1Kuzoti bongozozo raiitwa navarume vakanga vakakomberedza kunze kwedare, rapera, Horofenesi mutungamiriri mukuru wehondo yavaAsiria akatsiura Akiori pamberi pechaunga chavanhu vechirudzi navaMoabhu achiti,
2“Iwe Akiori, uri ani zvako iwe, iyewe navarwi vokwaEfuremu vokutopindira usoja mari? Pakopo, kutoita chiporofita nhai chokutiudza nhasi uno kuti tirege kundoita hondo navaIsiraeri pamusana pokuti Mwari wavo anozovarwira! Ndiani mumwe Mwari kusiya Nebhukadhineza?
3Achatuma hondo dzake dzivatsakatise panyika. Mwari wavo haambovanunura. Iyesu varanda vamambo iyeyo tichavaparadza sokuparadza kungangoitwa munhu mumwechete. Havangamirisane nehondo yedu yamabhiza.
4Tichavapisa, makomo avo achararadza neropa ravo. Makan'a avo achazara nezvitunha zvavo. Havangamirisane nesu ava, vanotsakatika, ndizvo zvinotaurwa naNebhukadhineza tenzi wapasi pose. Ndiko kutaura kwake; muromo wake haumire pasi.
5“Asi iwe Akiori murwi wechiAmoni wokutopindira zvako usoja mari, iwe wataura mazwi aya nezuva rouipi hwako, hauchazondionazve mumaziso mako kubva pari nhasi kusvikira musi wandichatsividza rudzi irworwo rwakabva kuIjipiti.
6Ipapo bakatwa rehondo yangu nepfumo ravaranda vangu richakubaya mumativi ako. Uchanyatsoti umburu mukati mavamwe vavo vanenge vakuvara pandinodzoka.
7Zvino varanda vangu vachakutora vodzokera newe kunyika iyoyo yamakomo vandokuisa mune rimwe ramaguta acho iwayo panyasi pomupata.
8Zvokufa woga haufe, unotozoparara pamwechete navo.
9Kana chaizvoizvo, mumwoyo mako iwe, uchifunga kuti havasi kuzokurirwa, hapana chaunosuruvarira! Kutotaura ikoku kwandaita! Muromo wangu hauwiri pasi!”
10Horofenesi akazoudza varanda vake vaimushandira mutendhe rake kuti vabate Akiori vaende naye kuBheturia vandomuisa mumaoko avanhu veIsiraeri.
11Saizvozvowo varanda ava vakabata Akiori vakabuda naye mumusasa wamatendhe vakaenda naye nomubani, vakabva mubanimo vokwira naye kuenda kunyika yamakomo ikoko ndokusvika pazvisipiti zviri munyasi meBheturia.
12Varume vomuguta imomo pavakavaona, vakabva vapakata zvombo zvavo zvokurwa ndokubuda muguta mavo ndokumhanyira pamusoro pechikomo. Varwi vokupotsera matombo vakatadzisa varanda ivavo kukwiramo vachiuya, nokupotsera matombo kwavari.
13Zvakadaro zvazvo, vakahwanda nechikomo vakasunga Akiori vakamusiya akarara pasi mujinga mechikomo chacho ndokudzokera kuna tenzi wavo.
14Varume veIsiraeri vakazoburuka muguta ravo, vakamuwana vakamusunungura vakaenda naye muguta reBheturia vakandomuisa pamberi pedare ravakuru vakuru veguta.
15Vakuru vakuru vacho, mumazuva iwayo vainge vari Uziya mwanakomana waMika vedzinza rokwaSimeoni, naKabhurisi mwanakomana waGotonieri naKarimisi mwanakomana waMerekieri.
16Vakakoka vakuru vakuru vose veguta namajaya avo ose navakadziwo vakamhanyira kumusangano. Vakaisa Akiori pakati pavanhu vavo vose, Uziya akamubvunza zvakanga zvaitika.
17Iye akapindura achivarondedzera zvakanga zvaitika padare raHorofenesi nezvaakanga ataura pamberi pavatungamiriri vavaAsiria nazvose zvakataurwa naHorofenesi achitsvinyira imba yose yokwaIsiraeri.
18Vanhu vakati pasi gwadagwa vakapfugamira Mwari; vakachema kwaari vachiti,
19“Tenzi Mwari Wedenga! Tarisai muone kuzvitutumadza kwavo mugotarisawo kuninipiswa kwavanhu vedu netsiye nyoro mugotitarisawo nhasi uno uso isu vanhu vakateketererwa kwamuri.”
20Vakanyaradza Akiori vakamurumbidza zvikuru kwazvo.
21Uziya akamutora pamusangano akaenda naye kumba kwake akaitira vakuru vakuru mabiko. Usiku hwacho hwose ihwohwo vakararirokumbira Mwari weIsiraeri kuti avabatsire.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.