1Mwari changamire tinzwireiwo tsitsi mutichengetewo,
imi Mwari wazvose;
2pinzai kutyisa kwenyu mukati
memarudzi ose.
3Simudzirai marudzi ruoko rwenyu,
muratidze simba renyu.
4Sokuvaonesa kwamakaita utsvene hwenyu nezvamakatiitira,
chitionesaiwo masimba enyu nezvamunoita kwavari.
5Itai kuti vakuziveiwo, sokuziva kwatinoita,
kuti hakuna mumwe Mwari, asi imi moga, Tenzi wedu.
6Itaizve zviratidzo nezvishamiso sezviya zvamakamboita,
kuti vazive mbiri yoruoko rwenyu namasimba enyu.
7Vavirukirei nehasha muvaratidze kutsamwa kwenyu;
paradzai mhandu mutsakatise muvengi.
8Kurumidzisai zuva kusvika, muchiyeuka
nguva yamakatema,
vanhu vagozokurukura nezvamabasa enyu esimba.
9Moto wokutsividza kwenyu ngauroromese vanenge vasara,
ngavapinde nhamo vanhu vanoitira vanhu
venyu, zvakaipa.
10Pwanyai misoro yavatungamiri navavengi,
vanoti, “Hakuna mumwe, asi isu chete!”
11Kokorodzai dzimba dzose dzaJakobho,
mudzidzosere nhaka yadzo sapakutanga.
12Itirai tsitsi Tenzi vanhu vanodaidzwa nezita renyu,
vaIsiraeri vamakaita sedangwe renyu.
13Nzwiraiwo tsitsi guta renyu reNzvimbo Inoera, Jerusaremu,
nzvimbo yenyu yokuzororera.
14Zadzai Zioni namaungira okurumbidzwa kwenyu,
kupenya kwokuvapo kwenyu kuzadzewo Imba yenyu.
15Tsigirai waro vamakaita pakutanga kuti vave rudzi
muzadzikise zvakaporofitwa muzita renyu.
Ipai mubairo vose vanokumirirai.
16Gutsikanisai vanovimba nemi,
muonese kutendeseka kwavaporofita venyu.
17Tenzi inzwaiwo chichemo chavaranda venyu,
vanokumbirira vanhu chikomborero chaAroni
vanhu vose vari vapasi pano
vagoziva kuti imi ndimi Tenzi,
Mwari anoramba aripo kwemisi isingaperi.
Kuziva kusarudza18Dumbu rinogamuchira chokudya chose chose
asi kumwe kudya kuri nani pano kumwe.
19Mukanwa munoziva kuti nyama iyi ndeyemhuka
ndizvozvowo zvinoita munhu anofunga
anoziva kuti mazwi aya ndeenhema.
20Munhu asina unhu, chake kumutsa muchokoto
asi munhu anoziva pokumugona napo
anowana chokuita naye.
Kusarudza mukadzi wokuroora21Mukadzi anongoti chero murume anogona kumuroora
asi vamwe vanasikana vari nani kupinda vamwe.
22Runako rwomukadzi runofadza munhu,
runopfuura zvimwe zvose zvinodisa munhu.
23Kana rurimi rwake rwakapfava rwakanyorovera,
murume wake akakomborerwa kupinda vamwe vose.
24Munhu anoroora mukadzi awana upfumi chaiho
murume awana mubatsiri akakodzerana naye anomutsigisa.
25Kana munda usina rusosa, munopindwa mukabiwa,
ndizvowo zvino munhu asina mukadzi,
iswerakuenda isina kudzikama ichitambudzika.
26Ndiani angatendesekane negororo risingagari pasi,
rinoti nhasi riri muguta rino mangwana rave munerero.
27Ndizvowo zvino munhu asina musha ndiani angavimbe naye
anoti paadokerwa nezuva ndipo poorara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.