1Zvino Makabheusi navanhu vake, vachitungamirirwa naTenzi kudaro vakanunura Temberi neguta.
2Vakapaza atari dzakanga dzavakwa pamusika nevechirudzi vachiparadzawo nharaunda inoera.
3Vakachenura Nzvimbo Inoera vakaita imwe atari yechibayiro. Vakazovesa moto wegwenya redombo romusarasara. Vakazopira zvibayiro, kwatopera makore maviri, vakapisa rusenzi vakatungidza marambi vakaronga chingwa chokuisa pana Mwari.
4Pavakanga vaita izvozvi vakati pasi zvambarara vakateterera kuna Tenzi kuti vasazombowirazve mupfumvu dzakadai asi kana vazopara chitadzo, Mwari avaitire mwoyo murefu avadzore iye pano kuvaisa mumaoko amarudzi mabhinya avanhu vanoshonha Mwari.
5Zuva iro rakan'oreswa Nzvimbo Inoera nevechirudzi, ndipo pazuva rakazochenurwa naro Nzvimbo Inoera. Musi iwoyo musi wezuva ramakumi maviri nechishanu romwedzi wakarewo, weKisirevhu.
6Vakaita mazuva masere vachifara kupemberera kuchenura ikoku vachiita zvinoitwa paMazuva Makuru aMatumba, vairangarira zvakanga zvichangobva mukuitika nguva shoma shoma yapfuura kuti paMazuva Makuru aMatumba vakanga vachidzunga nawo makomo nomumapako semhuka dzesango.
7Naizvozvo vaiti vamwe vakatakura tsvimbo dzakamonererwa hata dzegwenzi rinotandira romuaivhi, vamwe vaina mapazi anoyevedza vamwewo vaina masanzu omurara vachiimba nziyo dzokutenda iye nyakuita kuti zvokuchenura Nzvimbo yake Inoera zvibudirire.
8Vakatema chirevo chakabvumiranwawo navanhu vose ukava murao chokuti vanhu verudzi rwose rwechiJudha vanofanira kuchengeta mazuva iwaya gore negore.
VI: KURWISANA KWAJUDHASI NAMARUDZI AKANGA AKAVAKIDZANA NAYE UYE NARISIYASI MUMIRIRI MUKURU WAMAMBO YUPETAKunyadziswa kwaToremi9Uyu ndiwo mugumo wakaita Andiokusi ainziwo Epifanesi.
10Iye zvino tava kurondedzera zvakaitika panguva yainge Andiokusi Yupeta achitonga, murume uya waiva mwana womunhu uya akanga asingatyi Mwari, tichipa muchidimbu zvikuru zvikuru zvenyaya dzokutsviriridza kwakaita hondo dzacho.
11Murume iyeyu paakava mambo achitsiva akambenge aripo, akasarudza mumwe ainzi Risiyasi kuti ave mukuru mukuru wehurumende yose zvayo nokuvawo gavhuna mukuru wokuKoeresiria nekuFonikia.
12Toremi ainzi Makironi ndiye akava nhungamiri chaiyo pakuitira vaJudha zvinhu zvina ruenzaniso pamusana pokukanganisirwa kwavakanga vaitwa nokuedzawo kuchengetedzana ukama hworunyaro pakati pavo naye.
13Zvakazomusvitsa pokuti shamwari dzamambo dzimukwirire mhosva iyi kuna Yupeta. Akatonzwa ava kunzi mutengesi kose kose pari pamusana pokuti akanga asiyana nezvokuSaipurasi iro riri dunhu rakanga raiswa mumaoko make naFiromita rikazenge raenda mumaoko maAndiokusi Epifanesi. Paakakundikana kunyatsoita basa rake raaifanira kuti aite, akanwa chepfu akazvipfuudza upenyu.
Kurwisa nhare dzavaIdhumea kwaJojiasi14Jojiasi, paakave gavhuna wedunhu iroro, aichengeta hondo yavarwi vamasoja anorwira mari. Aiita hondo namaJudha pose paainge asangana navo.
15Chimwezve ndechokuti vaIdhumea, vakanga vaine nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo vairambawo vachifurusa vaJudha. Vakagamuchira vaya vakanga vadzingwa kuJerusaremu, vakaedza kuti hondo irambe iripo.
16Asi Makabheusi navarwi vake, pavakapedza kuita minamato yavo paruzhinji vachiteterera kuti Mwari avarwire, vakamhanyira kunhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzavaIdhumea.
17Vakavarwisa nesimba nzvimbo idzodzo dzikava mumaoko mavo. Vakakurira varwi vairwisa vari pamusoro porusvingo; vakauraya vavainge vasangana navo zvokuti vakauraya vanhu vanopfuura zviuru makumi maviri.
18Zviuru zvipfumbamwe zvakatizira munhare mbiri dzakasimba kwazvo makanga musingakwanisiki kupindwa navanokomba maguta muhondo.
19Makabheusi akasiya Simoni naJosefi naZakeusi navarwi vake vari hondo huru yaigona kuvakomba, iye akaenda kunzvimbo dzaaidiwa nokuchimbidza.
20Paiva navamwe vaiva naSimoni vaikara mari, vakatengwa navanhu vaiva munhare dziya. Pavakati vaibata mari yesirivha yemadhirakema inoita matani matatu ana makirogiramu gumi kurema, vakabva vatopunyutsa zvavo vamwe vavo.
21Kuzoti shoko rezvakanga zvaitika rasvika munzeve dzaMakabheusi, iye akaunganidza vatungamiriri vavaJudha akapa varume ivava mhosva yokutengesa hama dzavo nemari vachitorega zvavo vavengi vavo vachienda kuti vazovarwisa.
22Akabva auraya varume vacho ivavo vakanga vasanduka mwoyo vava vatengesi ndokubva pakarepo andokurira nharire dziya mbiri.
23Zvaakanga achibudirira kudaro mune zvose zvaaiita mukurwisa, akaparadza vanhu vanotopfuura makumi maviri ezviuru munhare mbiri dzokuzvidzivirira nadzo muhondo idzodzo.
Timoti akakurirwa naJudhasi24Zvino Timoti uya wokumbokurirwa navaJudha akakokorodza hondo huru kwazvo yavarwi vamasoja anorwira mari. Akakokorodza hondo yavarwi vamabhiza vokuAsia vakawanda zvikuru akauya achida kuzotora Judhia achiita zvokurwisa.
25Zvaakanga oda kusvika, Makabheusi navanhu vake vakazvidira mavhu mumusoro. Vakasunga mitikisha yamasaga muchiuno somunamato wokuteterera kuna Mwari.
26Vakati pamadanho gwadagwa pamberi peatari vakamuteterera kuti avaitire nyasha uyewo ave muvengi wevavengi vavo uye kuti ave mhandu yemhandu dzavo sokutaura kunoita mutemo.
27Vachingopedza kunamata ikoku vakabva vapakata zvombo zvavo zvokurwisa. Vakavavinga kwechinhambwe chakati kuti kubva muguta imomo. Pavakanga vava kusvika kumuvengi wavo vakamira.
28Pakanga kunze kwava kungoti mbu–u kuedza, hondo idzodzi dziri mbiri dzakabva dzatangisa kurwisana. Imwe iyi chaiipa ruvimbo rwokuti ichabudirira uye kuti ichakunda, chakanga chisiri simba rayo chete, asi kuti yaivimba naTenzi. Imwe yacho iyi chayaitungamidza mukurwa hondo dzaiva hasha.
29Hondo payakanga zvino yatsviriridza, vedivi rokumuvengi vakaona vamwe vanhu vashanu vakanakisisa kwazvo vakabva kudenga vakatasva mabhiza ana matomhu endarama, ivavo vakanga vachitungamirira vaJudha.
30Vakanga vakakomberedza Makabheusi vachimudzivirira nenhoo dzavo nezvombo zvavo zvokurwisa vachimudzivirira kuti arege kukuvadzwa. Vakanayisa miseve nemheni kumuvengi zvokuti vakavadzungaidza vakaita chidzimira vakaitiswa chimwandamwanda ndokuitwa kanyama kanyama.
31Kwakakatakazhwa kuuraya makumi maviri ezviuru zvavanhu zvina mazana mashanu avanhu, tisingataure zvedu mazana matanhatu avarwi vamabhiza vakauraiwa.
32Timoti pachake akatizira kunhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yainzi Gazara yakanga yakanyatsochengetedzwa navarwi vehondo kwakanga kuchitungamirirwa naKaereasi.
33Ipapo Makabheusi navarwi vake vakabva vati hekanhi waro, vakakomba nhare iyoyo kwamazuva mana.
34Vanhu vakanga vari mukati macho, pamusana pokuvimba kwavo nokusimba kwakanga kwakaita nzvimbo iyoyo, vakashonha Mwari zvakaipisisa vakashevedzera vachitaura mazwi akaipa.
35Mambakwedza pazuva reshanu racho, majaya makumi maviri omuhondo yaMakabheusi, vakaviruka nehasha pamusana pokushonha Mwari ikoko vakaita chivindi chokupaza rusvingo vachipenga nehasha kudaro vakauraya munhu wese wavaisangana naye.
36Vamwe vakauyawo zvimwechetezvo vakapota neseri vachivinga vadziviriri ivavo vakasvikotungidza nomoto nharire dzacho vakabatidza moto vakapisa vanhu vokushonha Mwari ivavo vari vapenyu. Vamwewo vakapaza misuo mikuru ndokupinza vamwe vose varwi vehondo iyoyi vakabva vagara zvavo muguta iroro.
37Vakauraya Timoti akanga akavigwa muzigaringiro rakanga rakacherwa, vakaurayawo mukoma wake Kaereasi pamwechete naAporofanesi.
38Pavakanga vapedza izvozvi izvi, vakarumbidza Tenzi nenziyo vachimutenda iye akanga anzwira Isiraeri ngoni huru dzakadai achivaita kuti vakurire.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.