Sira 16 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kuparadzwa kwavasiri vanamati

1Usangoda gurusvusvu ravana zvokungoti chero vari vana,

kana kufadzwa mwoyo navana vasiri vanamati.

2Kunyange vawande sei,

rega kufadzwa nazvo

kusatoti kutya Mwari kuri mavari.

3Zvokuti vano upenyu urefu,

rega zvako kuzviverenga

kana kuvimba nokuwanda kwavo,

nokuti ane mumwechete anotokunda ano churu,

uye zviri nani kufa usina mwana

pano kuva navana vasiri vanamati.

4Guta rinokuriswa nomunhu mumwechete woga anonzwisisa,

asi norudzi rwavasina murao richasakadzwa.

5Ziso rangu rakaona zvizhinji zvakadai,

uye nzeve yangu yakanzwa zvinopfuura izvi.

6Pagungano ravatadzi panopfuta moto

rudzi rwavanhu vasingateereri runovirutswa hasha.

7Hofori dziya dzakare dzakamukira Mwari

dzichivimba nesimba radzo,

zvokuti dziregererwe,

pakanga pasisina.

8Haana kupfavirawo vavakidzani vaRoti;

akasemeswa nokuzvikudza kwavo.

9Haana kunzwira tsitsi rudzi rwakatemerwa kuparadzwa,

rwakatsakatiswa panyika pamusana pezvitadzo zvarwo.

10Ndizvozvowo zvakaitika kuvarwi vetsoka

vaiva mazana matanhatu ezviuru zvavanhu

vakaunganidzana vapanduka

pamusana pokuoma musoro kwavo.

11Kunyange dai aive mumwechete akaramba kuteerera,

zvaitozoshamisa kuti arege kuzorangwa,

nokuti tsitsi nehasha ndezvaMwari,

ane simba rokuregerera

uye anogona kuviruka nehasha.

12Sokuwanda kwakaita tsitsi dzaMwari,

ndizvozvowo zvakaita kukura kokuranga kwake,

asi kuranga kwake kunorwadza,

anotemera vanhu zvakakodzerana nezviito zvavo.

13Mutadzi haangapunyuki nezvaakapamba,

uye, kutirira kwomunamati hakushaiswi maturo.

14Hakuna waanoramba kunzwira tsitsi,

munhu oga oga achawana zvinoenderana nezvaakaita.Kurangwa hakuna anokunzvenga

17Rega kuti, “Mwari ndichamuhwanda.

Kudenga uko, ndiani achandiyeuka?

Mugurusvusvu ravanhu handizombozikanwa.

Pangu pano ndiri chiiwo zvangu,

mukati mezvisikwa zvisingaverengeki?”

18Chinzwa, denga nedenga rokumusorosoro

napasipasi penyika naiyo nyikayo

zvichandengendeka paanozvishanyira.

19Makomowo anodedereswa achibvunda,

uyewo nougaro hwenyika, paanongozvitarisa.

20Hakuna munhu anogona kubata zvazvinoreva,

ndianiwo angarangarire makwara aMwari?

21Semhepo huru isina anokwanisa kuiona,

ndozvimwechetezvo namabasa ake akavanzika.

22“Ndianiwo achazivisa vanhu kuti

ruenzaniso rwake rwaanoita here,

kana kuti achazvitarisira

nokuti chitsidzirano chake chiri kure kure?”

23Uyu ndomufungiro unoita munhu asina pfungwa,

benzi rinongofambiramo

ndiro rinoita pfungwa dzakarasika kudaro.

Ukuru hwomunhu pazvisikwa

24Teerera, mwanangu, uwane ruzivo,

upfundire mazwi angu aya mumwoyo mako.

25Ndichakupa chidzidziso chaicho,

uye ndikuwanisewo ruzivo rwezvirokwazvo.

26Mwari paakasika zvinhu pakutanga,

akagovera chimwe nechimwe nzvimbo yacho.

27Zvaakaita izvozvo akazvironga,

zvazvinozogara zvakaita narini wose,

utongi hwazvo huchivapo

pazvizvarwa nezvizvarwa zvose,

hazvinzwi nzara kana kuneta,

kana kurega kuita basa raakazvirongera.

28Hapana chinosairirana nechimwe,

kana zvako kusateerera izwi rake.

29Mushure mezvi, Mwari akatarisa pasi,

akapazadza nezvinhu zvakanaka zvinobva kwaari.

30Akaita kuti pamusoro payo nyika,

patekeshere kuzara nezvipenyu zvakasiyana–siyana

zvaakati zvinozodzokerazve kuvhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help