1Kuzoti mabiko apera, Tobhiti akadaidza mwanakomana wake Tobhiya akati, “Mwanangu unofanira kuchifungaka zvokubhadhara munhu wawakaperekedzana naye mari yaunofanira kumupa. Mupe zvako mari inotopfuura yakawiriranwa kuwanda.”
2Iye akapindura achiti, “Nhai baba! Imarii yandingamupe norubatsiro rwake? Kunyange ndikamukamurira upfumi hwose hwatakadzoka nahwo napakati hapana chandinomborasikirwa nacho.
3Adzoka neni kwamuri pasina chandiwana, ndiri mupenyu. Akandirapira mukadzi wangu, uye adzoka nemari iya kana imi akurapaiwo. Imarii chaizvo yandingamupire zvose izvi?”
4Tobhiti akati, “Pazvinhu zvaadzoka nazvo atonyatsozviwanira chaizvo hafu.”
5Saizvozvowo Tobhiya akadaidza mumwe wake uya akati, “Pazvinhu zvamakadzoka nazvo mochikamura zvenyu napakati mutore zvenyu somuripo wezvose zvamakaita moenda zvenyu norugare.”
6Rafaeri akaenda navo parutivi vose vari vaviri akati,
“Rumbidzai Mwari!
Detembai kumurumbidza pamberi pavanhu vose
pamusana pemwoyochena wose waakakuitirai!
Murumbidzei, mukudze zita rake!
Paridzai kuvanhu vose zviito zvaMwari
sezvazvinofanira kuti zviitwe
musamboneta zvenyu kumutenda.
7Kuchengeta mumwoyo chakavanzika chamambo
ndozvakanaka;
asi mabasa aMwari
anofanira kuti aparidzwe,
vanhu vaazive.
Nyatsomutendai nomazvo!
Itai zvakanaka,
pagorega kuva nechakaipa chinozokuwirai.
8“Kunamata nokutsanya pamwechete
nokupa zvinhu vasina nokuita zvakarurama,
zviri nani pane upfumi nouipi.
Zviri nani kupa zvinhu vasina
pano kungoita pfimbi nepfimbi dzendarama.
9Kupa vasina kunonunura murufu
uye kunoita kuti chitadzo
chipi nechipi zvacho chiregererwe.
Vanopa zvinhu vasina,
vanogara panyika zvakanyatsokwana.
10Vanopara zvitadzo nokuita zvakaipa
vanozviparira nhamo.
11“Chiregai ndikuudzei chokwadi chizere
ndisina chandinokuvanzirai.
Ndambokuudzai kare kuti,
kuchengeta mumwoyo chakavanzika chamambo
ndozvakanaka; asi mabasa aMwari
anofanira kuti aparidzwe zvakanaka,
vanhu vaazive.
12Zivai kuti pamainamata paya imi naSara,
ndini ndaisvitsa zvichemo zvenyu kuti zviyeukwe
munzvimbo inopenya kuna Tenzi
zvimwechetezvo napamaiviga vafi,
13pamusina kuzengurira kusimuka pakudya
muchienda kundoviga akafa uya,
ndainge ndatotumwa kuzokuedzai.
14Panguva imwecheteyo Mwari akandituma
kuzorapa imi nomuroora wenyu Sara.
15Ndini Rafaeri, mumwe wavatumwa vanomwe
vanogara vakamirira kupinda
munzvimbo inopenya yaTenzi.”
16Vose vari vaviri vakashamiswa zvikuru kwazvo, vakati nouso pasi kota kota vabatwa nokutya.
17Mutumwa ndokuti,
“Musatye henyu!
Rugare ngaruve nemi!
Rumbidzai Mwari nokusingaperi!
18Kana ndiri ini
pandanga ndinemi apa kuva nemi kwangu
kwanga kusiri kuda kwangu ini
asi kuti kuda kwaMwari.
Iye ndiye wamunofanirwa kurumbidza,
mazuva ose oupenyu hwenyu,
ndiye wamunofanira kurumbidza.
19Handiti maiona sendiri kudya,
asi kwaingova chipameso chete?
20Zvino pasi pano chipai mbiri
kuna Tenzi mutende Mwari.
Chionai ndava kukwira kune akandituma,
zvinhu zvakaitika zvose izvi zvinyorei.”
21Akabva ati nyamu mumhepo kusimuka. Pavakazoti simukei vakaona hapasisina munhu.
22Vakarumbidza Mwari nenziyo, Vakamutenda pamusana pezvishamiso zvakadai zvaakanga aita. Handiti mutumwa waMwari akanga atozviratidza kwavari?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.