1Ndopanoperera nhetembo dzaTobhiti dzokurumbidza.
XIII: NINIVHE2Tobhiti akazofawo zvake murugare. Izvozvo akanga ava nezana ramakore rina makore gumi namaviri, akanyatsovigwa zvakanaka muNinivhe. Paakanga achina makumi matanhatu amakore namakore maviri ndopaakaita bofu. Mushure mokunge arapwa akazogara zvake agadzikana mwoyo, achiita mabasa akanaka etsitsi achiramba achirumbidza Mwari achipemberera ukuru hwake.
3Nguva yake yokufa payakanga yosvika, akadaidza mwana wake Tobhiya akamurongera izvi zvokuti,
“Mwanangu, unofanira kuzotora vana vako
4utizire kuMidhia nokuti ini pandiri
pano ndinotenda shoko raMwari
rakataurwa naNahumu nezveNinivhe.
Zvose izvozvo zveAsiria neNinivhe
zvichaitika, zvichaitika sokutaura
kwavaporofita veIsiraeri
vakatumwa naMwari.
Muromo wavo, kana mumwechete zvawo,
hapana unowira pasi.
Zvose zvichaitika nenguva yazvo.
Ungatochengeteka kuMidhia
pano kuva muAsiria kana muBhabhironi.
Ndinodaro nokuti ini pachangu ndinozviziva
uye ndinotenda kuti zvose zvakanzi
naMwari zvichaitika, zvichatoitika saizvozvo.
Hapana shoko rezvakaporofitwa zvacho
risiri kuzoitika.
“Hama dzedu dzigere kunyika yeIsiraeri
dzichaverengwa, paonekwe kuwanda kwavakaita
vagozotapwawo vachiendeswa kure nenyika yavo
yakadai kunaka.
Nyika yose yeIsiraeri
ichave gwenga uye guta reSamaria
nereJerusaremu achavawo gwenga.
Imbawo yaMwari ichaita nguva yakati kuti
yakaparadzwa yakapiswa.
5Mwari achazovanzwira tsitsi zvakare
ovadzosera kunyika yeIsiraeri.
Vachavakazve imba yake, kunyange zvazvo
isingazoyevedzi seyokutanga kudzamara
nguva yacho yakwana.
Asi mushure maizvozvo vose vachadzoka vachibva
kuutapwa vovakazve Jerusaremu
nomukurumbira wayo wose.
Imbawo yaMwari ichavakwa mairi sokutaura
kwakafanoita vaporofita veIsiraeri nezvayo.
6Vanhu vose vapasi pose vachapinduka
votya Mwari nomwoyo wose.
Vose zvavo vacharasa vamwari vavo vasirivo
vaimbenge vavatungamirira mukuita zvisizvo.
7Vachazenge zvino vorumbidza Mwari,
Chidzachepo nomugariro wakarurama.
VaIsiraeri vose vanenge
vapunyuka panguva iyoyo vacharangarira
Mwari nomwoyo wose.
Vachauya voungana muJerusaremu vagozonyatsogara
zvavo vakagarikana munyika yaAbhurahamu
ichazenge yava yake.
Vanoda Mwari nomwoyo wose vachafara.
Vapari vezvitadzo navaiti vezvakaipa
vachanyangarika panyika.
8“Saka zvino mwanangu,
ndinokutakudza basa iri rokuti:
namata Mwari nomwoyo wose uite zvinomufadza,
upe vana vako mutemo wokuti
vagare mugariro wokuzvibata wokuita
mabasa akanaka etsitsi
nokugara vachirangarira Mwari
nokurumbidza zita rake nguva dzose
nomwoyo wose nesimba ravo rose.
9“Naizvozvo mwanangu, muNinivhe
muno ubve; rega kugara muno.
10Ukangopedza chete kuviga amai vako pedyo neni
ubve wabva zuva rakarero,
hazvinei kuti ndirini;
usarambe wodzengerera
munyika ino mandinoona uipi
nounyengeri huchitopasa zvinonyadzisa.
Mwanangu, yeuka zvose zvakaitwa naNadhabhu
kuna baba vake vokumurera VaAhikari.
Haana kumanikidzwa here kupinda pasi pevhu
iye ari mupenyu kudaro?
Asi Mwari akaita kuti mhosva
ipfukire mwene wayo; wokupomerwa uya
achiona sezvo Ahikari
akazobudazve kuchiedza chezuva.
Uku Nadhabhu akadzika pasi murima
narini ose achirangirwa bangano rake rokuda
kupfuudza upenyu hwaAhikari.
Pamusana pamabasa ake akanaka, Ahikari akapunyuka
rufu rweriva raakanga ateerwa naNadhabhu.
Nadhabhu ndiye akazopinda mariri
akazviparadzisa.
11Naizvozvo vanangu, muri kuonaka chimuko
chinobva mukuita mabasa akanaka etsitsi
nokunotsvitswa munhu nouipi,
kurufu ndiko kwandiri kureva apa.
Zvino handichagoni kufema.”
Vakavararisa pamubhedha wavo vakafa vakanyatsovaviga.
12Mai vake pavakafa Tobhiya akavaviga pedyo nababa vake, akabva atamira kuMidhia nomudzimai wake navana vake. Akandogara kuEkibhatana navatezvara vake vaRagueri.
13Akachengeta zvakanaka noruremekedzo vatezvara navambuya vake vakanga vava kukwegura. Akazovaviga kuEkibhatana muMidhia. Tobhiya ndiye akazotora nhaka youpfumi hwakasiyiwa naRagueri pamwechete nohwababa vake Tobhiti.
14Akagara panyika zvine chiremera kwezana ramakore ana makore gumi namanomwe.
15Akazofa atoona kuparadzwa kweNinivhe. Akaona vagari veNinivhe vachitapwa vachiendeswa kuMidhia naAkiyakero mambo weMidhia. Akarumbidza Mwari pamusana penhamo yose yaakaonesa vokuNinivhe nevaAsiria. Asati afa, akatorawo mukana wokufarira mugumo wakanga wakatemerwa Ninevhe, akarumbidza Tenzi Mwari narini narini wose. Ameni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.