1Matenga anoparidza mbiri yaMwari,
ziendanakuenda rinodura pachena
mabasa aMwari.
2Zuva roga roga rinotaura kusvika kune rimwe,
nousiku humwe hunotsvitsa kunohumwe
ruzivo irworwu.
3Hapana kutaura kana mashoko
kana izwi rawo rinonzwika.
4Asi izwi rawo rinosvika pasi pose,
mazwi avo anosvika kwakaperera nyika,
akaitira zuva musha maari
5rinobuda somukuwasha mumba make
somurume ane simba, rinomhanya
nzira yaro norufaro.
6Rinobuda kwakaperera denga
richifamba kundosvika kumwe kwarinogumira.
Hakuna chingavande kupisa kwaro.
7Mutemo waTENZI mutemo uzere,
unomutsiridza munhu.
Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi,
kunopa ungwaru kuna vasina njere.
8Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama,
zvinofadza mwoyo.
Murau waTENZI mutsvene tsvene
unovhenekera maziso.
9Kutya Mwari chinhu chakachena,
chinogara nokusingaperi
mitemo yaTENZI iri pachokwadi
uye yakarurama kwazvo.
10Inofanira kudiwa kukunda ndarama,
kutopinda ndarama yakanakisisa,
inotapirawo kupinda uchi
kupinda musvisvi wezinga rouchi.
11Uyewo unoyambira muranda wenyu
kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru.
12Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake;
ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda.
13Ndidzivirireiwo ini muranda wenyu
kuzvitadzo zvokuita ndichida.
Ngazvirege kunditonga.
Naizvozvo ndichava munhu asina mhosva
uye asina kupara mhosva huru.
14Dai mazwi angu nepfungwa
dzemwoyo wangu zvangove
zvinogamuchirika kwamuri,
imi TENZI, bako rangu
nomununuri wangu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.