Tsumo 28 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

1Akaipa anotiza pasina anomudzingirira

asi vakarurama vane chivindi kunge shumba.

2Munyika mukapandukwa

vatongi vanowanda

asi kana muine munhu anonzwisisa ane ruzivo

inoenderera mberi yakatsiga.

3Murombo anodzvinyirira vamwe varombo zvakaipa

imvura inopurana zvayo isina chokudya chainosiya.

4Vanoramba mutemo vanorumbidza vaipi

asi vanochengeta mutemo vari kutorwisana navo.

5Vaipi havanzwisisi ruenzaniso

asi vanotsvaka Tenzi vanonyatsorunzwisisa.

6Zviri nani kuva murombo

ari pachokwadi

pane mupfumi ane tsika dzakanzvongama.

7Mwana anochengeta mutemo ano ungwaru,

anoshamwaridzana nemharadzi dzevana

anonyadzisa baba vake.

8Munhu anowanziridza upfumi hwake

nechimbadzo kana kungowedzerawo

anounganidzira munhu ane tsiye nyoro kuvarombo.

9Kana munhu aisa zvimiti munzeve kumutemo

kunyange munamato wake unosemesa.

10Munhu anotsautsira mururami

kunzira yakaipa anowira mugomba rake

asi vanhu vasina mhaka

vachawana nhaka yakanaka.

11Mupfumi anozviona semungwaru

asi murombo anonzwisisa

anomubata zvaari.

12Kana vakarurama vakakunda, kunopemberwa

vakaipa vakawana chinzvimbo chapamusoro

vanhu vanozvivanza.

13Munhu anoviga unyangadzi hwake haabudiriri,

asi anoreurura achisiyana nazvo

anonzwirwa tsitsi.

14Akakomborerwa zvake munhu ane kakuzeza nguva dzose

asi munhu anoomesa mwoyo

achapinda nhamo.

15Mutongi wakaipa

akaita seshumba inodzvova

kana sebere rinorwisa varombo.

16Mutongi asinganzwisisi

munhu anobata vanhu noutsinye.

Asi munhu anovenga kuwana zvinhu

nenzira isiriyo anowana upenyu hurefu.

17Munhu anoremerwa

nemhosva yokuuraya munhu

iguva raakazviparira, regai akadaro.

18Munhu anoita zviri pachokwadi,

achanunurwa

asi ano upenyu hwoujarijari

achatopaputsika.

19Munhu anorima munda wake,

anowana chokudya chakawanda

asi munhu anotandana nezvisina maturo

urombo huchamuwandira.

20Munhu akavimbika,

anowana makomborero akawanda

asi munhu anoda kukurumidza kupfuma

haazoregi kurangwa.

21Rusarura rwakaipa,

pamusana pechidimbu chechingwa

munhu anotogona kuva wakaipa.

22Munhu anonyima anomhanyirira upfumi

asi haazivi kuti achashaiwa

23Munhu anotsiura mumwe

ndiye anotozoremekedzwa

kupinda muzvambarara

wokunyengedza norurimi rwake.

24Anobira baba kana amai vake

achiti hakusi kukanganisa

ishamwari yemharadzi.

25Munhu anemakaro anomutsa muchokoto

asi anovimba naTenzi

anopfumiswa.

26Munhu ane umbimbindoga ibenzi;

anoita zvinhu noungwaru anonunurwa.

27Munhu anopa kuvarombo

hapana chaanozoshaya

asi asingavacheuki

anova nejambwa guru.

28Vaipi vakawana chinzvimbo chapamusoro

vanhu vanozvivanza,

kana vakaparara vakarurama vanobudirira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help