Tobhiti 14 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Ndopanoperera nhetembo dzaTobhiti dzokurumbidza.

XIII: NINIVHE

2Tobhiti akazofawo zvake murugare. Izvozvo akanga ava nezana ramakore rina makore gumi namaviri, akanyatsovigwa zvakanaka muNinivhe. Paakanga achina makumi matanhatu amakore namakore maviri ndopaakaita bofu. Mushure mokunge arapwa akazogara zvake agadzikana mwoyo, achiita mabasa akanaka etsitsi achiramba achirumbidza Mwari achipemberera ukuru hwake.

3Nguva yake yokufa payakanga yosvika, akadaidza mwana wake Tobhiya akamurongera izvi zvokuti,

“Mwanangu, unofanira kuzotora vana vako

4utizire kuMidhia nokuti ini pandiri

pano ndinotenda shoko raMwari

rakataurwa naNahumu nezveNinivhe.

Zvose izvozvo zveAsiria neNinivhe

zvichaitika, zvichaitika sokutaura

kwavaporofita veIsiraeri

vakatumwa naMwari.

Muromo wavo, kana mumwechete zvawo,

hapana unowira pasi.

Zvose zvichaitika nenguva yazvo.

Ungatochengeteka kuMidhia

pano kuva muAsiria kana muBhabhironi.

Ndinodaro nokuti ini pachangu ndinozviziva

uye ndinotenda kuti zvose zvakanzi

naMwari zvichaitika, zvichatoitika saizvozvo.

Hapana shoko rezvakaporofitwa zvacho

risiri kuzoitika.

“Hama dzedu dzigere kunyika yeIsiraeri

dzichaverengwa, paonekwe kuwanda kwavakaita

vagozotapwawo vachiendeswa kure nenyika yavo

yakadai kunaka.

Nyika yose yeIsiraeri

ichave gwenga uye guta reSamaria

nereJerusaremu achavawo gwenga.

Imbawo yaMwari ichaita nguva yakati kuti

yakaparadzwa yakapiswa.

5Mwari achazovanzwira tsitsi zvakare

ovadzosera kunyika yeIsiraeri.

Vachavakazve imba yake, kunyange zvazvo

isingazoyevedzi seyokutanga kudzamara

nguva yacho yakwana.

Asi mushure maizvozvo vose vachadzoka vachibva

kuutapwa vovakazve Jerusaremu

nomukurumbira wayo wose.

Imbawo yaMwari ichavakwa mairi sokutaura

kwakafanoita vaporofita veIsiraeri nezvayo.

6Vanhu vose vapasi pose vachapinduka

votya Mwari nomwoyo wose.

Vose zvavo vacharasa vamwari vavo vasirivo

vaimbenge vavatungamirira mukuita zvisizvo.

7Vachazenge zvino vorumbidza Mwari,

Chidzachepo nomugariro wakarurama.

VaIsiraeri vose vanenge

vapunyuka panguva iyoyo vacharangarira

Mwari nomwoyo wose.

Vachauya voungana muJerusaremu vagozonyatsogara

zvavo vakagarikana munyika yaAbhurahamu

ichazenge yava yake.

Vanoda Mwari nomwoyo wose vachafara.

Vapari vezvitadzo navaiti vezvakaipa

vachanyangarika panyika.

8“Saka zvino mwanangu,

ndinokutakudza basa iri rokuti:

namata Mwari nomwoyo wose uite zvinomufadza,

upe vana vako mutemo wokuti

vagare mugariro wokuzvibata wokuita

mabasa akanaka etsitsi

nokugara vachirangarira Mwari

nokurumbidza zita rake nguva dzose

nomwoyo wose nesimba ravo rose.

9“Naizvozvo mwanangu, muNinivhe

muno ubve; rega kugara muno.

10Ukangopedza chete kuviga amai vako pedyo neni

ubve wabva zuva rakarero,

hazvinei kuti ndirini;

usarambe wodzengerera

munyika ino mandinoona uipi

nounyengeri huchitopasa zvinonyadzisa.

Mwanangu, yeuka zvose zvakaitwa naNadhabhu

kuna baba vake vokumurera VaAhikari.

Haana kumanikidzwa here kupinda pasi pevhu

iye ari mupenyu kudaro?

Asi Mwari akaita kuti mhosva

ipfukire mwene wayo; wokupomerwa uya

achiona sezvo Ahikari

akazobudazve kuchiedza chezuva.

Uku Nadhabhu akadzika pasi murima

narini ose achirangirwa bangano rake rokuda

kupfuudza upenyu hwaAhikari.

Pamusana pamabasa ake akanaka, Ahikari akapunyuka

rufu rweriva raakanga ateerwa naNadhabhu.

Nadhabhu ndiye akazopinda mariri

akazviparadzisa.

11Naizvozvo vanangu, muri kuonaka chimuko

chinobva mukuita mabasa akanaka etsitsi

nokunotsvitswa munhu nouipi,

kurufu ndiko kwandiri kureva apa.

Zvino handichagoni kufema.”

Vakavararisa pamubhedha wavo vakafa vakanyatsovaviga.

12Mai vake pavakafa Tobhiya akavaviga pedyo nababa vake, akabva atamira kuMidhia nomudzimai wake navana vake. Akandogara kuEkibhatana navatezvara vake vaRagueri.

13Akachengeta zvakanaka noruremekedzo vatezvara navambuya vake vakanga vava kukwegura. Akazovaviga kuEkibhatana muMidhia. Tobhiya ndiye akazotora nhaka youpfumi hwakasiyiwa naRagueri pamwechete nohwababa vake Tobhiti.

14Akagara panyika zvine chiremera kwezana ramakore ana makore gumi namanomwe.

15Akazofa atoona kuparadzwa kweNinivhe. Akaona vagari veNinivhe vachitapwa vachiendeswa kuMidhia naAkiyakero mambo weMidhia. Akarumbidza Mwari pamusana penhamo yose yaakaonesa vokuNinivhe nevaAsiria. Asati afa, akatorawo mukana wokufarira mugumo wakanga wakatemerwa Ninevhe, akarumbidza Tenzi Mwari narini narini wose. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help