Judhisi 15 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Varwi vaiva mumatendhe pavakanzwa zvakanga zvaitika izvi vakakatyamara kwazvo.

2Vakadedera vakatya, vose zvavo pamwechete vasina zvokumirirana, vakabva vaita rumwe rumwe bararamhanya chairo kutiza notunzira twose twomubani imomo munyika yamakomo.

3Vaya vakanga vadzika misasa yamatendhe okukomba Bheturia vakatiwo gumbo ndibereke. Varume vose vechiIsiraeri vaiva varwi vehondo vakabva vati navo tsvome tsvome.

4Uziya akabva atuma vanhu kuBhetomasitaimu nokuBhebhai nokuKobha nokuKora nokumiganhu yose yeIsiraeri, vaine shoko rokuvazivisa zvakanga zvaitika uye kuvakurudzira kuti vakurumukire kuzorwisa vavengi vavo vavaparadze.

5VaIsiraeri pavakazvinzwa, chakava chirwirangwe kwazvo kurwisa vavengi vavo vakavarakatisa kusvikira kuKobha. VokuJerusaremu navose vomunyika yamakomo vakauyawo nokuti vakanga vaziviswawo zvakanga zvaitika mumusasa wamatendhe omuvengi iyeyu. VokuGireadhi nevokuGarirea ndokuvatiwo nokumativi uku koke koke, vakavaita murakatira kuuraya kutopfuura kuDhamasikosi nemiganhu yavo.

6Vamwe vanhu vose vomuBheturia vakawirirana kupamba musasa wamatendhe wevaAsiria vakapfumiswa zvikuru kwazvo.

7VaIsiraeri pavakadzoka kundokatakazha uku, vakatora zvakanga zvasara vakazviita zvavo. Misha namaguta omunyika yamakomo nomubani, vakawana zvinhu zvokupamba zvakawanda nokuti zvokupamba zvakanga zvakawanda kwazvo.

Kutenda Judhisi kwakaitwa navaIsiraeri

8Zvino Joyakimu mupristi mukuru, navakuru vakuru vedare ravanhu vechiIsiraeri vaigara Jerusaremu, vakauya kuzozvionerawo zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitirwa Isiraeri naTenzi uye kuzoona Judhisi nokumukwazisa.

9Pavakaonana naye vose zvavo pamwechete vakamurumbidza vachiti,

“Kurumbidzwa kweJerusaremu, ndiwe!

Mbiri huru yeIsiraeri, ndiwe!

Kuzvirova dundundu kwedu sorudzi, ndiwe!

10Zvose izvozvi wakazviita

uchingova chara chimwe!

Zvawakaitira Isiraeri zvikuru

uye zvakanaka kwazvo.

Mwari anofadzwa nazvo

Tenzi Samasimba ngaakukomborere

nokusingaperi.”

Vanhu vose vakabva vati,

“Ngazvive saizvozvo!”

11Sokudaro vanhu vakapedza mazuva makumi matatu vachikumba zvinhu zvomumusasa wamatendhe imomo. Tendhe raHorofenesi nendiro dzake dzose dzesirivha nemibhedha yake nembhenge dzake nemidziyo yake yose yomumba, vakapa kuna Judhisi. Iye akazvitakudza panyurusi rake, zvimwe akazvitutira mungoro dzake akarongerera zvinhu pamusoro padzo.

12Vakadzi vose vomuIsiraeri vakaungana kuzomuona vakamurumbidza, vamwe vakamudzanira. Akatora mumaoko mapazi, akaapa kuna vakadzi vaaiva navo.

13Vakazvipfekedza tsungare dzamashizha omuorivhi, iye navaakanga anavo.

14Judhisi akatungamirira vanhu vose kuchitambwa akatungamirira vakadzi vose. Izvozvo varume vose veIsiraeri vachitevera mushure zvombo zvavo zvehondo vakapakata, vakashonga zviremba, ngondo ichirira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help