1Chidzachapo ndiye musiki wazvose zvose.
2Mwari chete ndiye anganzi mururami.
4Aripo here, akaitwa naMwari kuti ave
wokuparidza mabasa ake?
Ndianiwo angatsvagurudze mabasa ake esimba?
5Ndianiwo angagone kuera masimba ake makuru–kuru?
Ndiani zvake angagona kutsanangudza tsitsi dzake?
6Haagoni kupamhidzirwa kana kutapudzwa.
Zvishamiso zvaMwari hazvigoni kuerwa
7nokuti kana munhu oti ndazvipedza,
kunenge kuri kutotanga;
paanenge aperera,
anenge asisatomboziva zvaari.
Munhu chiiwo zvake?8Munhu chiiko? Anobatsirei?
Aneikowo chakanaka kana chakaipa?
9Upenyu hwomunhu
kana akasvitsa zana ramakore,
atowanda iwayo.
10Kuwanda kwakaita makore iwaya
kwakangoita sedonhwe romvura mugungwa
kana tsanga zvayo yejecha
kana tozvienzanisa nemisi isingaperi.
11Ndosaka Mwari achiita mwoyo murefu navanhu,
achivaitira tsiye nyoro dzakawanda.
12Anofanoona uye anotozviziva kuti
mugumo wacho mugumo wakaipa,
ndokusaka achinyanya kuvaitira tsitsi.
13Munhu anonzwira tsitsi
mumwe waanogarisana naye,
asi Mwari ane tsitsi nezvinhu zvose
anovatsiudza, achivadzikamisa nokuvadzidzisa,
anovadzosera kumusha somufudzi anodzosa hwai dzake.
14Anonzwira tsitsi vanhu vanoda kudzidziswa,
vane shungu dzokuziva mirao yake.
Mapiro akanaka15Mwanangu, usati uku uri kuita zvakanaka,
uku uri kushora
kana kutaura mazwi anobaya
iwe uchipa chipo.
16Handiti dova idonhodzo here?
Saizvozvo izwi rakanaka kupfuura chipo.
17Chokwadi, handiti
izwi rinotopfuura chipo chakanaka here?
Asi munhu akanaka mwoyo
anazvo zvose zviri zviviri.
18Benzi harina mwoyo wakanaka asi kutuka chete,
rinotaura zvinorwadza mwoyo
uye chipo chomunhu anokonora
chinoita kuti munhu adonhe uso.
Funga nokuona zvamangwana19Usati wataura tanga wadzidza;
usatiwo warwara, chengetedza utano hwako.
20Zvibvunzisise pachako, usati wagadzwa dare,
panguva yokushanyirwa
unozowana kuregererwa.
21Zvirereke iwe, usati warohwa nedenda
kana uchinge wavakuda kupara chitadzo, tendeuka.
22Usawane chinokutadzisa kuita
chaunenge watsidza kuita nokukurumidza.
Usamirire kusvikira wafa, usati wawadzana naMwari
kuti usunungurwe kuchitsidzo chako.
23Tanga wanyatsofunga, usati wapika mhiko,
usaite somunhu anoda kuedza Mwari.
24Funga nezvehasha dzake pazuva rokufa,
nenguva yokutsividza, paachazenge akufuratira.
25Pamazuva amaguta,
fungawo mazuva enzara;
pamazuvawo okupfuma,
usakanganwe mazuva ourombo noushayi.
26Kubvira mangwanani kusvikira mauro,
zvinhu zvinosanduka,
zvinhu zvose zvingakurumidze kupinduka pana Mwari.
27Mungwaru anogara akachenjerera zvose;
panguva inenge ichiparwa zvitadzo
mungwaru anozvichenjerera kuti arege kutadza.
28Munhu wose ane njere
anoziva chinonzi ungwaru,
uye anorumbidza anenge auwana.
29Vanhu vanonzwisisa tsumo,
vanova nyanzvi dzavanhu chaidzo
dzinodiranisa kutaura tsumo dzoungwaru.
Kuzvidzora30Rega kuzviregerera uchitorwa mwoyo,
namapangiro ako
asi zvidzore iwe
kune twaunodokwairira.
31Kana ukazviregerera wonakirwa nezvisina maturo,
zvinozokuita kuti uve chiseko chavavengi vako.
32Usave anongofarira upenyu hwomutambaratede,
nokuti ungadaro ukazova murombo wokupedzesera.
33Usazviite rombe nokudyiririra
nezvaunotenga nemari yechikwereti,
iwe usina chaunacho muhomwe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.