Dhanieri g 4 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Hope dzechipiri dzamambo Nebhukadhineza

1“Ini mambo Nebhukadhineza

ndinokunyorerai tsamba imi vanhu

vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi

ndimi nendimi imi mugere munyika yose.

Dai kwamuri runyararo

rwaita muchechetere mvura yeguvi.

2“Ini ndakaona zviri zvakanaka

kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso

zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro.

3Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake.

zvishamiso zvake, harisi simba iroro.

Umambo hwake ipfirapo, haupere narini,

kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa.

4“Ini Nebhukadhineza ndakanga

ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu,

zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu.

5Ndakarota hope dzakandityisa

ndirere hangu pamubhedha.

Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu

zvikabva zvandibvundisa nokutya.

6Naizvozvo ini ndakatema chirevo

chokuti vangwaru vose veBhabhironi

vauyiwe navo kwandiri kuti

vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo.

7Vamaminimini navamapipi navaKaridhea

nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi,

vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu.

Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva.

8Pakupedzesera akapinda Dhanieri,

uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza

rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva.

Maari mune Mweya waMwari Anoera.

Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti,

9‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini,

hedzino hope dzandakarota nditaurire

zvadzinoreva nokuti ndinozviziva

kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera

uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’

10“Zvandakaoneswa mumusoro mangu

ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi.

Ndakatarisa ndikaona muti pakati

penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo.

11Muti iwoyo wakakura ukasimba

ukaita nhungamakore chaiyo kureba

uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika.

12Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye

wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya.

Zvose zvaiwana zvokudya mauri:

Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo,

shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo.

Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri.

13“Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa

mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha

ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga.

14Akadaidzira kwazvo achiti,

‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi

muukwazhure mashizha,

michero yawo muiti mwarara.

Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo

shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo.

15Asi regai chigutsa nemidzi yacho

zvisare zviri muvhu

chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira

muuswiswi hwomusango.

Muregei ambonyorova nedova redenga

ambova weboka romhuka

muuswa hwenyika.

16Regai ambosandurwa pfungwa

apiwe pfungwa dzomhuka zvayo

kumbopera makore manomwe akadaro.

17Chirango ichochi ichi,

chatemwa navatariri;

chisungo chacho ishoko revanoera.

Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti

iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu,

uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake,

kunyange vapasi pasi zvavo.’

18“Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona,

ini mambo Nebhukadhineza.

Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira

zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo

venyika youmambo hwangu havana kugona

kundizivisa dudziro yacho.

Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri

mune Mweya waMwari Anoera.”

Dhanieri anodudzira hope dzaNebhukadhineza

19Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi

Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva;

pfungwa dzikamunetsa mumwoyo.

Mambo akabva ati,

“Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo.

Bheriteshaza ndokuti,

‘Changamire wangu dai zvazvo

hope idzi nedudziro yadzo

zvananga vanhu vanokuvengai.’

20Muti wamakaona wakakura ukasimba

zvokuita nhungamakore chaiyo kureba

uchitooneka kwose zvako

nekwakaperera nyika,

21waiva namashizha anoyevedza kwazvo

wakabereka michero, zviya zvokubereka zviya

zvose zvichiwana zvokudya mauri

pasi pawo paripo pamumvuri

wemhuka dzesango

shiri dzedenga dzichitogara zvadzo

mumatavi awo,

22muti iwoyo, ndimi, iyemi imi mambo.

Makava mukuru mukuru chaiye

mukavawo nesimba.

Ukuru hwenyu hwakakura

zvokutosvika kudenga,

umambo hwenyu hwakatosvika

nekwakaperera nyika.

23“Zvino sokuona kwamakaita

mumwe mutariri anoera

achiburuka kudenga achiti,

‘Temai muti uyu muuparadze!

Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu

chaita zvokusungwa chaizvo

nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango,

mumurege ambonyorova nedova redenga

ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika

ambosaruka kanomwe akadaro.’

24“Changamire heinoi dudziro yazvo:

Izvozvi chirevo chatemwa noWokumusorosoro

chakanangana nemi changamire wangu, mambo,

25chokuti muchabviswa mukati mavanhu

mugondogara pamwechete nemhuka dzesango.

Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova

nedova redenga, muchapedza makore

manomwe makadaro, kusvikira

imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro

ndiye anotonga humambo hwevanhu

achihupa kuna ani naani

waanenge ada zvake.

26Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa

nemidzi yazvo zvisare zvakadaro,

umambo hauzomborega kuva hwenyu

kubvira panguva yamunozoziva kuti

Wedenga ndiye anotonga.

27Naizvozvo imimi mambo dai waro

mukandinzwawo zano rangu iri rokuti,

kandai pasi zvitadzo zvenyu muite

zvakarurama musiyane nouipi

muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa,

ndipo pazvingangoitika kuti

zvinhu zvikufambirei zvakanaka.”

Zvakarotwa namambo Nebhukadhineza zvakazoitika

28Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza.

29Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi,

30mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.”

31Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati,

“Iwe mambo Nebhukadhineza

herino shoko ratinoreva kwauri:

Iwewe wabviswa paumambo,

32uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara

pamwechete nemhuka dzesango

kwauchafuriswa uswa semombe,

uchasaruka kanomwe wakadaro

udzidze kuti iye Wokumusorosoro

ndiye anotonga umambo hwavanhu

uye anohupa kuna ani naani

waanenge ada zvake.”

33Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri.

Mambo Nebhukadhineza akarumbidza Mwari

34Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose:

nokuti hutongi hwake

hutongi hwokugara nokugara

uye umambo hwake,

umambo hunoramba huripo

chizvarwa nechizvarwa.

35Vagari vapanyika vose zvavo

havatomboverengwa sechinhu

uye iye anoita zvinhu

samadiro ake,

mugurusvusvu rezvinhu zvomudenga

napakatiwo pavagari vapanyika

hapana angapikisane naye pasimba

kana kumuti, “Ndicho chii chauri kuita.”

36Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru.

37Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help