1Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni
ruva reriri zvaro romumapani.
CHIKOMBA2Seruva reriri mukati merukato
ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu
pakati pevasikana.
MWENGA3Somuti wemuapuru mukati mesango,
ndozvakaita mudiwa wangu
mukati memajaya.
Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro
une michero yawo inondinakira.
4Akaenda neni kumabiko ewaini.
Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza.
5Dai ukangondidzorawo mwoyo
nemichero yemagirepisi akaomeswa
undimutse mwoyo nemaapuru
nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo!
6Dai ruoko rwake rweruboshe
ruri pasi pemusoro wangu
rudyi rwake rwakandigumbatira.
7Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu
mupike nemhara nemhene dzesango
kuti hamutirimutsi kana kumutsa
havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.
RWIYO RWECHIPIRIMWENGA8Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu,
hoyo wouya,
achiuruka mumakomo.
9Achisvetuka zvikomo
mudiwa wangu akaita semhara
kana kuti setsvana yemhene.
Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu
achidongorera napawindo
achitarisa nepawaya yesefa.
10Mudiwa wangu hoyo wotaura
achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu
iwe tsvarakadenga yangu uuye.”
CHIKOMBA11Nguva yechando yapfuura
mvura yokunaya yapera, uye yaenda.
12Maruva abuda panyika
nguva yokuimba yasvika
kurira kwenjiva kwava kunzwika
munyika medu.
13Muonde wavakubereka maonde,
migirepisi yava namaruva
ari kunhuwirira.
Simuka chido chemwoyo wangu
uya zvako tsvarakadenga yangu.
14Iwe njiva yangu
iri mumikaha yamabwe
nemakavandika muzvikomo.
Rega ndione zvangu uso hwako,
ndinzwe hangu izwi rako
nokuti izwi rako rakanakisa
uye uso hwako hunoyevedza.
SHAMWARI15Tibatirei makava,
tukava tudiki
turi kukanganisa minda yedu yamagirepisi,
nokuti minda yedu yamagirepisi yava namaruva.
MWENGA16Mudiwa wangu ndewangu,
ini ndiri wake,
anofudzira zvipfuwo zvake
mukati memaruva amariri.
17Kusvikira rungwanani kwofefetera;
rima roenda
udzoke mudiwa wangu,
uite semhara
pamakomo eBheta.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.