Zvakaratidzwa 5 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hwayana nebhuku rokumononora

1Zvino ndakaona murudyi

mouya akanga agere pachigaro choumambo,

bhuku rokumononora rakanyorwa seri neseri

rakanamwa nenamo nomwe.

2Ndakaonawo mutumwa akasimba

achidaidzira nezwi guru achiti,

“Ndiani anokodzera kuzarura bhuku rokumononora

nokukwatanura namo dzaro.”

3Hapana kana mumwechete,

kudenga kana pasi pano kana pasi penyika

aigona kuzarura bhuku rokumononora iroro

kana kutarisa mukati maro.

4Ipapo ini ndakachema zvikuru

nokuti aikodzera kuzarura bhuku rokumononora iroro

kana kutarisa mariri; haana kuwanikwa.

5Mumwe wavakuru vakuru vaya

akati kwandiri, usacheme zvako,

inga shumba yedzinza rokwaJudha,

Dzinde raDhavhidhi, akakunda,

kuti akwanise kuzarura

bhuku rokumononora iroro nenamo dzaro nomwe dziya.

6Ipapo ndakaona Hwayana ichitarisika seyakambouraiwa;

yakanga yakamira nechapakati pechigaro choumambo

yakatenderedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina zviya

uye navakuru vakuru vaya.

Yakanga iine nyanga nomwe namaziso manomwe.

Ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa pasi pose.

7Yakaenda ikatora bhuku rokumononora

murudyi rwaiye akanga agere pachigaro choumambo.

8Payakatora bhuku rokumononora iroro,

zvisikwa zvipenyu zvina zviya

navakuru vakuru makumi maviri navana vaya

vakati pasi wareware pamberi peHwayana.

Mumwe nomumwe aine dimbwa mumaoko

nekadhishi kazere rusenzi

ndiyo minamato yavatsvene.

9Vakaimba rumbo rutsva vachiti,

“Munokodzera kutora bhuku rokumunonora

nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa

mukanunurira Mwari vanhu

kubva kumarudzi ose nendimi dzose

navanhu vose nendudzi dzose.

10Makavaita umambo navapristi vaMwari wedu

uye vachatonga pasi.”

11Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza

chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya

navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji

vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo;

12vachiti nezwi guru,

“Hwayana yakauraiwa

yakakodzera kugamuchira

simba roupfumi noungwaru

noukuru norukudzo nembiri nechikomborero.”

13Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri

kudenga napasi napasi penyika nomugungwa

nazvose zvirimo zvichiti,

“Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru

iye agere pachigaro choumambo

uyewo kuHwayana.”

14Zvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati, “Ameni,”

vakuru vakuru vaya vakabva vati wareware pasi vachinamata.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help