Hosea Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku raHosea rinotaura nezvorudo rwaMwari kurudzi rweIsiraeri rusina kutendeka. Hosea muporofita ndiye akava muenzaniso chaiwo worudo irworwu. Akaroora mukadzi akanga ari pfambi chaiyo ainzi Goma. Mwari akadawo rudzi rweIsiraeri rwaiita sepfambi kana kuti chifeve chaicho, rwainamata vamwe vamwari vasiri ivo vachipira zvibayiro kwavari panze pokunamata nokupira zvibayiro kuna Mwari oga. Vakakanda pasi mitemo yaMwari, vakaramba Mwari vava kupinda mumaitiro echihedheni kutsvaka nawo mbereko. Hosea aitsiura nokutsoropodza achiyambira Samaria chirango chayaigona kupiwa kana isina kutendeuka kuufeve hwakadaro ichirega kuchengetedza chitenderano chayo naMwari. Aiparidza kudai kuIsiraeri, Samaria isati yaparadzwa. Yakazoparadzwa muna 721 K.A.A. Zvakadaro zvazvo Mwari aida vanhu vake (tarisa 11:8).Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raHoseaMuchato waHosea nemhuri yake (1:1—3:5)Shoko rokutsoropodza Isiraeri (4:1—10:15)Shoko rorudo nokuyambira uye chitsidzo (11:1—14:9)