1Soromoni akatangisa kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu paGomo reMoriya, paya pakanga pazviratidza Tenzi kuna Dhavhidhi baba wake panzvimbo yakanga yasarudzwa naDhavhidhi paburiro raOrinani wechiJebhusi.
2Akatangisa kuvaka mumwedzi wechipiri mugore rake rokutonga rechina.
3Uyu ndiwo mwero waSoromoni wamamiriro ougaro hwose hwemba yaMwari. Urefu hwayo hwaiita makumi maviri emamita, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe.
4Kamba kepamusuo, usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Kukwira kwayo mudenga yakareba mamita makumi mashanu nemana. Mukati mako, kumadziro, akanamirira ndarama.
5Mumba macho kumadziro akanyatsoiti namapuranga omusaipurasi chechetere, akaanamirira ndarama chaiyo yakanakisisa akaita pazviri mifananidzo yemiti yomurara neyemirongorongo yecheni.
6Akashongedza imba yacho nematombo anokosha okunamatidza pazvinhu. Ndarama yacho yaiva ndarama yeParivhaimu.
7Nokudaro akanamirira ndarama kumadziro mumba imomo namapango ayo edenga okutandarika nezviguvare zvayo namadziro acho namagoni ayo. Akavezera pamadziro ipapo mifananidzo yezvisikwa zvinonzi makerubhu.
8Akavakawo nzvimbo inoeresesa imomo. Urefu hwayo hwakanga hwakaenzana noupamhi hwemba yacho huchiita mamita mapfumbamwe, upamhiwo huri mamita mapfumbamwe. Kumadziro akainamirirawo ndarama yakanakisisa yairema matani anopfuura makumi maviri.
9Uremu hwezvipikiri zvendarama hwaiita magiramu mazana mashanu ane makumi manomwe. Akanamirawo ndarama mudzimba dzenhurikidzwa.
10Munzvimbo inoeresesa akagadzira mifananidzo miviri yemakerubhu okuveza omuti akaanamira nendarama.
11Mapapiro amakerubhu pamwechete aiita mamita mapfumbamwe. Bapiro rimwechete rekerubhu raiita mamita maviri nemasendimita makumi maviri, rainoguma kumadziro kwemba iyoyo. Rimwe bapiro racho raiitawo mamita maviri nemasendimita makumi maviri raigumana nebapiro rerimwe kerubhu.
12Bapirowo rerimwe kerubhu raiitawo mamita maviri nemasendimita makumi maviri rakanga richiguma kumadziro kwemba iyoyo. Bapiro rimwe riri mamita maviri namasendimita makumi maviri raigumanawo mapapiro nekerubhi rokutanga riye.
13Mapapiro emakerubhu iwayo akanga akatambanudzwamo achiita mamita mapfumbamwe. Makerubhu aya akanga akamira nemakumbo akaringira kumba kwacho.
14Akagadzira jira rechidzikatiro namachira eruvara rwedenga neruvara rwehute nematsvuku neerineni akanakisisa akarukirira makerubhu pachiri.
Misimboti miviri yendarira(1 Madzi 7:15–22)15Pamusuo pemba yacho, akaita misimboti miviri yaisvika mamita gumi namashanu ane masendimita makumi mashanu. Mumwe nomumwe wayo uine chepamusoro pawo chaiita mamita maviri ane masendimita makumi maviri kureba.
16Akaita cheni dzinenge dziye dzokushonga muhuro akadziisa pamisoro yemisimboti. Akagadzirawo zvinenge michero yemapomegiraneti zana akazviisa pacheni idzodzo.
17Akamisa misimboti iyi pamusuo weTemberi achiti mumwe kumaodzanyemba, mumwe kuchamhembe. Waiva kumaodzanyemba akautumidza zita rokuti Jakini, wokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.