Nziyo 92 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Rwiyo urwu rumbo rwomusi weSabataRumbo rwomururami rwokurumbidza

1Chinhu chakanaka kurumbidza TENZI

uye kuimba tichirumbidza zita renyu

imi Wokumusorosoro.

2Kuparidza mwoyochena wenyu mangwanani

uye kutendeka kwenyu usiku

3nembira nedimbwa nechipendani.

4Nokuti imi TENZI makaita kuti ndifare

nebasa renyu.

Ndinopururudzira basa ramaoko enyu norufaro.

5Hakusi kukura ikoko

kwakaita mabasa enyu TENZI.

Pfungwa dzenyu dzakadzama zvikuru.

6Munhu akapata haangazvizivi.

Dununu haringazvizivi izvi

7zvokuti kunyange zvazvo

vakaipa vangatutumuke kukura souswa

uye kuti vaiti vezvakaipa vangabudirire zvavo,

chavo kuparadzwa nokusingaperi.

8Asi imi TENZI

muri wopamusorosoro nokusingaperi.

9Nokuti tarisai muone mhandu dzenyu TENZI

tarisai muone kuti mhandu dzenyu dzichaparara

vaiti vezvakaipa vachamwarariswa.

10Asi imi makandisimbaradza

senyanga yenyati,

makandizodza namafuta mutsva.

11Ndakaona namaziso angu

kuputsika kwavavengi vangu

ndakanzwawo nenzeve dzangu

kuparara kwavakaipa vanondirwisa.

12Vakarurama vanobudirira

sokukura kunoita murara

uye vanokura somusidhari wokuRebhanoni.

13Vanosimwa muimba yaTENZI,

vanobudirira mumipanda

yaMwari wedu.

14Vanobereka michero

ivo vakwegura zvavo,

vanoramba vari vanyoro vakasvibira

15kuratidza kuti TENZI ari pachokwadi

ndiye dombo rangu

maari hamuna chakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help