Nziyo 74 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kudetemba kwaAsafu.Munamato wokukumbira kununurwa kwenyika

1Mwari makatirasireiko zvachose

munovirukirireiko nehasha hwai dzedanga renyu?

2Yeukai sangano renyu ramakazviwanira pasi chigare,

ramakanunura kuti rive rudzi rwenhaka yenyu.

Yeukai gomo reZioni ramakombogara.

3Simudzai tsoka mumbofambafamba

kumatongo okugara nokugara;

muvengi akaparadza zvose munzvimbo inoera.

4Vavengi venyu vakadzvova

mukati menzvimbo yenyu yokusanganira,

vakamisa mireza yavo sechiratidzo.

5Vaiita savanhu vanovheyesa matemo,

vari kutema mujokochwa remiti namatemo.

6Vakapwanya mapuranga ose ane zvivezwa

vakazvipwanya namatemo nenyundo.

7Vakapisa nomoto nzvimbo yenyu inoera

vakan'oresa nzvimbo inogara zita renyu.

8Vakazviti nechomumwoyo

tichanyatsovakurira,

vakapisa munyika nzvimbo dzose

dzaMwari dzokunamatira.

9Hatichambooni zvishamiso zvedu;

hatichina muporofita.

Hapana anoziva

kuti zvichatora nguva yakadii.

10Muvengi achadada kusvikira rini

nhai Mwari?

Mhandu yenyu ichatsvinyira

zita renyu narini here?

11Ko munorambireiko kutambanudza

ruoko rwenyu?

Munorambirei makagumbata

ruoko rwenyu rworudyi.

12Asi Mwari Mambo wangu

ndewopasichigare,

ndimi munonunura mukati menyika.

13Makaganhura gungwa nesimba renyu

mukadimbura misoro yezigaranyanya mumvura.

14Makapwanya misoro wengwena;

makaipa sechokudya

kuzvikara zvomurenje.

15Makatubura zvisipiti netukova,

makapwisa hova dzisingapwi.

16Masikati ndeenyu

nousiku ndohwenyu.

Ndimi makaisa mavheneko nezuva.

17Makaisa miganho yenyika,

ndimi makaisa zhizha nechirimo.

18TENZI rangarirai kuti

muvengi anonyomba zvakadii

uye kuti mapenzi avanhu

anoshora sei zita renyu.

19Regai kuisa njiva iyi, vanhu venyu,

mumaoko ezvikara

musakanganwe upenyu hwavarombo

venyu nokusingaperi.

20Itai hanya nechitenderano chenyu

nokuti nzvimbo dzine rima munyika

muzere misha inoshandiswa zvechisimba.

21Vanodzvinyirirwa

ngavarege kunyadziswa.

Varombo navasina chavanacho

ngavarumbidze zita renyu.

22Simukai Mwari muzvimiririre

muyeuke kukunyombai kunoita

mapenzi zuva rose.

23Musakanganwe ruzha runoitwa

navavengi venyu.

Mhirizhonga yemhandu dzenyu

inoramba yakasimudzirwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help