1 Vanamakabhi Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku rokutanga nerechipiri ravaMakabhi anotaura nezvechimurenga chavaJudha vachipandukira mambo Andiyokusi wechina. Mabhuku aya akanyorwa ari mana. Zvinotaurwa nerechitatu nerechina zviri mune rokutanga nerechipiri. Bhuku rokutanga rinotangisa nokutaura nezvorufu rwamambo Arekizanda, mukuru mukuru mugore ra 323 K.A.A. nokukamuraniswa kwakaitwa umambo hwake muzvikamu zvina. Mabhuku aya anotaura nezvechikamu choumambo uhu chakapiwa kuna mambo Andiyokusi wechina aitonga chikamu choumambo uhu chaisanganisira neIsiraeri. Mambo Andiyokusi akarambidza vaJudha kunamata Mwari wavo; achivati vanamate zvifananidzo uye kuti vapire nguruve paatari yaMwari. Vanhu vakatungamirira chimurenga ichi ndiMatatiasi navana vake vatatu vanoti: Judhasi Makabheusi, naJonatani, naSimoni. Chavakakwanisa kuita vanhu ava kuunza rusununguko kuJerusaremu nokuchenurwa kweTemberi yaMwari nokuisumazve kuna Mwari. Akazotevera vanhu ava mukutonga ndiJoni Hirikanusi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga ravanaMakabhiKutambudzwa kwavaJudha nokupanduka kwaMatatiasi (1:1—2:70)Chimurenga chaJudhasi Makabheusi (3:1—9:22)Chimurenga chaJonatani (9:23—12:53)Chimurenga chaSimoni (13:1—16:24)