Tsumo 19 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Zviri nani kuva murombo

anogara upenyu hwakarurama

pano huyakose yomunhu benzi.

2Hazvina kunaka kuti munhu

ashaye ruzivo.

Anokurumidza kumedza

kutsenga achakuda, anorasika.

3Kana upenzi hwomunhu hwamusvitsa pakuparadzwa,

mwoyo wake unovirukira Tenzi nehasha.

4Upfumi hunokuwanira shamwari itsva

asi murombo anofuratirwa neshamwari yake.

5Chapupu chenhema hachirege kurangwa

anonyepa haapunyuki.

6Vanhu vazhinji vanoda

kufadza mukuru-mukuru

munhu wose anoda kushamwaridzana

nomunhu anopa.

7Murombo anovengwa nehama dzake dzose,

ko kutozoti shamwari,

dzinomirira kure zvakadii?

Angasarudze zvake mazwi ake

asi hapana waanosara anaye.

8Munhu anozviwanira ungwaru

munhu anozvida.

Munhu anochengetedza kunzwisisa anobudirira.

9Chapupu chenhema hachirege kurangwa

munhu anonyepa achaparara.

10Hazvikodzeri kuti benzi

rigare pamutambaratede,

zvakatonyanya kusakodzera

kuti muranda atonge vakuru vakuru.

11Munhu anonzwisisa

haakurumidzi kushatirwa

kuregerera kunoita kuti aremekedzwe.

12Hasha dzamambo dzakafanana

nokudzvova kweshumba

asi ushamwari naye

hwakaita sedova pauswa.

13Benzi romwana

imharadzi kuna baba vake.

Mudzimai ano pamuromo mumba

imba inoramba ichidonha.

14Imba noupfumi

inhaka inobva kumadzibaba

asi mukadzi mungwaru

anobva kuna Tenzi.

15Nungo dzinopfodoresa

munhu hope,

nyope yomunhu inofa nenzara.

16Munhu anochengeta mutemo

anozvichengeta upenyu

asi anoshora nzira dzaTenzi anofa.

17Munhu anoita mwoyochena kumurombo,

anokweretesa kuna Tenzi,

anomuripa zvaanenge aita zvacho.

18Raira mwana wako achiri kunzwa

asi kwete zvokutoda kumuuraya.

19Munhu ane hasha dzakawanda

achawana mubayiro wadzo

nokuti ukamurandutsira

uchatozomurandutsirazve.

20Teerera zano raunopiwa

ugamuchire kudzidziswa kwaunoitwa

kuti uwane ungwaru muneramangwana.

21Munhu anogona kuzvirongera,

mumusoro make, zvinhu zvakawanda

asi zvinodiwa naTenzi

ndizvo zvinozoitika.

22Chinodiwa pamunhu kuvimbika,

murombo ari nani pano murevi wenhema.

23Kutya Tenzi kunosvitsa kuupenyu

uye anako anogadzana mwoyo,

hapana chinomuwana.

24Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindi

agoita nungo dzokurudzorera kumuromo.

25Rova tsvuuramuromo

dununu rinodzidza ungwaru,

ukatsiura munhu anonzwisisa

anowana ruzivo.

26Mwana anorova baba

achitandanisa amai vake,

mwana anonyadzisa

uye anoshoresa.

27Mwanangu

kana uchida kurasika

pamashoko oruzivo

kanda pasi zvidzidziso.

28Chapupu chinoreva nhema

chinoshora ruenzaniso

muromo womuipi unokambura uipi.

29Chirango chakamirira vanoshora,

shamhu yakamirira misana yamapenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help