2 Nhoroondo 2 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Kugadzirira kuvakwa kweTemberi(1 Madzi 5:1–18)

1Soromoni akafunga kuvaka imba yokuisa zita raTenzi nokuzvivakirawo muzinda wake.

2Soromoni akapa basa zviuru makumi manomwe zvavarume kuti vave vokutakura zvinhu, zviuru makumi masere vave vokukwakwanura matombo mumakomo, nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu vokuona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.

3Soromoni akatumira shoko kuna Huramu

mambo wokuTire rokuti,

“Sezvamakaita kuna baba wangu Dhavhidhi

kuvatumira misidhari

yokuvakisa imba yokuti vagare,

4zvino iniwo ndava kuvaka imba

yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu

yandichateketera kwaari mokupisira paari rusenzi

rwetwunonhuwirira,

mokugara makaiswa chingwa chepana Mwari,

mokupirirawo mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru

pamaSabata napakugara kwomwedzi

napamazuva makuru aTenzi, Mwari

wedu akatemerwa Isiraeri narini wose.

5Imba yacho yandava kuzovaka,

ihuru nokuti Mwari wedu mukuru

pana vamwari vose.

6Asi ndianiwo chaizvo angakwanise

kumuvakira imba, ipo

panototi matenga chaiwo kunyange denga

rokumatenga-tenga chairo

harikwane kuti agaremo.

Panguwo pano, ndiri aniwo zvangu kuti

ndimuvakire imba,

asi kuti kuvaka pokungomupisira rusenzi

chete here?

7Nditumireiwo mhizha yezvendarama

nezvesirivha nezvendarira

nezvesimbi nezvamachira eruvara rwehute namatsvuku neeruvara rwedenga.

Anounyanzvi hwokunyora pazvinhu

achiita zvokutemerapo,

kuti azova pamwechete

navanhu vanoziva basa vaneni kwaJudha

kuno nomuJerusaremu vakatsvakwa

nababa vangu Dhavhidhi.

8Munditumireiwo musidhari

nomusaipurasi nomuarugamu

okuRebhanoni nokuti ndinoziva

kuti vashandi venyu vanoziva

zvokutema mapango kuRebhanoni.

Vashandi venyu vachava pamwechete

navashandi vangu

9kuti vandigadzirire mapango akawanda

nokuti imba yandichavaka ihuru uye yakanaka.

10Vashandi venyu vokutema miti

ndichavapa zviuru zviviri

zvematani ekoroni nezviuru mazana mana emarita ewaini

namafuta eorivhi anoita zviuru mazana mana zvamarita.”

11Huramu mambo wokuTire akapindura Soromoni netsamba yaiti,

“Pamusana pokuti

Tenzi anoda vanhu vake akakuitai

mambo wavo.”

12Huramu akatiwo,

“Tenzi, Mwari weIsiraeri ngaarumbidzwe.

Musiki wedenga napasi akapa Dhavhidhi

mwanakomna ane ungwaru

anonyatsooona zvinhu nomazvo,

anonzwisisa achavakira imba Tenzi

uye achazvivakirawo muzinda.

13“Zvino ndatumira mhizha inonzwisisa

inonzi Huramuabhi,

14mwanakomana womumwe mudzimai wokwaDhani,

baba vake vari munhu wokuTire.

Inyanzvi yezvendarama nezvesirivha nezvendarira

nesimbi namabwe nezvamapango

nezvamachira eruvara rwehute neeruvara rwedenga

namatsvuku nezverineni yakanakisisa,

nemhando nemhando dzokunyorawo

kwokutemera pazvinhu nokufanonyora

mifananidzo yezvose zvose zvingade kuzoitwa

pamwechete navanhu vokwenyu vanoziva basa,

nyanzvi dzebasa dzachangamire wangu

Dhavhidhi baba venyu.

15Saka koroni nebhari namafuta eorivhi newaini

zvamakataura mambo changamire titumirei

zvenyu isu varanda venyu.

16Isu tinokutemeraiwo mapango ose amunenge muchida

kuRebhanoni toauyisa kwamuri tichiayeredzera kuJopa nomugungwa

akasungwa masvinga masvinga

kuitira kuti muzoatorawo imi

mugokwira nawo kuJerusaremu.”

Kuvakwa kweTemberi namambo Soromoni(1 Madzi 6:1–38)

17Soromoni akazovenga vatorwa vose vaiva munyika yeIsiraeri mushure mokuverenga vanhu kwakanga kwamboitwa nababa vake Dhavhidhi. Kwakawanikwa kuti kwaiva navanhu vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu zvine mazana matanhatu avanhu.

18Vamwe vavo vanokwana zviuru makumi manomwe akavapa basa rokutakura zvinhu, zviuru makumi masere rokukwakwanura matombo mumakomo nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu rokuwona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help