Jobhu 9 - Shona Common Language Catholic Bible(SCLBD)

Mhosva dzomunhu kuna Mwari.Minduro yaJobhu: Zvikonzero zvemhosva dzomunhu

1Zvino Jobhu akazopindurawo achiti:

2“Ichokwadi ndinoziva kuti ndizvo,

ko munhu angazviti akarurama sei pamberi paMwari?

3Dai kuri kuti munhu anoda kukakavadzana naMwari

munhu haimbokwanisa kumupindura

muchuru chamazana chezvinoda kutaurwa.

4Mwari anoungwaru mumwoyo make

ane simba guru guru.

Ndiani angamirisana naye akabudirira?

5Iye Mwari anosudurutsa makomo,

iwo asingambozviziva,

paanoakudubura nehasha.

6Iye anondengendengesa nyika

achiibvisa panzvimbo payo,

misimboti yayo ichizunguzika.

7Anotaurira zuva kuti rirege kubuda

iro richitorega kubuda

nyenyedzi achidzikwidibira.

Zviito zvaMwari

8“Ndiye chete akatatamura denga

achitsokodzera masaisai egungwa.

9Ndiye akasika nyenyedzi idzi dzinoti,

hweva, nechinyamutatu, nechinyamutanhatu

nenyenyedzi dzokuMaodzanyemba.

10Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki

zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.

11Tarisai muone anondipfuura napapa asi handimuoni

anouya napandiri asi handizvioni.

12Hamuone kuti anogona kubvuta

asi angamurambidze hapana.

Ndiani angamuti chii chauri kuita?

13Mwari haachadzoka pahasha dzake

kunyange vabatsiri vaRahabhu

vakatokotama pasi pake.

Kurwa naMwari hakuna chimuko

14“Zvino iniwo zvangu

ndingamupindurewo ndichiti kudii,

ndopandingasarudzawo here ini

mazwi okukakavadzana naye?

15Kunyange ndisina mhosva

handikwanisi kumupindura.

Ndinotofanira kuteterera kuitirwa tsitsi

naiye anondipa mhosva.

16Kunyange zvangu ndikamudaidza akadavira

handifunge kuti anomboteerera zvandinotaura.

17Anotondipwanya-pwanya nedutu remhepo

anotondivirikidza maronda pasina chikonzero.

18Haambondipa nguva yokutura mafemo

asi anotondizadza neshungu dzinorwadza.

19Kana kuri kumumanikidza,

ungamanikidze Mwari here?

Kana kuri kukwira dare,

ungakwidze Mwari dare here?

Tinoreva wani kuti Mwari wandiseka

20“Kunyange ndakarurama

muromo wangu pachangu unondipa mhosva.

Kunyange ndisina mhosva anondibata nemhosva.

21Handina zvangu mhosva

asi handichisina hanya nezvandiri

ndava kutosema upenyu hwangu.

22Naizvozvo chimwechete chandinotaura ndechokuti

anoparadza vasina mhosva navaipi.

23Kana nyatwa ikayerekana yauraya munhu

anotoseka zvake jambwa romunhu wakanaka.

24Nyika yakaiswa mumaoko avaipi,

Mwari akazarira maziso avatongi vayo

kana asiri iye anoita izvozvi ndiani ari kuzviita?

Hamumbofa makati ndiri mururami

25“Mazuva angu anomhanya kupinda

mumhanyi anomhanya zvikuru,

anotiza pasinawo chakanaka chaanoona.

26Anoyerera zvawo sehwato hwetsanga

segondo ravakundohatura nyama yaro.

27Ndikati regai ndichikanganwa zvangu

kunyunyuta kwangu

ndisiyane nokuva nouso hwakati surududu

ndive ndinonyemwerera,

28ndinongoramba ndichitya nhamo dzangu dzose.

Ndinoziva kuti hamumbonditi ndiri munhu wakanaka.

29Ndiri munhu anonzi ane mhosva

chandinotamburira zvisina maturo chii zvangu?

Changu ini hapana chandinogona kuita

30“Kana ndikashamba zvangu

nemazaya echando akanyungudika,

kana ndikashamba maoko angu nesoda,

31munotondikanda mundove

ndigosemwa nembatya dzangu.

32Nokuti Mwari haasi munhu seni

wandingagonewo zvangu kupindura

zvokuti ndingamirisanewo naye mudare.

33Hapana angatienzanisire nyaya yedu

anogona kubata-bata kumativi ose.

34Ngaarege kuti mubadha wake uve pandiri,

kumutya zvikuru ngakurege kundisokosa,

35ipapo ndingataure ndisingamutyi

nokuti ndinoziva kuti hazvisizvo zvandiri.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help