1VokwaEfuremu vanoita ushamwari nemhepo,
vachiswerodzingirirana zuva rese
nemhepo yokumabvazuva zvayo.
Nhema noutsinye, ndizvo zvavanowanza
vachiita zvibvumirano neAsiria
vachituta mafuta
kuaenda kuIjipiti.
2Tenzi ane mhosva
yaari kupa vokwaJudha,
acharanga vokwaJakobho
maererano nezviito zvavo
achivatsividza maererano nezviito zvavo.
3Jakobho, achiri mudumbu,
akanga akabata chitsitsinho
chomukoma wake,
kuzoti ava murume mukuru
akaita tsimba naMwari.
4Jakobho akaita tsimba nomutumwa
akabva akurira,
akachema achimukumbira chikomborero.
Akasangana naMwari paBhatieri
ipapo Mwari akataura naye,
5iye Tenzi, Mwari wehondo nehondo dzavarwi,
zita rake raanodaidzwa naro
izita rokuti Yahweh.
6Saka imimi,
norubatsiro rwaMwari wenyu,
tendeukai, mubatisise
rudo noruenzaniso
mumirire Mwari wenyu nguva dzose.
Shamhu icharangwa nayo Isiraeri7“Munhu wemhindu dzokutengesa zvinhu
ane chikero mumaoko chinonyengedza,
chaanongoda chete
kudzvanyirira vamwe.
8VokwaEfuremu vanotozviti zvavo,
‘Hauoneka, ndiri mupfumi,
ndazozviwanira upfumi.’
Asi upfumi hwavo hwose ihwohwo
haumbovapunyutsa pamhosva yavakapara.
9Ndini Tenzi, Mwari wenyu,
ndakakubvisai kunyika yeIjipiti.
Ndichaitazve kuti mugare
mumisasa yamatendhe
sezvinoitwa panguva
yamazuva makuru akatemwa.
10Ndini ndaitaura kuvaporofita,
ini ndini ndaionesa
zviratidzo nezviratidzo,
ndichipawo nokuvaporofita mienzaniso.
11MuGireadhi mune uipi,
vanhu vasina maturo;
muGirigari muchipirwa zvibayiro kuhandira,
atari dzavo dzichaitawo
semirwi zvayo yamatombo
mumigero yomumunda.”
12(Jakobho akatizira kunyika yeAramu
iye Isiraeri kwaakandoita ugariri
achiitira mukadzi,
akafudzira hwai mukadzi.)
13Tenzi akaburitsa Isiraeri kuIjipiti
achizviita nomuporofita,
nomuporofita akavachengetedza.
14VokwaEfuremu vakamudenha zvakaipisisa;
nezvo Tenzi achamurega
achipfukirwa nemhosva yokudeura ropa.
Tenzi achamutsividza
kutsvinya kwake ikoko.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.