Ruka Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Shoko Rakanaka raRuka rakanyorwa naRuka pamwechete nebhuku raMabasa Avapositori, mabhuku maviri aya akanyorwa nomunhu mumwechete. Tine rombo rakanaka rokuti iye Ruka pachake anotaura oga kuti akanyorerei mabhuku aya. Anoti akaanyorera kuti vaya vakanga vambodzidziswa zvechitendero avape nhoroondo yakanyatsorongwa yezvakaitika kubva pakutanga (Shoko Rakanaka) uye makuriro azvakazoita (Mabasa Avapositori) uyewo kuti zvavakadzidziswa ndezvechokwadi here kana kuti kwete.Aida kuvaratidza kuti Jesu ndiye Mununuri wavanhu vose. Anoti Mwari mununuri 1:47. Jesu akaberekerwa kuzonunura vanhu 2:11,30, 3:6 uye kuti zvakanga zvakatsidzirwa naMwari zvakazoitika zvichizadzikiswa naJesu Kristu (4:17–21). Zvimwe zvikuru zvikuru zvinonyanya kutaurwamo mubhuku iri ndezvizvi zvinoti: Kunamata (3:21; 5:16; 6:12; 9:18; 9:28; 10:17–21; 11:1; 22:39–46; 23:34,46) kurumbidza Mwari nomufaro (1:46–55,68–79, 2:14; 2:29–32) Mweya Mutsvene (1:35; 4:1,14,18; 10:21; 24:29) kuregererwa kwezvitadzo (5:17–25; 6:37; 7:36–50; 11:4; 17:3–4; 23:34; 24:37) nezvavanhu vakanga vasingaremekedzwi sezvavanofanira kuitwa savava vanoti varombo (1:53; 4:18, 6:20; 12:13–34; 18:1–14; 19:1–27) navanhukadzi (8:4–56; 1:26–38), navana (18:16.)Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raRukaKusuma (1:1–4)I: Kuberekwa nokukura kwaJohani nokwaJesu (1:5—2:52)II: Zvakaitika Jesu asati atangisa kuparidza (3:1—4:13)III: Basa raJesu mudunhu reGarirea (4:14—9:50)IV: Rwendo rwaJesu kuJerusaremu (9:51—19:27)V: Kudzidzisa kwaJesu muJerusaremu (19:28—21:38)VI: Dambudziko raJesu (22:1—23:56)VII: Mushure mokumuka kwaJesu (24:1–53)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help