedza, ndopandichaita kwauri zvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.
13Ndichaita musha wangu mukati mavaIsiraeri ndisingazomborasa vanhu vangu vaIsiraeri.”
14Nokudaro Soromoni akavaka imba yacho akaipedza.
Kushongedzwa kwomukati memba yaTenzi(2 Nhor 3:8–14)15Soromoni akaroverera kumadziro omukati emba iyoyo mapuranga omusidhari akavezwa kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo zvokuti madziro emukati iwayo akati namapuranga chechetere. Akanyatsotiwo pasi apa namapuranga omusaipuresi ware ware.
16Akaita kamwe kamba kuseriseri kwemba iyi nechomukati kaiva namamita mapfumbamwe. Akakaita namapuranga akavezwa emusidhari kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo. Akakavakira nechomukati imomo senzvimbo inoera yomukatikati, nzvimbo inoeresesa.
17Tisati tasvika kune ikaka aka, imba yacho chaiyo yaiva nourefu hunoita mamita gumi namasere, tichireva Temberi yacho chaiyo.
18Mapuranga acho omusidhari omukati memba imomu akanga akavezerwa paari zvimwe zvinenge mapudzi namaruva akazaruka. Imba yose yaingova musidhari chete, pasingaonekwe kana ibwe.
19Nzvimbo inoera iya yomukati akaigadzirira nechomukatikati memba iyoyi kuti aisemo bhokisi raTenzi rechitenderano.
20Nzvimbo iyi inoera yomukatikati yaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita mapfumbamwe, akaitsvetera ndarama chaiyo yakanakisisa. Pamberi payo akagadzirawo atari yakaitwa nomusidhari.
21Soromoni akatsvetera mukati memba yacho nendarama chaiyo yakanakisisa. Akachingamisa cheni dzendarama pamberi penzvimbo inoera yomukatikati akaitsvetera ndarama.
22Akatsvetera imba iyoyo yose nendarama kusvikira imba iyoyo yapera yose. Atari yomukatikati kunzvimbo inoera akaitsveterawo yose nendarama.
23Munzvimbo inoera yomukatikati iyi akagadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu zvakaitwa nomuti womuorivhi. Kerubhu roga roga rakanga riine urefu hunoita mamita mana ana masendimita makumi mana.
24Bapiro rimwechete rekerubhu raiva rakareba mamita maviri namasendimita makumi maviri. Saizvozvo rimwe bapiro rekerubhu rakanga rakarebawo mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Nokudaro kubvira kunoperera rimwe kusvikira kunopererawo rimwe racho paiita mamita mana ane masendimita makumi mana kureba.
25Rimwewo kerubhu rakanga rakangorebawo mamita mana ane masendimita makumi mana. Makerubhu iwayo ose ari maviri akanga aine urefu humwechetehwo nechimiro chimwechetecho.
26Marebero akanga akaita kerubhu rimwechete kuenda mudenga ndomarebero akanga akaita rimwe racho.
27Akamisa makerubhu aya mukatikati chaimo memba iyoyo. Mapapiro emakerubhu akanga akatambanudzwa zvokuti bapiro rerimwe kerubhu raiva rakaguma madziro okuku, bapiro rerimwewo kerubhu rakagumawo madziro okuku; mamwewo mapapiro aya akagumana nechepakati pemba iyi.
28Akatsvetera makerubhu iwaya ndarama.
29Akavezera mufananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara namaruva akazaruka pamadziro ose emba iyoyo kuatenderera omukamba kaye kwomukati nedzimwe dzimba dzokunze dzacho.
30Uriri hwemba iyi akahutsvetera nendarama, hwekamba kaya kwomukati nehwedzimwe dzimba dzacho.
31Musuo womukati munzvimbo inoera akaugadzirira magonhi omuti womuorivhi. Magwatidziro omusuo iwoyo nerepamusoro pacho akanga akagadzirwa zvokuti aiita mativi mashanu.
32Pamagonhi maviri aya omuorivhi akati tsvete nemifanidzo yemakerubhu neyemirara neyamaruva akazaruka akaitwa zvokuvezerwapo. Akazvitsvetera ndarama, akatsveterawo ndarama makerubhu nemifananidzo iya yemirara.
33Ndizvozvo zvaakaita pamusuo weTemberi, akaugadzirira magwatidziro omuti womuorivhi zvokuti musuo wakava namativi mana.
34Akaita magonhi maviri omuti womusaipurasi. Rimwechete raigona kugonya richipeteka, rimwewo racho richigona kugonyawo richipetekawo.
35Akavezera paari mifananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara neyamaruva akazaruka. Akatsvetera paari nepane zvakavezerwapo zviye ndarama achizora zvakaenzanirana.
36Akavakira ruvanze chidziro chamabwe akavezwa akarongwa mitsara mitatu kukwira nomutsara mumwechete wamapango omusidhari.
37Mugore rechina iroro ugaro hwemba iyoyo yaTenzi hwakavambwa mumwedzi waZivhi iwoyo.
38Kuzoti mava mugore regumi nechiposhi mumwedzi waBhuru, mwedzi wechisere, imba iyoyi yakapera kuvakwa nezvayo zvose zvaifanira kuvakwa maererano nezvakanga zvakarongwa pairi kuti zviitwe. Akapedza makore manomwe achiivaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.