Judhisi 9 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Munamato waJudhisi

1Judhisi akati pasi gwadagwada nouso akazvidira dota mumusoro, akapfekenura hanzu dzamasaga dzaakanga akapfeka iri nguva chaiyo yaipirwa mupiro worusenzi wamanheru mumba yaMwari kuJerusaremu. Judhisi akadaidzira nezwi guru kuna Mwari achichema achiti,

2“Nhai Tenzi Mwari wababa vangu Simeoni,

vaya vamakapa bakatwa rokutsividza vatorwa

vakanga vakanganisa musikana mhandara chibereko chake

vachimukangaidza nokumufukura chidya chake vachimunyadzisa

vakasvibisa chibereko chake vachimufumura

kunyange imi makanga mati,

‘Hazvifaniri kuitwa,’

asi ivo vakatozviita.

3Ndosaka imi makaita kuti vatongi vavo vaurayiwe,

mubhedhawo wavo wakanga wan'oreswa

nounyengedzi hwavo uve neropa.

Makarakatisa varanda pamwechete

namachinda; machinda aiva

pazvigaro zvavo zvoushe.

4Makaita kuti vakadzi vavo vasare vava

saruraude kutorwa zvavo,

uye vanasikana vavo kuti vatapwe,

zvinhu zvavo zvainge zvapambwa zvigovanwe

pakati pavanakomana venyu vapamwoyo

vaikushingarirai uye vakavenga

kukanganiswa kweropa ravo

vakakutetererai kuti muvabatsire.

“Tenzi, Mwari wangu,

chindinzwaiwo ini chirikadzi kudai.

5Ndinodaro nokuti ndimi imi makaronga

zvinhu izvi nezvakapfuura nezvakazotevera.

Makarongawo zviripo izvi pari zvino nezvichauya

zvamakaronga imi ndozvakazoitika.

6“Zvose zvamakaita zvakazviratidza pachena zvichiti,

‘Tarisai muone tava pano,’

nokuti makwara enyu ose, anenge akafanorongwa;

zvamunotema, zvinenge zvakafanofungwa.

7“Chionaika, vaAsiria vari kuramba vachisimbarara,

vari kututumara namabhiza avo navatasvi vacho.

Chinovainzva, varwi vavo vetsoka

vari kuvimba nenhoo namapfumo avo nouta

nechimviriri vasingazivi kuti imi

ndimi Tenzi mupedzi wehondo.

Zita renyu ndiYAHWEH.

8Varukutisei nesimba renyu

kushatirwa kwenyu kuvapedze simba

nokuti vari kuronga kun'oresa nzvimbo yenyu inoera

nokusvibisawo tendhe rinoera

nzvimbo yakaiswa zita renyu rine mbiri

vachikwaburira pasi nesimbi

chinenge nyanga chiya chapaatari yenyu.

9Tarisai muone kuzvikudza kwavo,

hasha dzenyu ngadzitibikire mumwe nomumwe wavo.

Ndipeiwo simba ini chirikadzi kudai,

rokuita zvandaronga.

10Namano andichareva nomuromo wangu

putsirai muranda natenzi wacho,

tenzi nomurandawo wake.

Paradzai kuzvikudza kwavo

noruoko rwomunhukadzi.

11“Ndinodaro nokuti mukuwanda

kunyange simba renyu, haribvi muvarume vesimba,

sezvo imi ndimi Mwari wavanozvirereka;

Mubatsiri wavanhu vakadzvinyirirwa,

Mutsigiri wavasina simba,

Mudziviriri wevanenge varaswa,

Mununuri wavanenge varasa mwoyo.

12Ndinzweiwo, ndapota zvangu,

ndinzweiwo Mwari wababa vangu,

Mwari wenhaka yeIsiraeri,

Tenzi wedenga napasi,

Musiki wemvura,

Mambo wezvinhu zvenyu zvose zvamakasika,

teereraiwo munamato wangu.

13Itaiwo kuti mano angu mukutaura

avakuvadze avarove,

nokuti vakaronga bangano rakaipa rikadaro

rokuvenga chitenderano chenyu

nokuvenga imba yenyu yakateketerwa kwamuri

nokuvengawo pamusoro pegomo reZioni

uye vachivenga imba yavana.

14Ratidzai waro marudzi ose dzinza ripi neripi zvaro

kuti vazive vagonzwisisa

kuti ndimi Tenzi, Mwari Samasimbaose

uye kuti hapana mumwe anodzivirira vaIsiraeri

kusiya imi moga.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help