Esita g 11 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Kuturikirwa kwetsamba yacho muchiGirikiMugore rechina roumambo hwaToremi navahosi vake Kireopatira, mumweo ainzi Dhositeusi aizviti mupristi nomuRevhi akauya pamwechete nomwanakomana wake ainzi Toremi netsamba iyoyo inotaura nezvePurimu, yavakati ndiyo chaiyo–iyo yakaturikirwa naRusimakusi mwanakomana waToremi mumwe wavagari vokuJerusaremu.