1Judhisi akati pasi gwadagwada nouso akazvidira dota mumusoro, akapfekenura hanzu dzamasaga dzaakanga akapfeka iri nguva chaiyo yaipirwa mupiro worusenzi wamanheru mumba yaMwari kuJerusaremu. Judhisi akadaidzira nezwi guru kuna Mwari achichema achiti,
2“Nhai Tenzi Mwari wababa vangu Simeoni,
vaya vamakapa bakatwa rokutsividza vatorwa
vakanga vakanganisa musikana mhandara chibereko chake
vachimukangaidza nokumufukura chidya chake vachimunyadzisa
vakasvibisa chibereko chake vachimufumura
kunyange imi makanga mati,
‘Hazvifaniri kuitwa,’
asi ivo vakatozviita.
3Ndosaka imi makaita kuti vatongi vavo vaurayiwe,
mubhedhawo wavo wakanga wan'oreswa
nounyengedzi hwavo uve neropa.
Makarakatisa varanda pamwechete
namachinda; machinda aiva
pazvigaro zvavo zvoushe.
4Makaita kuti vakadzi vavo vasare vava
saruraude kutorwa zvavo,
uye vanasikana vavo kuti vatapwe,
zvinhu zvavo zvainge zvapambwa zvigovanwe
pakati pavanakomana venyu vapamwoyo
vaikushingarirai uye vakavenga
kukanganiswa kweropa ravo
vakakutetererai kuti muvabatsire.
“Tenzi, Mwari wangu,
chindinzwaiwo ini chirikadzi kudai.
5Ndinodaro nokuti ndimi imi makaronga
zvinhu izvi nezvakapfuura nezvakazotevera.
Makarongawo zviripo izvi pari zvino nezvichauya
zvamakaronga imi ndozvakazoitika.
6“Zvose zvamakaita zvakazviratidza pachena zvichiti,
‘Tarisai muone tava pano,’
nokuti makwara enyu ose, anenge akafanorongwa;
zvamunotema, zvinenge zvakafanofungwa.
7“Chionaika, vaAsiria vari kuramba vachisimbarara,
vari kututumara namabhiza avo navatasvi vacho.
Chinovainzva, varwi vavo vetsoka
vari kuvimba nenhoo namapfumo avo nouta
nechimviriri vasingazivi kuti imi
ndimi Tenzi mupedzi wehondo.
Zita renyu ndiYAHWEH.
8Varukutisei nesimba renyu
kushatirwa kwenyu kuvapedze simba
nokuti vari kuronga kun'oresa nzvimbo yenyu inoera
nokusvibisawo tendhe rinoera
nzvimbo yakaiswa zita renyu rine mbiri
vachikwaburira pasi nesimbi
chinenge nyanga chiya chapaatari yenyu.
9Tarisai muone kuzvikudza kwavo,
hasha dzenyu ngadzitibikire mumwe nomumwe wavo.
Ndipeiwo simba ini chirikadzi kudai,
rokuita zvandaronga.
10Namano andichareva nomuromo wangu
putsirai muranda natenzi wacho,
tenzi nomurandawo wake.
Paradzai kuzvikudza kwavo
noruoko rwomunhukadzi.
11“Ndinodaro nokuti mukuwanda
kunyange simba renyu, haribvi muvarume vesimba,
sezvo imi ndimi Mwari wavanozvirereka;
Mubatsiri wavanhu vakadzvinyirirwa,
Mutsigiri wavasina simba,
Mudziviriri wevanenge varaswa,
Mununuri wavanenge varasa mwoyo.
12Ndinzweiwo, ndapota zvangu,
ndinzweiwo Mwari wababa vangu,
Mwari wenhaka yeIsiraeri,
Tenzi wedenga napasi,
Musiki wemvura,
Mambo wezvinhu zvenyu zvose zvamakasika,
teereraiwo munamato wangu.
13Itaiwo kuti mano angu mukutaura
avakuvadze avarove,
nokuti vakaronga bangano rakaipa rikadaro
rokuvenga chitenderano chenyu
nokuvenga imba yenyu yakateketerwa kwamuri
nokuvengawo pamusoro pegomo reZioni
uye vachivenga imba yavana.
14Ratidzai waro marudzi ose dzinza ripi neripi zvaro
kuti vazive vagonzwisisa
kuti ndimi Tenzi, Mwari Samasimbaose
uye kuti hapana mumwe anodzivirira vaIsiraeri
kusiya imi moga.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.