1Chidhakwa chomusevenzi hachimbopfuma.
Asina hanya nezvinhu zviduku
anodzikira kashoma nakashoma.
2Waini navakadzi zvinorasisa musoro,
munhu anofambidzana nepfambi
haazoziva kuti chinonzi nyadzi chii;
3zvidukutse nehonye ndozvichamugara nhaka,
asina nyadzi achaparara.
Bata rurimi rwako4Anongoti waaona otendesekana naye,
zvinoonesa kushaya pfungwa kwake.
Kupara chitadzo kuzvikanganisira.
5Anofarira uipi
achawana chirango
6asi anovengana namakuhwa, anonzvenga uipi.
7Zvaunenge wanzwa usazvidzokerere,
hapana chaunorasikirwa nacho.
8Usawane nechaunoparidzira kushamwari kana kumuvengi
kusatoti zvichizova chitadzo kwauri
usaburitse zvaunenge wataurirwa.
9Panodaro pano mumwe anokunzwa nokukuona
nokufamba kwenguva ozova muvengi wako.
10Pane chawanzwa here? Ifa nacho
rega kutya, hachikuputitsi.
11Benzi, kana riine charanzwa, inhamo chaiyo,
rinoita somukadzi arwadziwa napamuviri.
12Sezvinongoita museve wabaya pachidya,
ndozvakaita shoko riri mumwoyo webenzi.
Usangobvuma zvose zvaunonzwa13Bvunzana nomumwe wako,
zvichida anodaro asina nechaakaita;
kana paine chaakaita,
haazopamhidzazve.
14Bvunzana nomuvakidzani wako,
zvichida haana chaakataura,
kana paine chaakataura,
haazochitaurazve.
15Bvunzana neshamwari yako,
nokuti makuhwa ari pavanhu,
usangobvuma zvose zvaunonzwa.
16Munhu anogona kutsvedza mukutaura,
asingatauri zvinobva mumwoyo make.
Ndiani asati ambokanganisa mukutaura?
17Tanga wabvunzana nomumwe wako, usati wamuyambira,
uzvisiire kumutemo woWokumusorosoro.Ungwaru hwechokwadi nohwenhando
20Kutya Mwari ndohungwaru hwose,
ungwaru chaihwo huzere kuchengeta mutemo waMwari.
22Kuziva uipi hausiri ungwaru,
uye, mubangano ravatadzi hamuna zano rakachenjera.
23Huripo huchenjeri honomisa–misa mwoyo,
mumwe ibenzi rokungoshaya ruzivo chete.
24Uyo ane njere shoma, iye achitya Mwari, ari nani
pano uyo akachenjera, asi iye achidarika Mutemo.
25Pano kuchenjera kwokugona kuita zvisakarurama,
kune vamwewo vanoshandisa mwoyochena zvisizvo
kuti zvinhu zvivanakire ivo.
26Pane nhubu yomunhu anofamba yakarereka musoro yakasuruvara,
asi iyo mukati mayo izere nounyengedzi;
27inovanza uso ichiita seisinganzwi,
asi kana pasina ari kuiona yokuitira zvakaipa.
28Kana dai isingakwanisi kuita zvakaipa iye zvino,
asi kana ikawana mukana inoita zvakaipa.
29Munhu anozivikanwa zvaari nokutarisika kwake;
munhu ane pfungwa anoonekwa nechiso chake, paunongomuona.
30Munhu anoonekwa zvaari nomupfekero wake
namasekero ake uyewo mufambiro wake
unoratidza zvaari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.