1Mambo Asitiagesi paakafa akazorora namadzitateguru ake, akazotsiviwa paumambo naKoreshi wokuPhezhiya.
2Izvozvo Dhanieri akanga ari munhu wapamwoyo kwazvo kuna mambo ari munhu anoremekedzwa kwazvo kupinda shamwari dzose dzamambo.
3Zvino vanhu veBhabhironi vaive nechifananidzo chavainamata chainzi Bhero. Zuva nezuva vaichipa mabhagidhi makumi maviri ane maviri oupfu hwakatsetseka hwekoroni nehwai makumi mana, newaini inoita mazana maviri amarita ana marita makumi mashanu.
4Mambo airemekedza kwazvo chifananidzo ichocho achienda kundochinamata zuva nezuva. Asi Dhanieri ainamata Mwari wake.
5Mambo akamuti, “Seiko iwe usinganamate Bhero?” Iye akapindura achiti, “Pamusana pokuti ini handinamate zvifananidzo zvokunamata zvakaitwa navanhu namaoko avo. Asi ndinonamata Mwari mupenyu akasika denga napasi ane simba rokutonga zvipenyu zvose.”
6Zvikanzi namambo, “Uri kutaura kuti Bhero haasiri mwari mupenyu here. Ko zvaanodya nezvaanomwa zuva roga roga hauzvione here?”
7Dhanieri akaseka zvake akati, “Changamire regai zvenyu kunyengedzwa kudaro nokuti Bhero mukati umu irondo zvaro rakaputirwa kunze uku nendarira. Hachina kumbofa chakadya kana kunwa chinhu.”
8Nokudaro mambo akashatirwa akadaidza vapristi vake akavati, “Kana mukarega kundiudza chiri kudya zvinhu izvi munopafa chete. Asi kana mukanyatsondionesa kuti Bhero ndiye ari kudya zvinhu izvozvo, achafa wacho ndiDhanieri achifira kushora Bhero kwaaita.”
9Dhanieri akati kuna mambo, “Zvamataura ngazviitwe.”
Izvozvo paiva namakumi manomwe avapristi vaBhero tisingaverengeri vakadzi vavo navana.
10Mambo akapinda naDhanieri mutemberi yaBhero.
11Vapristi vaBhero vakati, “Chionaika isu tava kubuda kunze. Imi mambo pachenyu ndimi mochigadzikira zvokudya musanganise waini muiperekere. Munozozarira musuo mobva mazvitsigira nomucherechedzo weringi renyu rechidhindo.
12Pamuchadzoka mangwanani acho mukasvikowana Bhero asina kuzvidya zvose, isu ngatife, kana zvamira nepamwe iye Dhanieri ari kutaura zvenhema nezvedu ndiye achapfuudzwa.”
13Havana kumboita hanya nazvo nokuti pasi peteburu vakanga vakaita mumwe musuo wakahwanda wavaipota vachipinda nawo nguva nenguva vachizodya zvokudya izvozvo.
14Pavakabuda, mambo akagadzikira Bhero zvokudya. Dhanieri ndopaakaudza vashandi vake kuti vauye namadota vakanyatsoamwaya pasi temberi yose, mambo ariye chete aizviona. Vakabva vaenda vakazarira musuo vazvitsigira nomucherechedzo weringi ramambo.
15Hwava usiku vapristi nemhuri dzavo vakauya namadzimai avo navana vavo sezvavaigaroita vakadya, vakanwa zvose.
16Mangwanani mambo akafumomuka akauya naDhanieri.
17Mambo akabva ati, “Ko nhai Dhanieri micherechedzo yangu iya ichiripo here?” Iye akati, “Ichiripo mambo.”
18Pakangonzi magonhi zarurei, mambo akatarisa patebhuru akataura achidaidzira kwazvo achiti, “Imi VaBhero muri mukuru mukuru! Mamuri hamuna unyengedzi kana unyengedzi zvahwo.”
19Dhanieri akaseka zvake akambomisa mambo kupindamo akati, “Tarisai pasi muone kuti tsoka idzi ndedzanaani?”
20Mambo ndokuti, “Ndiri kuona tsoka dzavarume navakadzi navana.”
21Mambo akaviruka nehasha ndokusunga vapristi namadzimai avo navana vavo. Vakamuratidza musuo wapachivande wavaipota vachipinda nawo vachindodya zvainge zviri patebhuru.
22Naizvozvo mambo akavauraya akabva aisa Bhero mumaoko maDhanieri, Dhanieri akaparadza chifananidzo ichocho netemberi yacho.
Dhanieri akauraya zigaranyanya rainamatwa23Kwaivapo nezigaranyanya rainamatwawo navanhu vokuBhabhironi.
24Mambo akati kuna Dhanieri, “Haungarambe kuti uyu ndimwari mupenyu saka chitomupfugamira.”
25Dhanieri akapindura achiti, “Wandinopfugamira ini ndiTenzi Mwari wangu nokuti iye ndiye Mwari mupenyu.
26Asi imi mambo mukandibvumira zvenyu, ndinouraya zigaranyanya irori ndisina bakatwa kana tsvimbo.” Mambo akati, “Ndinokubvumira.”
27Nokudaro Dhanieri akatora tara namafuta nemvere akazvibika achizviita sezvambwa zvechingwa akazvipa kugaranyanya racho kuti ridye. Garanyanya iri rakadya rikaputika. Dhanieri ndokuti, “Chitarisaika muone chinhu chamanga muchinamata.”
28Kuzoti vanhu veBhabhironi vanzwa zvakanga zvaitika izvi vakashatirwa nazvo vakarangana zvokumukira mambo vachiti, “Mambo wapindukira kuchiJudha, akaparadza Bhero akapfuudza zigaranyanya, akauraya vapristi.”
29Vakaenda kuna mambo vakati, “Tipei, kuno Dhanieri mukarega tinokuurayai imi nemhuri yenyu.”
30Mambo akazviona kuti vanhu ivavo vauya vakaipirwa chaizvo, akavapa Dhanieri aita zvokumanikidzwa.
Dhanieri mugomba reshumba31Vakakanda Dhanieri mugomba reshumba akaita mazuva matanhatu arimo.
32Mugomba imomo maiva neshumba nomwe. Zuva roga roga dzaipiwa zvitunha zviviri zvavanhu nehwai mbiri, asi dzakanga dzisina kunge dzapiwa izvozvi rwendo runo, kuitira kuti dzizhanye Dhanieri.
33Izvozvo muporofita Habhakuku aiva kuJudhiya. Akanga abika usavi amedurira chingwa mumidziyo achiigira izvozvo vakohwi kumunda.
34Asi mutumwa waTenzi akati kuna Habhakuku, “Tora chokudya chaunacho ichocho uende nacho kuBhabhironi, kuna Dhanieri mugomba reshumba.”
35Habhakuku ndokuti, “Changamire, handisati ndamboona Bhabhironi uye gomba reshumba racho handirizivi.”
36Mutumwa waMwari ndokubva amuti dzvi nechapakati pomusoro, ndokumusumudza mudenga akamubata bvudzi kudaro ndokuenda naye ndokusvikomuti muBhabhironi dzi pagomba racho reshumba chaipo nokumhanya kwemhepo.
37Habhakuku akadaidzira achiti, “Dhanieri! Dhanieri! Tambira chokudya chawatumirwa naMwari ichi.”
38Dhanieri akati, “Mwari wangu, inga mandiyeuka. Hamurasi vanokudai!”
39Saizvozvo Dhanieri akasimuka akadya. Mutumwa waMwari akabva adzosera Habhakuku kumusha kwake.
40Pazuva rechinomwe mambo akauya kuzochema Dhanieri. Paakasvika pagomba akatarira mukati akaona Dhanieri ageremo zvake.
41Mambo akabva ataura achidaidzira kwazvo achiti, “Imi Tenzi Mwari waDhanieri muri mukuru uye hakuna mumwe kunze kwenyu.”
42Akakwevera Dhanieri kunze ndokukandamo varume vaya vaivavarira kumuparadza. Ndokubva vadamburanwa kudyiwa vachiona.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.