Mupiro 17 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Ropa haridyiwi, rinoera

1Tenzi akati kuna Mosesi,

2“Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose uti, ‘Izvi ndizvo zvakatemwa naTenzi zvokuti:

3muIsiraeri upi noupi zvake kana akabaya mombe kana hwai kana mbudzi pamatendhe kana kunze kwenharaunda yematendhe iyoyo,

4asingachiunze kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi pamberi petendhe raTenzi munhu iyeyo imhondi, ane mhosva yakudeura ropa naizvozvo atozvicheka ukama nevokwake.

5Chakaisirwa mutemo uyu ndechokuti vaIsiraeri vose vagounza kuna Tenzi zvibayiro zvavo zvavari kungoitira zvavo kwose kwose, vazviunze kuna Tenzi kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira vazviuraye sezvibayiro zvemipiro yokuwadzana yokupira kuna Tenzi.

6Mupristi ngaasase ropa pamativi ose eatari yaTenzi iri kumusuo wetendhe rokusanganira. Ngaapise mafuta paatari kuti anhuwirire zvinofadza Tenzi.

7Saka havafanire kuramba vachipira zvibayiro kuna Mwari zvakaita sembudzi zvavari kuteveredza vachiita senzenza. Murao iwoyu uchagara uripo narini pazvizvarwa zvavo zvose.’

8“Vaudze kuti munhu wose wemba yaIsiraeri kana nomutorwawo wose ari mukati mavo anopira mupiro kana chibayiro

9asingauye nacho kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi munhu iyeyo atochekwa ukama nevokwake.

10“MuIsiraeri wose kana mutorwa upi zvake agere pakati pavo anodya ropa, ndichaonana nomunhu iyeyo anodya ropa ndichamuchekanisa ukama nevokwake.

11Ndinodaro nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ndakaripa kwamuri kuti murishandise paatari kupfupira zvitadzo zvenyu. Ropa ndiro rinoripira zvitadzo pamusana poupenyu huri mariri.

12Ndokusaka ndakataurira vaIsiraeri kuti hapana munhu pakati penyu anofanira kudya ropa kunyange mutorwa agere nemi haafaniri kudya ropa.

13“MuIsiraeri wose nomutorwawo upi noupi zvake agere navo anoenda kundovhima mhuka kana shiri inodyiwa anofanira kusinza ropa rayo arifusire nevhu.

14Chandinodariro ndechokuti muropa rezvipenyu zvose zvazvo ndimo mune upenyu hwazvo. Ndokusaka ndichiudza vaIsiraeri kuti, ‘Musambodya zvenyu ropa rechinhu chipi nechipi zvacho, nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ani naani anoridya ngaachekaniswe ukama naye.’

15“Munhu wose zvake angave chizvarwa chomuno muIsiraeri kana mutorwa anodya nyama yakafa yoga kana yakaita zvokurumwa nezvikara atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, achava munhu asisina kun'ora.

16Asi kana akarega kudzisuka kana kushamba muviri, ane mhosva.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help