1Bhenjamini ndibaba waBhera dangwe rake,
wechipiri ndiAshibheri,
wechitatu ndiAhara
2wechina ndiNoha,
wechishanu ari Rafa.
3Vanawo vaBhera vakomana:
ndiAdha naGera naAbhihudhi
4naAbhishua,
kwouya Naamani naAhoa
5kwozoti Gera naShefufani naHuramu.
6Ava ndivo vanakomana vaEhudhi:
vaiva vatungamiriri vedzimhuri
dzokwavo dzavagari vokuGebha vakazoendwa navo
kuutapwa kuManahati,
7kwaiti Naamani naAhiya naGera
anonziwo Hegiramu
baba waUza naAhihudhi.
8Mumwewo ainzi Shaharaimu akabereka vana vakomana
munyika yeMoabhu mushure mokunge aramba
vakadzi vake vaHushimu navaBhaara.
9Akazobereka vana vakomana nomukadzi wake
ainzi Hodheshi vanoti:
10Jobhabhu naZibhia naMesha naMarikanu
naJeuzi naSakia naMirima.
Ivava ndivo vanakomana vake,
vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo.
11Akaberekawo vana vakomana navaHushimu
ava vanoti Abhitubhu naEripaari.
12Vanakomana vaEripaari:
ndiEbheru naMishamu naShemedhi nyakuvaka
Ono neRodhi nemisha yaro
13Bheriya naShema vaiva vatungamiriri
vedzimhuri dzokwavo
dzavagari vokuAiyaroni:
vakaitisa chimwandamwanda vagari vokuGati;
14kwozouya Ahio:
naShashaki naJeremoti,
15kwoti Zebhadhia naAradhi naEdheru,
16kwotiwo Mikaeri naIshipa naJoha
ndovaiva vanakomana vaBheriya.
VokwaBhenjamini vaigara muJerusaremu17Zebhadhiya:
naMeshuramu naHiziki naHebheru
18naIshimerai naIsiriya naJobhabhu
ndivowo vanakomana vaEripaari.
19Jakimu: naZikiri naZabhudhi
20naErienai naZiretai naErieri
21naAdhaya naBheraya naShimurati
ndivo vanakomana vaShimei.
22Ishipani: naEbheru naErieri
23naAbhudhoni naZikiri naHanani
24naHananiya naEramu naAnitotiya
25naIfedhiya naPenueri,
ndivo vanakomanawo vaShashaki.
26Shamusherai: naShehariya naAtariya
27naJaareshiya naEriya naZikiri,
ndivowo vanakomana vaJorohamu.
28Ivava ava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo chizvarwa nechizvarwa vari madzichangamire. Ivava vaigara muJerusaremu.
VokwaBhenjamini vokuGibheoni nokuJerusaremu29Jeieri: baba waGibheoni vaigara
kuGibheoni. Zita romukadzi
wavo rainzi Maaka.
30Mwanakomana wavo dangwe rainzi Abhudhoni
kwouya Zuru naKishi naBhaari naNadhabhu,
31kwouya naGedhori naAhio naZekeru,
32uyewo Mikiroti baba waShimea.
Zvino vose ivava vaigara
pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu
pamwechete nehama dzacho.
Mhuri yokwamambo Sauro33Neru ndiye baba waKishi
Kishi ari baba waSauro
Sauro ariye baba Jonatani naMarikushua
naAbinadhabhu naEshibhaari.
34Mwana waJonatani: ndiMeribhaari
Meribhaari ndiye baba waMika.
35Vanakomana vaMika:
ndiPitoni naMereki naTariya naAhazi.
36Ahazi: ndibaba waJehoyadha.
Jehoyadha ari baba waAremeti naAzimavheti naZimuri
Zimuri ndiye baba waMoza.
37Moza ndiye babawo waBhinea
mwanakomana waBhinea ndiRafa
waRafa ndiEreasa
waEreasa ndiAzeru.
38Azeru aiva navanakomana vatanhatu. Mazita avo ndiAzirikamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani vose ivava ndivo vanakomana vaAzero.
39Vanakomana vomunun'una wake Asheki: ndiUramu dangwe rake
wechipiri ndiJeushi
wechitatu ndiErifereti.
40Vanakomana vokwaUramu vaiva magamba okurwa hondo yokupfura nemiseve aiva navana vakomana navazukuru vazhinji zana namakumi mashanu, vose ivava vari vokwaBhenjamini.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.