1 Nhoroondo 8 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

BENJAMINI NEJERUSAREMUZvizvarwa zvokwaBhenjamini

1Bhenjamini ndibaba waBhera dangwe rake,

wechipiri ndiAshibheri,

wechitatu ndiAhara

2wechina ndiNoha,

wechishanu ari Rafa.

3Vanawo vaBhera vakomana:

ndiAdha naGera naAbhihudhi

4naAbhishua,

kwouya Naamani naAhoa

5kwozoti Gera naShefufani naHuramu.

6Ava ndivo vanakomana vaEhudhi:

vaiva vatungamiriri vedzimhuri

dzokwavo dzavagari vokuGebha vakazoendwa navo

kuutapwa kuManahati,

7kwaiti Naamani naAhiya naGera

anonziwo Hegiramu

baba waUza naAhihudhi.

8Mumwewo ainzi Shaharaimu akabereka vana vakomana

munyika yeMoabhu mushure mokunge aramba

vakadzi vake vaHushimu navaBhaara.

9Akazobereka vana vakomana nomukadzi wake

ainzi Hodheshi vanoti:

10Jobhabhu naZibhia naMesha naMarikanu

naJeuzi naSakia naMirima.

Ivava ndivo vanakomana vake,

vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo.

11Akaberekawo vana vakomana navaHushimu

ava vanoti Abhitubhu naEripaari.

12Vanakomana vaEripaari:

ndiEbheru naMishamu naShemedhi nyakuvaka

Ono neRodhi nemisha yaro

13Bheriya naShema vaiva vatungamiriri

vedzimhuri dzokwavo

dzavagari vokuAiyaroni:

vakaitisa chimwandamwanda vagari vokuGati;

14kwozouya Ahio:

naShashaki naJeremoti,

15kwoti Zebhadhia naAradhi naEdheru,

16kwotiwo Mikaeri naIshipa naJoha

ndovaiva vanakomana vaBheriya.

VokwaBhenjamini vaigara muJerusaremu

17Zebhadhiya:

naMeshuramu naHiziki naHebheru

18naIshimerai naIsiriya naJobhabhu

ndivowo vanakomana vaEripaari.

19Jakimu: naZikiri naZabhudhi

20naErienai naZiretai naErieri

21naAdhaya naBheraya naShimurati

ndivo vanakomana vaShimei.

22Ishipani: naEbheru naErieri

23naAbhudhoni naZikiri naHanani

24naHananiya naEramu naAnitotiya

25naIfedhiya naPenueri,

ndivo vanakomanawo vaShashaki.

26Shamusherai: naShehariya naAtariya

27naJaareshiya naEriya naZikiri,

ndivowo vanakomana vaJorohamu.

28Ivava ava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo chizvarwa nechizvarwa vari madzichangamire. Ivava vaigara muJerusaremu.

VokwaBhenjamini vokuGibheoni nokuJerusaremu

29Jeieri: baba waGibheoni vaigara

kuGibheoni. Zita romukadzi

wavo rainzi Maaka.

30Mwanakomana wavo dangwe rainzi Abhudhoni

kwouya Zuru naKishi naBhaari naNadhabhu,

31kwouya naGedhori naAhio naZekeru,

32uyewo Mikiroti baba waShimea.

Zvino vose ivava vaigara

pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu

pamwechete nehama dzacho.

Mhuri yokwamambo Sauro

33Neru ndiye baba waKishi

Kishi ari baba waSauro

Sauro ariye baba Jonatani naMarikushua

naAbinadhabhu naEshibhaari.

34Mwana waJonatani: ndiMeribhaari

Meribhaari ndiye baba waMika.

35Vanakomana vaMika:

ndiPitoni naMereki naTariya naAhazi.

36Ahazi: ndibaba waJehoyadha.

Jehoyadha ari baba waAremeti naAzimavheti naZimuri

Zimuri ndiye baba waMoza.

37Moza ndiye babawo waBhinea

mwanakomana waBhinea ndiRafa

waRafa ndiEreasa

waEreasa ndiAzeru.

38Azeru aiva navanakomana vatanhatu. Mazita avo ndiAzirikamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani vose ivava ndivo vanakomana vaAzero.

39Vanakomana vomunun'una wake Asheki: ndiUramu dangwe rake

wechipiri ndiJeushi

wechitatu ndiErifereti.

40Vanakomana vokwaUramu vaiva magamba okurwa hondo yokupfura nemiseve aiva navana vakomana navazukuru vazhinji zana namakumi mashanu, vose ivava vari vokwaBhenjamini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help