Muparidzi 7 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

NDIMA YECHIPIRIPfungwa pamusoro poupenyu

1Zita rakanaka riri nani

pano mafuta anokosha

uye zuva rokufa riri nani

pane zuva rokuberekwa.

2Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu

pano kuenda kuimba yemafaro.

Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose.

Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo.

3Kusuruvara kuri nani pano kuseka

mwoyo unofara unogona kuvanzwa

muuso hwakasuwa.

4Mwoyo yavangwaru iri muimba inochemwa rufu

asi mwoyo yamapenzi iri muimba yemafaro.

5Zviri nani kuteerera kutsiura kwomungwaru

pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.

6Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho,

ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi

izvozvowo hazvinzwisisiki.

7Kudzvanyirira mumwe zvakaipa kunoita kuti

mungwaru ave benzi.

Pfumbamuromo inokanganisa pfungwa dzomunhu.

8Kupera kwechinhu kuri nani

pane kutanga kwacho.

Munhu ano mwoyo murefu

ari nani pane ane mweya wokuzvikudza.

9Usakurumidze kushatirwa

nokuti mumwoyo yamapenzi

ndimo mumusha madzo hasha.

10Usabvunze kuti,

“Ko seiko mazuva akare

akanga akanaka kupfuura anhasi uno?

Mubvunzo wako haubvi muungwaru.”

11Sezvakangoita nhaka,

ungwaru chinhu chakanaka

chinobatsira vachiri kuona zuva.

12Sokuchengetedza munhu kunoita mari

ndizvozvowo zvinoita ungwaru kuchengetedza munhu

uye chakanakira ruzivo ndechichi chokuti

ungwaru hunochengetedza upenyu

hwomunhu anahwo.

13Rangarira zvakaitwa naMwari.

Ndiani angatwasanudze chaanenge akombamisa?

14Pamazuva okubudirira, fara,

kana zvinhu zvaipa mazuvayo,

rangarira kuti Mwari ndiye akaita

mazuva okutanga aya namazuva echipiri aya

kuitira kuti munhu arege kuziva

zvichazoitika.

15Paupenyu hwangu husina zvahwo maturo

ndakaona zvose izvi zvokuti.

Munhu wakarurama anofa nyangwe akarurama zvake anofa.

Kwouyawo munhu akaipa kunyange akaipa anogara

upenyu hurefu muzviito zvake zvakaipa.

16Usapfurikidze pakururama kwako

uye rega kupfurikidza pakungwara

unodirei kuzviparadza.

17Rega kupfurikidza pauipi hwako

kana kuva benzi

chaunofira nguva yako isati yasvika chii?

18Rega kubva wati nechimwechete tetere

uchikanganwa chimwe chiya

nokuti munhu anotya Mwari anobudirira

mune zvose zviri zviviri.

19Ungwaru hunosimbisa mungwaru kupinda gumi ravatongi vari muguta.

20Hakuna mururami panyika anoita zvakanaka asingatadzire Mwari.

21Usangoteerera zvose zvose zvinotaurwa navanhu ungadaro ukatonzwa musevenzi wako achikureva.

22Iwe unoziva mumwoyo mako kuti wakamboreva vamwe kazhinji.

23Zvose izvi ndakazviedza neungwaru ndakati regai ndingware asi ungwaru hwaiva kure neni.

24Zvakaitika kare zviri kure uye zvakadzama, zvakadzamisisa. Ndianiwo zvake angazviwane?

25Ndakazosvika pakuzvibvunzurudza mumwoyo ndikazviedza, ndikatsvagisisa ndichivhima ungwaru neuwandu hwezvinhu uye kuti ndizive kuipa kwoupenzi uyezve kuti upenzi urema chaiho.

26Ndakaona kuti munhukadzi anorwadza kupinda rufu anongova misungo yoga yoga, mumwoyo wake mimbure chaiyo maoko ake zvikachikiro chaizvo. Munhu akarurama pana Mwari anomupunyuka asi mutadzi anokachikirwa naye.

27Muparidzi anoti izvi ndizvo zvandawana ndichinyatsofungisisa chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane kuwanda kwazvo.

28Ndakatsvaka kwenguva ndefu pasina chandakawana. Ndakawana murume mumwechetechete akarurama mukati mechiuru asi pakati pavakadzi vose zvavo hapana wandakawana.

29Chandakaona chete ndechichi chokuti Mwari akasika munhu akarurama asi vanhu ndivo vakazozvitsvakirawo zvavo twakawanda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help