Mupiro 26 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Makomborero okuteerera(Kut 7:12–24; 28:1–14)

1“Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.

2Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro.

3“Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta,

4ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo.

5Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana.

6“Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo.

7Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa.

8Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu.

9Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi.

10Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva.

11Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai.

12Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu.

13Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.

Kurangwa kwavasingateereri(Kut 28:15–68)

14“Kana mukarega kunditeerera, mukarega kuchengeta mitemo iyoyo,

15kana mukaramba mirao yangu, imi nemwoyo yenyu mofuratira zvirevo zvangu, morega kuchengeta mitemo yangu, mochityora zvenyu chitenderano changu nemi,

16zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya.

17Ndichaonana nemi, vavengi venyu vachakurakashai; vanokuvengai ndivo vachakutongai muchatiza pasina anokutandanisai.

18“Ngatiti maoneswa nhamo idzodzo, asi imi moramba musinganditeereri ini ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

19Chinokuinzvai chacho ndichachityora-tyora. Ndicharambidza denga kunaya, richaita serakadzivirirwa nesimbi, ivhu raunotsika richaomarara somundarira.

20Simba renyu richaperera pasina nokuti hapana chamuchazokohwa muminda yenyu, miti yemichero yomunyika yenyu haina kana muchero wainozokupai.

21“Kana mukaramba muchipikisana neni, muchirega kunditeerera, ndichakupinzai mune dzimwe njodzi, ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

22Ndichatupfunura zvikara zvesango zvigoonana nemi, zvichakuurayirai vana venyu, zvichaparadzawo zvipfuwo zvenyu. Zvichakusiyai mava vashomanana, nzira dzenyu dzisisina anofamba.

23“Kana kuranga ikoku kukatadza kukudzorerai kwandiri asi motoramba zvenyu muchipikisana neni,

24ini pachangu ndichapikisanawo nemi ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

25Ndichakuunzirai hondo ichakurangirai kutadza kuchengeta chitenderano. Kana mukaunganidzana mumaguta enyu, ndichaunza denda pakati penyu, ndichakuisai mumaoko avavengi venyu vachakutongai.

26Ndichashomekesa chokudya chenyu zvokuti madzimai gumi achatokwanisa kubikira chingwa chavo muhovhoni imwechete. Pachaerwa mwero wokupa munhu woga woga, muchadya zvenyu asi mucharara muine nzara.

27“Kana izvozvi zvikatadza kuita kuti munditeerere, muchiramba muchingopikisana neni,

28ini pachangu ndichapikisana nemi ndakashatirwa. Iyeni pachangu ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

29Muchadya vana venyu vakomana navasikana.

30Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakatunhumara dzokuteurira. Ndichapaza atari dzenyu dzokupisira rusenzi uye zvitunha zvenyu ndichazviti katakata pamusoro pezvifananidzo zvenyu izvozvo zvakafa zvokunamata. Ini pachangu ndichakusemai.

31Maguta enyu ndichaaita kuti ave matongo, nzvimbo dzenyu dzinoera dzichisara dzisisina chinhu. Handizombofadzwa nomunhuhwi wemipiro yenyu.

32Ndichasiya nyika yenyu yangova nyika, zvichakatyamadza vavengi venyu vageremo.

33Ndichakumwararidzai mukati mendudzi dzavanhu, ndichakutumirai hondo yebakatwa ikoko. Nyika yenyu ichasara yangova nyika, maguta enyu achisara angova matongo.

34Nyika yenyu ichafarawo kuwana zororo remaSabata, mazuva ose aichange isina vanhu. Imi muri kunyika yavavengi venyu, nyika ndopaichawanawo zororo ichifanirawo kuva namaSabata ayo.

35Zororo raisina kuwana pamaSabata enyu muchigeremo, ichazoriwana pamazuva ose aichange yasara isina munhu.

36“Chitsama chavanhu vanenge vasara ikoko kunyika dzevavengi venyu ndichachipa mwoyo woumbwende zvokuti kunyange mhepo ikapeperetsa shizha rikati shwakata vachati pfocho kutiza. Vachamhanya savanhu vari kutiza hondo yebakatwa. Vachaputsika pasina munhu ari kuvadzingirira.

37Vachatsitsirirana kwazvo iko kusina ari kuvadzingirira. Hakuna mhandu yenyu yamuchagona kumirisana nayo.

38Muchatsakatikira mukati medzimwe ndudzi. Nyika yavavengi venyu ichakupedzai.

39Chitsama chenyu chinenge chasara sezvakangoita madzibaba avo, vacharamba vachipera vari munyika yavavengi venyu pamusana pouipi hwavo uyewo nouipi hwamadzibaba avo.

40Asi kana vakarewurura zvakaipa zvavo nezvamadzibaba avo zvavakanditadzira nazvo vakandipandukira

41zvokuti ini ndakazovapandukirawo, ndikavaendesa kunyika yevavengi vavo, kana vakapindura mwoyo yavo youmhandupandu, vakagamuchira chirango,

42ndicharangarira chitenderano changu chandakaita naJakobho nechitenderano chandakaita naIsaki nechitenderano chandakaita naAbhurahamu, ndigorangarira nyika yavo.

43Asi nyika yavo, vachaisiya ichimbofarirao maSabata ayo okuzorora paichasara isina munhu, vachimbondoripira zvakaipa zvavo nokuti mirao yangu vakaiona sechinhu chisina maturo, mwoyo yavo ikasema mitemo yangu.

44Kunyange zvakadaro zvazvo, kana vava kunyika yevavengi vavo ini handizochekani ukama navo, kana kuvavenga zvokuvatsakatisa, ndichityora chitenderano changu navo nokuti ini Tenzi ndini Mwari wavo.

45Ndipo pandichazoyeuka chitenderano changu chandakaita namadzitateguru avo andakaburitsa munyika yeIjipiti ndudzi dzose dzichiona, kuti ndive Mwari wavo, ndini Tenzi ndinodaro.”

46Izvi ndozvirevo nemirao nemitemo yakaitwa naTenzi pakati pake navaIsiraeri ikapiwa nokuna Mosesi pagomo reSinai.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help